ShonaTeam Ephesians « 5 »

Kusiya mabasa enyama nekugara muchiedza

5Naizvozvo ivai vateveri vaMwari, sevana vanodikanwa;

2 uye fambai murudo, Kristu sezvaakatidawo, akazvipa nekuda kwedu, ave chipo nechibairo kuna Mwari zvive hwema hunonhuhwira.

3 Asi upombwe netsvina yose kana kuchiva ngazvirege kutongorehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene;

4 neunzenza, nekutaura kweupenzi, kana kunemera, zvinhu zvisina kufanira; asi zviri nani kuvonga.

5 Nokuti munozviziva izvi, kuti mhombwe yega-yega, kana munhu asina kuchena, kana munhu anochiva, anova munamati wezvifananidzo, haana nhaka muushe hwaKristu nehwaMwari.

6 Ngakurege kuva nemunhu unokunyengerai nemashoko asina maturo; nokuti nekuda kwezvinhu izvi kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pevana vekusateerera.

7 Naizvozvo regai kuva vagovani navo.

8 Nokuti maimbova rima, asi ikozvino mava chiedza muna Ishe; fambai sevana vechiedza.

9 Nokuti chibereko cheMweya chiri mukunaka kose nekururama nechokwadi,

10 muchiongorora zvinofadza kuna Ishe;

11 uye musadyidzana nemabasa erima asina zvibereko, asi zviri nani mutsiurewo;

12 nokuti zvinhu zvinoitwa navo pakavanda zvinonyadzisa kunyange kutaura.

13 Asi zvinhu zvose zvinotsiurwa zvinoratidzwa nechiedza; nokuti zvose zvinoratidzwa chiedza.

14 Naizvozvo anoti: Simuka iwe urere, uye muka kubva kuvakafa, zvino Kristu achakuvhenekera.

15 Naizvozvo chenjerai kuti munofamba sei nekuchenjerera, kwete semapenzi asi sevakachenjera;

16 muchidzikinura nguva, nokuti mazuva akaipa.

17 Naizvozvo musava matununu, asi munzwisise zviri kuda kwaIshe.

18 Uye regai kuraradza newaini, makuri mune bongozozo guru, asi zadzwai neMweya,

19 muchitaurirana nemapisarema, nenziyo, nenziyo dzeMweya, muchiimba nekuita mutinhimira mumoyo yenyu kuna Ishe,

20 muchipa kuvonga nguva dzose pamusoro pezvinhu zvose kuna Mwari naBaba, muzita raIshe wedu Jesu Kristu,

21 muchizviisa pasi umwe kune umwe mukutya Mwari.

VaKristu mumba mavo

22 Vakadzi, zviisei pasi pevarume venyu iyemwi, sekuna Ishe,

23 nokuti murume musoro wemukadzi, saKristuwo ari musoro wekereke, uye ndiye Muponesi wemuviri.

24 Asi kerekewo sezvairi pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi kuvarume vavo pachavo pachinhu chose.

25 Varume, idai vakadzi venyu pachenyu, Kristu sezvaakadawo kereke, akazvipa nekuda kwayo;

26 kuti aiite tsvene ainatse nekusuka kwemvura neShoko,

27 kuti aikumikidze kwaari, kereke inobwinya isina gwapa kana kuwonyana kana chimwe chezvakadai, asi kuti ive tsvene isina chaingapomerwa.

28 Saizvozvo varume vanofanira kuda vakadzi vavo pachavo semiviri yavo pachavo. Anoda mukadzi wake pachake, anozvida iye.

29 Nokuti hakuna wakatongovenga nyama yake pachake, asi anoifunda nekuchengetedza, sezvinoita Ishewo kukereke;

30 nokuti isu tiri mitezo yemuviri wake, yenyama yake neyemapfupa ake.

31 Nekuda kweizvozvi munhu achasiya baba namai vake, ndokubatanidzwa kumukadzi wake; uye ava vaviri vachava nyama imwe.

32 Chakavanzika ichi chikuru, asi ndinotaura zvaKristu nezvekereke.

33 Asi imwiwo umwe neumwe pachake ngaade mukadzi wake pachake sezvaanozvida iye; nemukadzi aone kuti atye murume.