ShonaTeam Galatians « 3 »

Munhu anonzi wakarurama nerutendo

3Haiwa vaGaratiya matununu, ndiani wakakuroyai kuti murege kuteerera chokwadi, imwi makaratidzwa Jesu Kristu pachena pamberi pemeso, akarovererwa pamuchinjikwa pakati penyu?

2 Ndichochi chete chandinoda kudzidza kwamuri chekuti: Makagamuchira Mweya nemabasa emurairo here, kana nekunzwa kwerutendo?

3 Ko muri matununu akadai? Makatanga muMweya, zvino mopedzisa munyama here?

4 Makatambudzika zvikuru zvakadai pasina here? Zvakadaro pasinawo!

5 Naizvozvo iye anokupai Mweya neanoita mabasa esimba pakati penyu, anozviita nemabasa emurairo here, kana nekunzwa kwerutendo?

6 Abhurahama sezvaakatenda Mwari, zvikaverengwawo kwaari kuti kururama.

7 Naizvozvo munoziva kuti avo verutendo, ndivo vana vaAbhurahama.

8 Nerugwaro, rwaona zviri mberi kuti Mwari anoti vahedheni vakarurama kubudikidza nerutendo, rwakagara rwaparidza evhangeri kuna Abhurahama, ruchiti: Mauri marudzi ose acharopafadzwa.

9 Naizvozvo verutendo vanoropafadzwa pamwe naAbhurahama wakatenda.

10 Nokuti vose vemabasa emurairo vari pasi pekutukwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Wakatukwa wose asingarambiri pazvose zvakanyorwa mubuku yemurairo kuti azviite.

11 Asi zviri pachena kuti hakuna munhu anonzi wakarurama nemurairo pamberi paMwari, nokuti kunonzi: Wakarurama achararama nerutendo.

12 Zvino murairo haubvi parutendo, asi zvinonzi: Munhu anoita zvinhu izvi achararama mazviri.

13 Kristu wakatidzikinura pachakatukwa chemurairo, aitirwa chakatukwa isu, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Wakatukwa wose wakaremberera pamuti;

14 kuti ropafadzo yaAbhurahama isvike kuvahedheni muna Kristu Jesu, kuti tigamuchire nerutendo chivimbiso cheMweya.

15 Hama, ndinotaura nemutoo wevanhu; kunyange sungano yevanhu yasimbiswa, hakuna munhu anoikonesa kana kuwedzera kwairi.

16 Zvino zvivimbiso zvakataurwa kuna Abhurahama nekumbeu yake. Haarevi achiti: Nekumbeu dzako, sevanenge vazhinji, asi saanenge ari mumwe, anoti: Nekumbeu yako; inova Kristu.

17 Ndinoreva ichiwo: Sungano yakagara yasimbiswa naMwari muna Kristu, murairo ukazouya makore mazana mana nemakumi matatu apfuura haungaishaisi maturo, kuti uite chivimbiso chive chisina maturo.

18 Nokuti kana nhaka ichibva kumurairo, haichabvi kuchivimbiso; asi Mwari wakapa pachena Abhurahama nechivimbiso.

19 Ko murairo chii? Wakawedzerwa nekuda kwekudarika, kusvika mbeu yasvika yakaitirwa chivimbiso; wakagadzwa nevatumwa muruoko rwemurevereri.

20 Asi murevereri haasi weumwe, asi Mwari ndeumwe.

21 Ko murairo unopesana nezvivimbiso zvaMwari here? Ngazvisadaro! Nokuti dai paiva pane murairo wakapiwa unogona kuraramisa, zvirokwazvo kururama kungadai kuchibva kumurairo.

22 Asi rugwaro rwakapfigira zvose pasi pechivi, kuti chivimbiso chinobva parutendo rwaJesu Kristu chipiwe kune vanotenda.

23 Asi kusati kwasvika rutendo, taichengetwa pasi pemurairo, takapfigirwa kusvika kurutendo rwaizozarurwa shure.

24 Saizvozvo murairo waiva uri murairidzi wedu kuna Kristu, kuti tinzi takarurama nerutendo.

25 Asi rutendo rwakati rwasvika, hatisisiri pasi pemurairidzi.

26 Nokuti mose muri vana vaMwari nerutendo muna Kristu Jesu.

27 Nokuti mose makabhabhatidzwa muna Kristu, makapfeka Kristu.

28 Hakuna muJudha kana muGiriki, hakuna wakasungwa kana wakasununguka, hakuna munhurume nemunhukadzi; nokuti imwi mose muri vamwe muna Kristu Jesu.

29 Zvino kana imwi muri vanhu vaKristu, saka muri mbeu yaAbhurahama, uye vadyi venhaka maererano nechivimbiso.