ShonaTeam 1 Thessalonians « 3 »

Pauro anotuma Timotio kwavari

3Saka zvataiva tisisagoni kutsunga, takati zvakanaka kuti tisiiwe tiri toga paAtene,

2 ndokutuma Timotio hama yedu nemushumiri waMwari nemushandi pamwe nesu muevhangeri yaKristu, kuti akusimbisei, nekukunyaradzai maererano nerutendo rwenyu,

3 kuti kurege kuva neumwe anozununguswa nematambudziko awa, nokuti munoziva momene kuti takamisirwa izvozvi.

4 Nokuti kunyange tichinemwi, takagara takuudzai kuti tava kuzotambudzwa, sezvazvakaitikawo, nemwi munoziva.

5 Nekuda kweizvozviwo zvandaiva ndisisagoni kutsunga, ndakamutuma kuti ndizive rutendo rwenyu, zvimwe pamwe muidzi wakakuidzai, basa redu rikava pasina.

6 Asi zvino Timotio wakati asvika kwatiri achibva kwamuri, wakatipira mashoko akanaka erutendo rwenyu nerudo, uye kuti mune murangariro wakanaka pamusoro pedu nguva dzose, muchishuva zvikuru kutiona, sesuwo imwi;

7 nekuda kwezvizvi takanyaradzwa, hama, pamusoro penyu padambudziko redu rose nenhamo nerutendo rwenyu;

8 nokuti ikozvino tinorarama, kana imwi mumire makasimba muna Ishe.

9 Nokuti kuvonga kwakadini kwatingagona kuripira kuna Mwari pamusoro penyu, nemufaro wose watinofara nawo nekuda kwenyu pamberi paMwari wedu?

10 Siku nesikati tichinyengetera zvikurusa kuti tione chiso chenyu, tizadzise zvakataira parutendo rwenyu.

11 Zvino dai Mwari pachake naBaba vedu, naIshe wedu Jesu Kristu aruramisira nzira yedu kwamuri;

12 uye dai Ishe akukurisai nekukuwanzirai rudo umwe kune umwe nekune vose, sesuwo kwamuri,

13 kuti asimbise moyo yenyu isingamhuriki pautsvene pamberi paMwari, uye Baba vedu, pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu pamwe nevatsvene vake vose.