ShonaTeam Galatians « 4 »

Tiri vana vaMwari nekuda kwaKristu

4Zvino ndinoti, mudyi wenhaka, kana achingori mwana chete, haatongosiyani nemuranda, kunyange ari ishe wezvose;

2 asi ari pasi pevachengeti nevatariri kusvika panguva yakatarwa nababa.

3 Saizvozvo nesu, pataiva tiri vana, taiva muuranda pasi pedzidziso dzekutanga dzenyika.

4 Asi apo kuzara kwenguva kwasvika, Mwari wakatuma Mwanakomana wake, wakavapo kubva kumukadzi, wakavapo pasi pemurairo,

5 kuti adzikunure vari pasi pemurairo, kuti tigamuchire kuitwa vanakomana.

6 Uye nokuti muri vanakomana, Mwari wakatuma Mweya weMwanakomana wake mumoyo yenyu, achidanidzira achiti: Abha*, Baba!

7 Saka hausisiri muranda, asi mwanakomana; zvino kana wava mwanakomana, wavawo mudyi wenhaka yaMwari nemuna Kristu.

8 Asi nenguva iyo, musingazivi Mwari, maiva varanda vevasiri vamwari pachisikirwo;

9 asi ikozvino sezvo moziva Mwari, zvikuru sei zvamunozikanwa naMwari, modzokerazve sei kudzidziso dzekutanga dzisina simba dzeurombo, dzamunoshuva kuva muuranda hwadzo zvekarezve?

10 Munochengetedza misi, nemwedzi, nenguva, nemakore.

11 Ndinokutyirai, zvimwe ndakashingairira pasina kwamuri.

12 Ivai seni, nokuti ini ndakaitawo semwi, hama, ndinokukumbirisai; hamuna kutombonditadzira chinhu;

13 munozivawo kuti nemuundonda hwenyama, ndakaparidza evhangeri kwamuri pakutanga.

14 Nemuedzo wangu waiva panyama yangu hamuna kuzvidza kana kuramba, asi makandigamuchira semutumwa waMwari, saKristu Jesu.

15 Zvino ropafadzo yenyu chii? Nokuti ndinokupupurirai kuti, kana zvichibvira, mutumbure meso enyu mundipe.

16 Naizvozvo ndava muvengi wenyu nekukuudzai chokwadi here?

17 Vanokushingairirai zvisina kunaka; asi vanoda kukuvharirai kunze, kuti mushingairire ivo.

18 Asi zvakanaka kushingaira pachakanaka nguva dzose, uye kwete pakuvapo kwangu chete.

19 Vana vangu vadiki, vandinorwadziwazve nemimba pakubereka, kusvika Kristu aumbwa mamuri,

20 asi ndaishuva kuvapo nemwi ikozvino, uye kushandura inzwi rangu; nokuti ndiri mukukanganiswa pamusoro penyu.

Sungano mbiri

21 Ndiudzei, imwi munoshuva kuva pasi pemurairo, hamunzwi murairo here?

22 Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahama waiva ane vanakomana vaviri, umwe kubva kumurandakadzi, neumwe kubva kune wakasununguka.

23 Asi wakabva kumurandakadzi wakaberekwa panyama, asi wakabva kune wakasununguka nechivimbiso.

24 Zvinhu izvi zvinodimikira; nokuti ava isungano mbiri; imwe yepagomo reSinai, inoberekera uranda, inova Agari.

25 Nokuti Agari ndiro gomo reSinai muArabhiya, rinomiririra Jerusarema raikozvino uye riri pauranda pamwe nevana varo.

26 Asi Jerusarema riri kumusoro rakasununguka rinova mai vedu tose.

27 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Fara, iwe mhanje isingazvari; pururudza, udanidzire, iwe usingarwadziwi nemimba, nokuti vana vemusiiwa vazhinji kwazvo kune veune murume.

28 Asi isu, hama, saIsaka tiri vana vechivimbiso.

29 Asi sepanguva iyo uyo wakaberekwa nemutoo wenyama wakamutambudza iye wemutoo weMweya, zvakadaro kunyange ikozvino.

30 Asi rugwaro rwunoti kudini? Dzinga murandakadzi nemwanakomana wake; nokuti mwanakomana wemurandakadzi haangatongovi mudyi wenhaka pamwe nemwanakomana wewakasununguka.

31 Naizvozvo, hama, hatisi vana vemurandakadzi, asi vewakasununguka.