ShonaTeam Philippians « 3 »

Yambiro yaPauro pamusoro pekururama kwevanhu

3Pakupedzisira, hama dzangu, farai muna Ishe. Kukunyorerai zvinhu zvimwechetezvo, kwandiri zvirokwazvo hazvinetesi, asi kwamuri zvinokusimbisai.

2 Chenjererai imbwa, chenjererai vabati vakaipa, chenjererai vekucheka;

3 nokuti isu tiri kudzingiswa, vanonamata Mwari muMweya, tichizvirumbidza muna Kristu Jesu, uye tisingavimbi nenyama;

4 kunyange ini ndingavawo nechivimbo munyama; kana umwewo achifunga kuvimba nenyama, zvikuru ini;

5 ndakadzingiswa nezuva rechisere, ndiri werudzi rwaIsraeri, werudzi rwaBhenjamini, muHebheru wevaHebheru; zviri zvemurairo ndiri muFarisi;

6 maererano nekushingaira ndichishusha kereke; maererano nekururama kuri mumurairo ndisina chandingapomerwa.

7 Asi zvinhu zvaiva mubairo kwandiri, ndizvo zvandakaverenga kuva kurasikirwa nekuda kwaKristu.

8 Hongu zvirokwazvo, uye ndinoverenga zvinhu zvose kuva kurasikirwa nekuda kwekunakisisa kweruzivo rwaKristu Jesu Ishe wangu, wandakarasikirwa nezvinhu zvose nekuda kwake, ndikazviidza kuva marara, kuti ndiwane Kristu;

9 uye ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kunobva kumurairo, asi kunobudikidzwa nerutendo rwaKristu, kururama kunobva kuna Mwari nerutendo;

10 kuti ndimuzive iye, nesimba rekumuka kwake, nekudyidzana kwematambudziko ake, nditodze kufa kwake,

11 kana zvingagoneka ndisvike pakumuka kwevakafa.

12 Handirevi kuti ndakatochiwana, kana ndakatokwaniswa, asi ndinoteverera, kuti ndichibatewo, chandakabatirwawo naKristu Jesu.

13 Hama, ini handizviverengi kuti ndachibata, asi ndinoita chinhu chimwe, ndichikanganwa zvinhu zviri shure, ndichinanavira zvinhu zviri mberi,

14 ndinoteverera kuchinangwa, kumubairo wekudana kwekumusoro kwaMwari muna Kristu Jesu.

15 Naizvozvo isu tose takakwana, ngative nemufungo uyu; uye kana zvimwe mune umwe mufungo, Mwari achakuratidzai kunyange izvi.

16 Asi pane patasvika, ngatifambe nemurairo iwoyu tifunge chinhu ichochi.

17 Hama, ivai vatevedzeri vangu pamwe neni, uye natsai kutarira avo vanofamba saizvozvo sezvamakava nesu semuenzaniso.

18 Nokuti vazhinji vanofamba, vandakakuudzai nezvavo kazhinji, nazvino ndinokuudzai kunyange nekuchema, vavengi vemuchinjikwa waKristu;

19 kuguma kwavo kuparadzwa, mwari wavo idumbu ravo, uye kurumbidzwa kuri mukunyadzwa kwavo, vanofunga zvenyika.

20 Nokuti vubwo hwedu huri kumatenga, uko kwatakataririrawo kuti Muponesi achabva, Ishe Jesu Kristu;

21 uyo achavandudza muviri wekuninipiswa kwedu, kuti ufananidzwe nemuviri wekubwinya kwake, nesimba iro raanogonawo naro kuisa zvinhu zvose pasi pake.