ShonaTeam Colossians « 2 »

2Nokuti ndinoda kuti muzive kuti kurwa kukuru zvakadini kwandinako pamusoro penyu, nevari paRaodhikia, nevose vasina kuona chiso changu panyama,

2 kuti moyo yavo inyaradzwe, vasonanidzwe murudo, nemufuma yose yekuvimbiswa kwakakwana kwekunzwisisa, paruzivo rwechakavanzika chaMwari naBaba, nechaKristu,

3 maari fuma yose yeuchenjeri neyeruzivo yakavigwa.

4 Ndinoreva izvi, kuti kusava nemunhu anokunyengerai nemashoko anonyengera.

5 Nokuti kunyange ndisipo panyama, zvakadaro ndinemwi pamweya, ndichifara nekuona kurongeka kwenyu, nekusimba kwerutendo rwenyu muna Kristu.

Anovanyevera kuti varege kutsauswa

6 Naizvozvo sezvamakagamuchira Kristu Jesu Ishe, fambai maari,

7 makadzika midzi nekuvakwa maari, nekusimbiswa murutendo, sezvamakadzidziswa, muchiwedzera makuri nekuvonga.

8 Chenjerai, zvimwe umwe munhu angakupambai neuchenjeri, nekunyengera kusina maturo, setsika dzevanhu, sedzidziso dzekuvamba dzenyika, uye kwete sekuna Kristu.

9 Nokuti kuzara kose kweuMwari kunogara maari pamuviri.

10 Uye makazadziswa maari, iye musoro weutungamiriri hwose nesimba;

11 wamakadzingiswawo maari nedzingiso isina kuitwa nemaoko, pakubvisa muviri wezvivi zvenyama, pakudzingisa kwaKristu;

12 makavigwa pamwe naye pabhabhatidzo, pamakamutswawo pamwe naye nerutendo rwekuita kwaMwari, wakamumutsa kubva kuvakafa.

13 Nemwi makafa mukudarika nekusadzingiswa kwenyama yenyu, wakakuitai vapenyu pamwe naye, akukanganwirai kudarika kose,

14 akadzima rugwaro rwezviga rwaipikisana nesu, rwaipesana nesu, akarubvisa pakati, aruroverera pamuchinjikwa;

15 akurura vatungamiriri nemasimba, akavabudisa pachena, akatungamira kuvakunda mauri.

16 Naizvozvo kusava nemunhu anokutongai pakudya kana pachinwiwa, kana panhau yemutambo kana yekugara kwemwedzi kana yemasabata;

17 zvinova mumvuri wezvinhu zvichauya, asi muviri ndewa Kristu.

18 Kusava nemunhu anokutorerai mubairo wenyu nemano, achifarira kuzvininipisa nekunamata vatumwa, achipindira pazvinhu zvaasina kuona, achizvikudza pasina nepfungwa dzake dzenyama,

19 uye asingabatisisi Musoro, uyo maari muviri wose nezvisungo nemarunda unoriritirwa, nekurukirwa pamwe, uchikura nekukura kwaMwari.

20 Naizvozvo kana makafa pamwe naKristu kune dzidziso dzekuvamba dzenyika, munosungikanirei nemirairo semugere munyika,

21 (usabata, usaravira, usagunzva,

22 izvo zvose zvichaparara nekushandiswa) semirairo nedzidziso dzevanhu?

23 Zvine chimiro cheuchenjeri pakuzvidira kunamata, nekuzvininipisa, nekutambudza muviri; hazvitongobatsiri kukunda kugutsa nyama.