ShonaTeam Philippians « 2 »

Kristu mutungamiriri wedu pakuzvininipisa

2Naizvozvo kana kune imwe kurudziro kuna Kristu, kana imwe nyaradzo yerudo, kana kumwe kudyidzana kweMweya, kana mune umwe moyo munyoro nekunzwira tsitsi,

2 zadzisai mufaro wangu, kuti muve nepfungwa imwe, muve nerudo rumwe, nemweya umwe, nendangariro imwe;

3musingaiti chinhu nenharo kana nekuzvikudza kusina maturo, asi mukuzvininipisa kwemoyo umwe neumwe achikudza vamwe kukupfuurai pakunaka;

4 umwe neumwe ngaarege kutarira zvake, asi umwe neumwe zvinhu zvevamwewo.

5 Nokuti pfungwa iyi ngaive mamuri, yaiva iri muna Kristu Jesuwo;

6 iye ari muchimiro chaMwari, haana kurangarira kuti kuenzana naMwari kunofanira kubatirirwa;

7 asi wakazviita asina maturo, akatora chimiro chemuranda, akava mumufananidzo wevanhu;

8 akati awanikwa muchimiro chemunhu, akazvininipisa, akava wakateerera kusvika parufu, irwo rufu rwemuchinjikwa.

9 Naizvozvo Mwariwo wakamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuura zita rimwe nerimwe;

10 kuti muzita raJesu ibvi rose rifugame, revekudenga, nevepanyika, nevepasi penyika,

11 uye rurimi rwoga-rwoga rwupupure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe, kuve rumbidzo yaMwari Baba.

12 Naizvozvo, vadikanwi vangu, sezvamakateerera nguva dzose, kwete sepakuvapo kwangu chete, asi ikozvino kunyanyisa pakusavapo kwangu, shandai ruponeso rwenyu pachenyu nekutya nekudedera;

13 nokuti ndiMwari anoshanda mamuri, zvose kuda nekuita nekuda kwechido chake chakanaka.

14 Itai zvinhu zvose musinganyunyuti nekupikisana;

15 kuti muve vakachena uye vasina chavangapomerwa, vana vaMwari vasina gwapa pakati perudzi rwakakombama nekutsauka, vamunopenya pakati pavo sezviedza munyika,

16 muchitaridza shoko reupenyu, pakuzvikudza kwangu nezuva raKristu, kuti handina kumhanya pasina, kana kushanda pasina.

17 Asi kana neni ndikadururwa sechibairo chinodururwa pamusoro pechibairo nebasa rerutendo rwenyu, ndinofara uye ndinofara nemwi mose.

18 Nekuda kweizvozvi imwiwo mufare uye mufare pamwe neni.

Pauro anotuma Timotio naEpafrodito

19 Asi ndinovimba muna Ishe Jesu kutumira Timotio kwamuri nekukurumidza, kuti iniwo ndifare pandinoziva zviri maererano nemwi.

20 Nokuti handina munhu ane pfungwa yakadaro, achava nehanya zvirokwazvo nezvenyu.

21 Nokuti vose vanozvitsvakira zvavo, kwete zvinhu zviri zvaKristu Jesu.

22 Asi munoziva kutendeka kwake, kuti semwana kuna baba wakashanda pamwe neni paevhangeri.

23 Zvino ndiye wandinotarisira kutumira kwamuri pakarepo, kana ndaona zvakanangana neni;

24 asi ndinovimba muna Ishe kuti iniwo ndomene ndichakurumidza kuuya.

25 Asi ndakaona zvakafanira kutuma kwamuri Epafrodito, hama, nemushandi pamwe neni neuto pamwe neni, asi nhume yenyu nemushumiri wekushaiwa kwangu;

26 sezvo aiva achikushuvai mose, uye akatambudzika, nokuti maiva manzwa kuti waiva achirwara.

27 Nokuti zvirokwazvo waiva achirwara ari pedo nekufa; asi Mwari wakamunzwira tsitsi; kwete iye oga, asi neni, kuti ndirege kuva neshungu pamusoro peshungu.

28 Naizvozvo ndakashingaira zvikuru kumutuma, kuti kana momuonazve mufare, neni ndiderere shungu.

29 Naizvozvo mugamuchirei muna Ishe nemufaro wose, uye mubate vakadai neruremekedzo;

30 nokuti nekuda kwebasa raKristu wakaswedera pakufa, asingarangariri upenyu hwake, kuti akwanise kushaiwa kundishumira kwenyu.