ShonaTeam Ephesians « 6

Vana nevabereki

6Vana, teererai vabereki venyu muna Ishe; nokuti izvi zvakarurama.

2 Kudza baba vako namai, unova murairo wekutanga une chivimbiso,

3 kuti zvikunakire, uye urarame nguva refu panyika.

4 Nemwi vana baba, musatsamwisa vana venyu, asi varerei pakuranga nekutsiura kwaIshe.

5 Varanda, teererai vatenzi venyu panyama, nekutya nekudedera, nemoyo wenyu wakarurama, sekuna Kristu;

6 kwete nekushandira maziso, sevafadzi vevanhu, asi sevaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari kubva pamoyo;

7 muchishanda nechido chakanaka sekuna Ishe uye kwete kuvanhu;

8 muchiziva kuti chinhu chipi nechipi chakanaka umwe neumwe chaanoita, achagamuchira ichochi kuna Ishe, kana muranda, kana wakasununguka.

9 Nemwi vana tenzi, itai zvinhu zvimwezvo kwavari, muchirega kuvhundudzira; muchiziva kutiwo Tenzi wenyu pachenyu uri kumatenga; uye kwaari hakuna rusarura rwevanhu.

Nhumbi dzemuKristu dzekurwa nadzo

10 Pakupedzisira hama dzangu, simbai muna Ishe, nemukugwinya kwesimba rake.

11 Shongai zvombo zvose zvaMwari, kuti mugone kumirisana nemano adhiabhorosi;

12 nokuti hatirwisani neropa nenyama, asi neutongi, nemasimba, nevatungamiriri verima renyika ino, nemweya yakaipa kunzvimbo dzekumatenga.

13 Saka torai zvombo zvose zvaMwari kuti mugone kuramba mumire pazuva rakaipa, maita zvose, mumire.

14 Naizvozvo mirai, zvivuno zvenyu zvakasungwa nechokwadi, makapfeka chidzitiro chechifuva chekururama,

15 uye makasunga tsoka negadziriro yeevhangeri yerugare;

16 pamusoro pezvose matora nhovo yerutendo, yamungagona kudzima nayo miseve yose inopfuta yewakaipa.

17 Uye torai nguwani yeruponeso, nemunondo weMweya, unova shoko raMwari;

18 muchinyengetera nguva dzose nemunyengetero wose nemukumbiro muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nekutsungirira kose nekukumbirira vatsvene vose,

19 nepamusoro pangu, kuti shoko ripiwe kwandiri pakushamisa muromo wangu neushingi kuti ndidudzire zvakavanzika zveevhangeri,

20 yandiri nhume yayo mumaketani, kuti mairi nditaure ndisingatyi, sezvandinofanira kutaura.

Mashoko ekupedzisira

21 Asi kuti imwiwo muzive zvakanangana neni, kuti ndinoitei, Tikiko hama inodikanwa, nemushumiri wakatendeka muna Ishe, achakuzivisai zvinhu zvose;

22 wandakatuma kwamuri nechinangwa ichi, kuti muzive zvakanangana nesu, uye anyaradze moyo yenyu.

23 Rugare kuhama, nerudo pamwe nerutendo rwunobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu.

24 Nyasha ngadzive nevose vanoda Ishe wedu Jesu Kristu nekusingaperi. Ameni.