ShonaTeam Philippians « 4

Pauro anovaraira nekuvasimbisa

4Naizvozvo, hama dzangu vadikanwi vanoshuviwa, mufaro wangu nekorona, saizvozvo mirai nesimba muna Ishe, vadikanwi.

2 Ndinokumbirisa Yuodhia, uye ndinokumbirisa Sindike, kuti vave nemurangariro umwe muna Ishe.

3 Uye ndinonyengerera iwewo, umwe wangu wechokwadi pabasa, batsira vanhukadzi vaya, vakabatirana neni paevhangeri, pamwe naKiremendi, nevamwe vakabata neni, mazita avo ari mubhuku reupenyu.

4 Farai muna Ishe nguva dzose; ndinotizve: Farai.

5 Unyoro hwenyu ngahuzikanwe kuvanhu vose. Ishe ari pedo.

6 Musafunganya pamusoro pechinhu, asi pazvinhu zvose, nemunyengetero nemukumbiro nekuvonga, zvikumbiro zvenyu ngazvizikanwe kuna Mwari,

7 zvino rugare rwaMwari rwunopfuura kunzwisisa kose, rwuchachengeta moyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.

8 Pakupedzisira, hama, chose chechokwadi, chose chinokudzwa, chose chakarurama, chose chakachena, chose chinodikanwa, chose chinorumbidzwa, kana kunaka kupi nekupi, uye kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungai zvinhu izvi;

9 nezvamakadzidza nekugamuchira nekunzwa nekuona mandiri, itai izvozvo; naMwari werugare achava nemwi.

Pauro anovonga pamusoro pechipo chavakamutumira

10 Asi ndakafara zvikuru muna Ishe, kuti ikozvino makatomutsiridzazve kundirangarira; kwamaindirangarirawo nako, asi makashaiwa mukana.

11 Kwete kuti ndinotaura izvi nekuda kwekushaiwa, nokuti ini ndadzidza kugutsikana nezvinhu zvandiri.

12 Ndinoziva zvose kuzvidzwa, uye ndinoziva kuva nezvakawandisa; papi nepapi nepazvinhu zvose ndakadzidziswa zvose kuguta nekunzwa nzara, zvose kuva nezvizhinjisa nekushaiwa.

13 Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naKristu anondisimbisa.

14 Kunyange zvakadaro makaita zvakanaka zvamakabatana neni pakutambudzika kwangu.

15 Zvino munozivawo imwi vaFiripi, kuti pakutanga kweevhangeri, pandakabva kuMakedhonia, hapana kereke yakadyidzana neni pashoko rekupa nekugamuchira, asi imwi mega;

16 nokuti kunyange paTesaronika makatumira kamwe nekupamha pakushaiwa kwangu.

17 Kwete kuti ndinotsvaka chipo, asi ndinotsvaka chibereko chinowedzera kuchikwama chenyu.

18 Zvino ndagamuchira zvose uye ndawanzirwa; ndaguta, ndagamuchira kuna Epafrodito zvinhu zvinobva kwamuri, hwema hwezvinonhuhwira, chibairo chinogamuchirwa, chinofadza Mwari.

19 Asi Mwari wangu achazadzisa kushaiwa kwenyu kose zvichienderana nefuma yake mukubwinya, muna Kristu Jesu.

20 Zvino kuna Mwari naBaba vedu, ngakuve nekubwinya kusvika rinhi narinhi. Ameni.

21 Kwazisai mutsvene umwe neumwe muna Kristu Jesu. Hama dzineni dzinokukwazisai.

22 Vatsvene vose vanokukwazisai, zvikuruwo avo veimba yaKesari.

23 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mose. Ameni.