ShonaTeam Galatians « 2 »

Kubatidzana kwaPauro nevamwe vaapositori

2Shure kweizvozvo kwapfuura makore gumi nemana ndakakwirazve kuJerusarema naBhanabhasi, ndikatorawo naTitosi.

2 Zvino ndakakwira nekuzarurirwa, ndokuvarondedzera evhangeri yandinoparidza pakati pevahedheni, asi pachivande kune vaiva vachikudzwa, zvimwe ndimhanyire kana ndakamhanyira pasina.

3 Asi kunyange Titosi waiva neni, ari muGiriki, haana kurovererwa kuti adzingiswe;

4 uye nekuda kwehama dzenhema, vaiva vapinzwa pachivande, vaiva vapinda nekunyangira kuzoshora kusununguka kwedu kwatinako muna Kristu Jesu, kuti vatiise muuranda;

5 vatisina kutendera nekuzviisa pasi kunyange kweawa; kuti chokwadi cheevhangeri chirambe chigere nemwi.

6 Asi kune vainzi chinhu (kunyange vaimbova chii hazvirevi chinhu kwandiri; Mwari haagamuchiri chimiro chemunhu), nokuti avo vaikudzwa havana kundiwedzera chinhu;

7 asi pachinzvimbo chaizvozvo, vakati vaona kuti evhangeri yevasina kudzingiswa yakakumikidzwa kwandiri, saPetro yevakadzingiswa,

8 (nokuti iye wakaita nesimba kuna Petro kuvuapositori hwekudzingiswa, wakaita nesimba nekwandiri kuvahedheni);

9 zvino vaziva nyasha dzandakapiwa, vanaJakobho naKefasi naJohwani, vaikudzwa kuva mbiru, vakapa ini naBhanabhasi ruoko rwerudyi rwekudyidzana, kuti isu tiende kuvahedheni, ivowo kune vakadzingiswa;

10 chete kuti tirangarire varombo, ichocho chandakashingairirawo kuita.

11 Zvino Petro wakati asvika Andiyokiya, ndakamupikisa pachiso, nokuti waiva ane mhosva.

12 Nokuti vamwe vasati vasvika vaibva kuna Jakobho, waidya nevahedheni; asi kana vasvika waisuduruka, achizviraura, achitya vekudzingiswa.

13 Nevamwewo vaJudha vakanyepedzera pamwe naye, zvekuti naBhanabhasi wakatorwa neunyepedzeri hwavo.

14 Asi ndakati ndaona kuti havafambi zvakarurama maererano nechokwadi cheevhangeri, ndakati kuna Petro pamberi pevose: Kana iwe uri muJudha, unorarama nemutoo wevahedheni, uye kwete sezvinoita vaJudha, unoroverera sei vahedheni kuti vararame sevaJudha?

15 Isu tiri vaJudha pachisikirwo, uye kwete vatadzi vanobva kuvahedheni,

16 tichiziva kuti munhu haanzi wakarurama nemabasa emurairo, asi nerutendo kuna Jesu Kristu, nesu takatenda kuna Kristu Jesu, kuti tinzi takarurama nerutendo kuna Kristu, uye kwete nemabasa emurairo; nokuti nemabasa emurairo hakuna nyama ichanzi yakarurama.

17 Asi kana isu, tinotsvaka kunzi takarurama kuna Kristu, nesu tomene tiwanikwe tiri vatadzi, naizvozvo Kristu wava mushumiri wechivi here? Ngazvisadaro!

18 Nokuti kana ndikavakazve izvi zvandakaputsa, ndinozviratidza kuva mudariki.

19 Nokuti ini nemurairo ndakafa kumurairo, kuti ndirarame kuna Mwari.

20 Ndakarovererwa pamuchinjikwa pamwe naKristu; asi ndinorarama; handisisiri ini, asi Kristu anorarama mandiri; asi zvandinorarama ikozvino panyama, ndinorarama nerutendo rweMwanakomana waMwari, wakandida akazvipa nekuda kwangu.

21 Handishaisi nyasha dzaMwari maturo; nokuti kana kunzi wakarurama kuchiwanikwa nemurairo, saka Kristu wakafira pasina.