ShonaTeam Colossians « 4

4Madzishe, ipai varanda zvakarurama nezvakaringana, muchiziva kuti imwiwo muna Ishe kumatenga.

Kutsungirira pakunamata

2 Tsungirirai pamunyengetero, murinde pakuri nekuvonga;

3 mutinyengetererewo panguva imweyo, kuti Mwari atizarurire mukova weshoko, kutaura chakavanzika chaKristu, chandakasungirwawo;

4 kuti ndichiratidze, sezvandinofanira kutaura.

5 Fambai muuchenjeri kune vari kunze, muchidzikinura nguva.

6 Shoko renyu ngarigare munyasha, rakarungwa nemunyu, kuti muzive kuti munofanira kupindura sei umwe neumwe.

Anotuma Tikiko naOnesimo

7 Zvose zvakanangana neni Tikiko achakuzivisai, hama inodikanwa nemushumiri wakatendeka nemushandi pamwe neni muna Ishe;

8 wandatumira kwamuri ichochi, kuti azive zviri maererano nemwi, nekunyaradza moyo yenyu;

9 pamwe naOnesimo, hama yakatendeka inodikanwa, anova wekwenyu. Vachakuzivisai zvose zviri pano.

Kuwonekana

10 Arisitako musungwa pamwe neni anokukwazisai, naMariko muzukuru waBhanabhasi, wamakagamuchira mirairo maererano naye; kana achisvika kwamuri, mumugamuchire,

11 naJesu anonzi Justo, vevekudzingiswa; ivava chete vabati pamwe neni paushe hwaMwari, vaiva nyaradzo kwandiri.

12 Epafrasi wekwenyu, muranda waKristu, anokukwazisai, achirwa nguva dzose muminyengetero nekuda kwenyu, kuti mumire makazara uye makakwana muchido chose chaMwari.

13 Nokuti ndinomupupurira kuti ane shungu kwazvo nemwi, neveRaodhikia, neveHierapori.

14 Anokukwazisai Ruka chiremba anodikanwa, naDhemasi.

15 Kwazisai hama dziri Raodhikia, naNimifa, nekereke iri mumba make.

16 Zvino kana tsamba iyi yaverengwa pakati penyu, itai kuti nemukereke yevaRaodhikia iverengwe; kuti nemwi muverengewo inobva Raodhikia.

17 Vudzai Akipo, muti: Chenjerera ushumiri hwawakagamuchira muna Ishe, kuti uhupedzise.

18 Kwaziso neruoko rwangu rwaPauro. Rangarirai zvisungo zvangu. Nyasha ngadzive nemwi. Ameni.