ShonaTeam Ephesians « 1 »

Kwaziso

1 Pauro, muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, kuvatsvene vari muEfeso, nekune vakatendeka muna Kristu Jesu:

2 Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu uye Ishe Jesu Kristu.

Mikomborero iri muna Jesu Kristu, musoro wekereke

3 Ngaarumbidzwe Mwari uye Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, wakatiropafadza neropafadzo yose yemweya pazvinhu zvekudenga muna Kristu;

4 sezvaakatisarudza maari pasati pava nekuvambwa kwenyika, kuti tive vatsvene, uye vasingamhuriki pamberi pake murudo,

5 agara atitemera mukuitwa vana kwaari kubudikidza naJesu Kristu, sekuda kwakanaka kwechido chake,

6 kuve rumbidzo yekubwinya yenyasha dzake, madziri wakatiropafadza muMudikanwi;

7 watine dzikunuro maari neropa rake, iyo kangamwiro yekudarika, zvichienderana nefuma yenyasha dzake,

8 dzaakawanza kwatiri mukuchenjera kose neungwaru,

9 azivisa kwatiri chakavanzika chechido chake, sekushuva kwakanaka kwake kwaakaronga pachake;

10 kuti pakubata kwekuzara kwenguva, aunganidze pamwe zvinhu zvose muna Kristu, zvose zviri kumatenga nezviri panyika;

11imo maari, muna iye matakawanawo nhaka, yatakagara tatemerwa zvichienderana nechiga chaiye anoita zvinhu zvose zvichienderana nezano rechido chake,

12 kuti tive rumbidzo yekubwinya kwake, isu takatanga kuvimba kuna Kristu;

13 nemwi muna iye, manzwa shoko rechokwadi, evhangeri yeruponeso rwenyu; kuna iyewo matenda kwaari makapiwa mucherechedzo neMweya Mutsvene wechivimbiso,

14 ari chibatiso chenhaka yedu, kusvikira rudzikunuro rwezvakawanikwa, kurumbidzo yekubwinya kwake.

15 Naizvozvo iniwo ndakati ndanzwa zverutendo rwenyu muna Ishe Jesu, nerudo kuvatsvene vose,

16 handiregi kukuvongerai, ndichikurangarirai paminyengetero yangu;

17 kuti Mwari waIshe wedu Jesu Kristu, Baba vekubwinya, akupei mweya weuchenjeri newechakazarurwa paruzivo pamusoro pake;

18 meso epfungwa dzenyu avhenekerwa kuti muzive kuti tariro yekudana kwake chii, uye fuma yekubwinya kwenhaka yake pavatsvene chii,

19 uye kuti ukuru hwakapfuvurisa hwesimba rake kwatiri isu tinotenda chii, maererano nekubata kweusamasimba hwesimba rake,

20 raakashandisa muna Kristu, achimumutsa kubva kuvakafa, nokumugarisa kuruoko rwake rwerudyi panzvimbo dzekudenga,

21 kumusoro-soro kweutongi hwose, nesimba, neukuru, neushe, nezita roga-roga rinodanwa, kwete panguva ino chete, asi kune inouyawo;

22 akaisawo zvose pasi petsoka dzake, akamupa kuva musoro pamusoro pezvose kukereke,

23 ndiwo muviri wake, kuzara kwaiye anozadzisa zvose mune zvose.