ShonaTeam Galatians « 5 »

Chengetai kusununguka kwenyu muna Kristu

5Naizvozvo mirai makasimba murusununguko Kristu rwaakatisunungura narwo, uye musasungwazve nejoko reuranda.

2 Tarirai, ini Pauro ndinoti kwamuri, kuti kana muchidzingiswa, Kristu haakubatsirii chinhu.

3 Uye ndinopupurirazve kumunhu wose anodzingiswa, kuti ane ngava rekuita murairo wose.

4 Makasunungurwa kuna Kristu, imwi munonzi makarurama kumurairo; makawa panyasha.

5 Nokuti isu paMweya tinomirira nerutendo tariro yekururama.

6 Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvibatsiri chinhu; asi rutendo rwunobata nerudo.

7 Manga muchimhanya zvakanaka; ndiani wakakudzivisai kuti murege kuteerera chokwadi?

8 Uku kukwezva hakubvi kune anokudanai.

9 Mbiriso shoma inovirisa bundu rose.

10 Ini ndine chivimbo nemwi muna Ishe, kuti hamuchazorangariri chimwe chinhu; asi uyo anokutambudzai achatakura mutongo, angava ani.

11 Asi ini, hama, kana ndichiri kuparidza dzingiso, ndichiri kushushirwei? Naizvozvo chigumbuso chemuchinjikwa chabviswa.

12 Ndingati avo vanokutambudzai vazvichekewo.

13 Nokuti imwi makadanirwa kurusununguko, hama; chete kwete kuti rusununguko rwuve mukana panyama, asi nerudo shandiranai.

14 Nokuti murairo wose unozadziswa pashoko rimwe, pane ichi kuti: Ude wekwako sezvaunozvida iwe.

15 Asi kana muchirumana nekudyana, chenjerai kuti murege kupedzwa umwe neumwe wenyu.

Mabasa enyama nezvibereko zveMweya

16 Zvino ndinoti: Fambai muMweya, zvino hamungatongozadzisi kuchiva kwenyama.

17 Nokuti nyama inochiva zvinopesana neMweya, neMweya zvinopesana nenyama; uye izvi zvinopesana; kuti musaita zvinhu zvamunoda.

18 Asi kana muchitungamirirwa neMweya, hamusi pasi pemurairo.

19 Zvino mabasa enyama ari pachena, ndiwo awa: Upombwe, ufeve, tsvina, unzenza,

20 kunamata zvifananidzo, uroyi, ruvengo, makakava, godo, kutsamwa, kupokana, kupatsanurana, kutsauka,

21 shanje, umhondi, uraradzi, makaro, nezvakadai; zvandinogara ndakuudzai sezvandakagarawo ndareva, kuti vanoita zvakadai havazodyi nhaka yeushe hwaMwari.

22 Asi chibereko cheMweya rudo, mufaro, rugare, moyo murefu, moyo munyoro, kunaka, rutendo,

23 unyoro, kuzvidzora; hakuna murairo unopikisa zvakadai.

24 Asi avo vari vaKristu vakaroverera pamuchinjikwa nyama pamwe nehavi neruchiva.

25 Kana tichirarama muMweya, ngatifambewo muMweya,

26 tirege kuzvikudza kusina maturo, tichidenhana, tichiitirana shanje.