ShonaTeam Philippians « 1 »

Kwaziso

1 Pauro naTimotio, varanda vaJesu Kristu, kuvatsvene vose muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe nevatungamiriri nevadhikoni:

2 Nyasha kwamuri, nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu nekuna Ishe Jesu Kristu.

Rudo rwaPauro kuvaFiripi

3 Ndinovonga Mwari wangu pakukurangarirai nguva dzose,

4 nguva dzose pamunyengetero wangu woga-woga pamusoro penyu mose ndichiita munyengetero nemufaro,

5 nekuda kwekudyidzana kwenyu muevhangeri kubva zuva rekutanga kusvika ikozvino;

6 ndichivimba chinhu ichi, kuti wakatanga basa rakanaka mamuri, acharipedzisa kusvika zuva raJesu Kristu;

7 sezvazvakandinakira kufunga izvi pamusoro penyu mose, nokuti ndinemwi mumoyo zvekuti zvose muzvisungo zvangu nemukutavirira nekusimbisa kweevhangeri, imwi mose muri vagovani pamwe neni venyasha.

8 Nokuti Mwari ndiye chapupu changu, kuti ndinokushuvai mose zvikuru sei muura hwaJesu Kristu.

9 Uye izvi ndinonyengetera, kuti rudo rwenyu rwurambe rwuchiwandisisa paruzivo nekunzwisisa kose,

10 kuti mutende zvinhu zvakanakisisa, kuti muve vakarurama nevasina mhosva, kusvika zuva raKristu,

11 makazadzwa nezvibereko zvekururama zvinouya naJesu Kristu, pakubwinya nekurumbidzwa kwaMwari.

12 Zvino ndinoda kuti muzive, hama, kuti zvinhu zvakandiwira zvakaita zvikuru kufambira mberi kweevhangeri;

13 zvekuti zvisungo zvangu muna Kristu zvinoratidzwa pamuzinda wose nekuvamwe vose.

14 Nevazhinji vehama muna Ishe, vasimbiswa nezvisungo zvangu, vonyanya kutsunga kutaura shoko raMwari vasingatyi.

15 Vamwe zvirokwazvo vanoparidza Kristu kunyange negodo negakava, nevamwewo nemoyo wakanaka.

16 Vamwe vanoparidza Kristu nenharo, kwete pauchokwadi, vachifunga kuti vawedzere marwadzo pazvisungo zvangu.

17 Asi vamwe vanoita nerudo, vachiziva kuti ndakagadzirwa kutavirira evhangeri.

18 Zvino chii? Kunyange zvakadaro kunzira dzose, kana mumano-mano kana muchokwadi, Kristu anoparidzwa, uye ndinofara mazviri, hongu ndichazofarazve.

19 Nokuti ndinoziva kuti izvi zvichashandukira kwandiri kuva ruponeso kubudikidza nemunyengetero wenyu, nerubatsiro rweMweya waJesu Kristu,

20 zvichienderana nekutarisira kwangu kukuru netariro, kuti handinganyadziswi pachinhu asi neushingi hwose samagariro uye ikozvino Kristu achakudzwa mumuviri wangu, kana neupenyu, kana nerufu.

21 Nokuti kwandiri kurarama ndiKristu, uye kufa mubairo.

22 Asi kana ndichirarama panyama, ichi chibereko chebasa rangu; zvino zvandichasarudza handizivi.

23 Nokuti ndiri mukumanikidzwa pakati pezviviri, ndine chishuwo chekubva nekuva naKristu, zvinopfuurisa kwazvo pakunaka;

24 asi kugara munyama kunonyanyisa kudiwa nekuda kwenyu.

25 Zvino ndine chivimbo ichi, ndinoziva kuti ndichagara, ndicharamba ndigere nemwi mose, pakupfuurira kwenyu mberi, uye mufaro werutendo,

26 kuti kuzvirumbidza kwenyu kuwande muna Kristu Jesu pamusoro pangu kubudikidza nekuvapo kwangu kwamurizve.

27 Chete fambai zvakafanira evhangeri yaKristu, kuti kunyange ndikauya ndikakuonai, kunyange kusavapo, ndinzwe nyaya dzenyu kuti mumire nesimba mumweya umwe, nemoyo umwe muchirwira pamwe rutendo rweevhangeri;

28 uye musingatyityidzirwi nevanopikisa pachinhu chimwe; ndicho chiratidzo chekuparadzwa kwavari, asi kwamuri cheruponeso, uye icho chinobva kuna Mwari.

29 Nokuti kwamuri kwakapiwa pachena pachinzvimbo chaKristu, kwete kutenda kwaari kwega, asi kumutambudzikirawo;

30 mune kurwa kumweko sekwamakaona mandiri, nekunzwa ikozvino mandiri.