ShonaTeam Colossians « 3 »

Ivai vatsvene muchidanana

3Naizvozvo kana makamutswa pamwe naKristu, tsvakai zvekumusoro, uko kuna Kristu agere kuruoko rwerudyi rwaMwari.

2 Rangarirai zviri kumusoro, kwete zviri panyika.

3 Nokuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavigwa pamwe naKristu muna Mwari.

4 Kana Kristu upenyu hwedu achionekwa, ipapo imwiwo muchaonekwa pamwe naye mukubwinya.

5 Naizvozvo urayai mitezo yenyu iri panyika, upombwe, tsvina, kushumba kwakaipa, kuda zvakaipa, uye kuchiva, kunova kunamata zvifananidzo.

6 Nekuda kwezvinhu izvi, hasha dzaMwari dzinouya pavana vekusateerera;

7 imwiwo maimbofamba mazviri, pamairarama mazviri.

8 Asi ikozvino imwiwo bvisai zvose izvi, kutsamwa, hasha, uipi, kunyomba, kutaura zvinonyadzisa kubva mumuromo wenyu;

9 regai kureverana nhema, zvamakabvisa munhu wekare nemabasa ake,

10 mukapfeka mutsva, anovandudzwa paruzivo semufananidzo wewakamusika;

11 apo pasina muGiriki uye muJudha, kudzingiswa uye kusadzingiswa, mutorwa, muSikitia, musungwa, wakasununguka; asi Kristu ndiye zvose, uye ari mune zvose.

12 Naizvozvo pfekai sevasanangurwa vaMwari, vatsvene nevanodikanwa, moyo yetsitsi, moyo munyoro, kuzvininipisa, unyoro, moyo murefu;

13 muchiitirana moyo murefu, nekukanganwirana kana umwe ane mhosva neumwe; Kristu sezvaakakukanganwiraiwo, saizvozvowo imwi;

14 zvino pamusoro pezvinhu zvose izvi pfekai rudo, ndicho chisungo chekupedzeredza.

15 Nerugare rwaMwari ngarwutonge mumoyo yenyu, ndirwo rwamakadanirwawo mumuviri mumwe; uye ivai vanovonga.

16 Shoko raKristu ngarigare mamuri neufumi muuchenjeri hwose; muchidzidzisana nekurairana mumapisarema, nenziyo, nenziyo dzemweya, muimbire Ishe nenyasha mumoyo wenyu;

17 uye zvose chero chipi chamunoita pashoko kana pachiito, itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari naBaba kubudikidza naye.

VaKristu mumba mavo

18 Vakadzi, zviisei pasi pevarume venyu iyemwi, sezvo zvakafanira muna Ishe.

19 Varume, idai vakadzi venyu, uye regai kuvavavira.

20 Vana, teererai vabereki pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza Ishe.

21 Madzibaba, musatsamwisa vana venyu, kuti varege kuora moyo.

22 Varanda, teererai pazvinhu zvose vari vatenzi venyu panyama; kwete nekushandira maziso sevafadzi vevanhu, asi nemoyo wakarurama, muchitya Mwari;

23 uye zvose kunyange chipi chamunoita, itai nemoyo, sekuna Ishe, uye kwete kuvanhu;

24 muchiziva kuti kuna Ishe muchagamuchira mubairo wenhaka; nokuti munoshandira Ishe Kristu.

25 Asi anoita zvisakarurama achagamuchira zvisakarurama zvaakaita; uye hakuna kusarurwa kwavanhu.