ShonaTeam 2 Corinthians « 11 »

Pauro anozvidavirira pamabasa ake

11Dai muchindiitira moyo murefu zvishoma paupenzi hwangu; asiwo munondiitira moyo murefu.

2 Nokuti ndine godo nemwi negodo raMwari; nokuti ndakakuwanisai kumurume umwe, kuti ndikukumikidzei muri mhandara yakachena kuna Kristu.

3 Asi ndinotya kuti zvimwe nyoka sezvayakanyengera Evha nemano ayo, saizvozvo ndangariro dzenyu dzingatsauswa pauchokwadi huri muna Kristu.

4 Nokuti kana anosvika achiparidza umwe Jesu watisina kuparidza, kana zvimwe muchigamuchira umwe mweya wamusina kugamuchira, kana imwe evhangeri yamusina kugamuchira, zvakanaka kuti muzviitire moyo murefu.

5 Nokuti ndinoona ndisingasariri nepadiki kuvaapositori vakurusa.

6 Kanawo kunyange ndisina kudzidza pashoko, asi kwete paruzivo; asi pachinhu chose takaratidzwa kwamuri muzvinhu zvose.

7 Kana ndakaita chivi here pakuzvininipisa kuti imwi mukudzwe, nokuti ndakaparidza kwamuri evhangeri yaMwari pasina muripo?

8 Ndakapamba amwe makereke, ndichitora muripo kuti ndikushandirei.

9 Uye pandaiva ndiripo kwamuri ndichishaiwa handina kuremedza munhu; nokuti zvandaishaiwa, hama dzaibva Makedhonia dzakapa; uye pazvose ndakazvichengeta kuti ndirege kuva mutoro kwamuri, uye ndichazvichengeta.

10 Chokwadi chaKristu chiri mandiri, kuti kuzvikudza uku hakungamiswi mandiri kumatunhu eAkaya.

11 Nemhaka yei? Nokuti handikudii here? Mwari anoziva.

12 Asi chandinoita, ndichaitawo, kuti ndigure mukana kune vanoshuva mukana; kuti pane zvavanozvikudza nazvo vawanikwe vakaita sesuwo.

13 Nokuti vakadaro vaapositori venhema, vabati vanonyengera, vanozvishandura kuva vaapositori vaKristu.

14 Hazvishamisiwo; nokuti Satani amene anozvishandura kuva mutumwa wechiedza.

15 Naizvozvo hachisi chinhu chikuru kana nevashumiri vake vachizvishandura kuita sevashumiri vekururama; kuguma kwavo kuchava semabasa avo.

Kutambudzika kwaPauro pamusoro peevhangeri

16 Ndinotizve: Ngakurege kuva nemunhu anofunga kuti ndiri benzi; asi kana zvisakadaro, sebenziwo ndigamuchirei, kuti neni ndizvikudze zvishoma.

17 Zvandinotaura, handitauri sekuna Ishe, asi sepaupenzi, pachivimbo ichi chekuzvikudza.

18 Sezvo vazhinji vachizvikudza panyama, iniwo ndichazvikudza.

19 Nokuti munoitira mapenzi moyo murefu nemufaro muri vakachenjera.

20 Nokuti munoita moyo murefu, kana munhu achikuisai muuranda, kana munhu achikudyai kupedza, kana munhu achikutapai, kana munhu achizvikudza, kana munhu achikurovai kumeso.

21 Ndinoreva sechinyadzo, senge kuti isu taiva tine utera. Asi pane chipi nechipi umwe paane ushingi (ndinotaura paupenzi), ini ndine ushingiwo.

22 VaHebheru here? Neniwo. VaIsraeri here? Neniwo. Imbeu yaAbhurahama here? Neniwo.

23 Vashumiri vaKristu here? Ndinotaura semupengo, ndinovapfuura, zvikurusa pamabasa anorema, pamavanga kupfuura chipimo, mumajere zvikurusa, pandufu kazhinji.

24 KuvaJudha ndakagamuchira kashanu shamhu dzine makumi mana kusiya imwe.

25 Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe ndakatakwa nemabwe, katatu ndakaputsikirwa nechikepe, usiku humwe nemasikati ndaiva ndiri muudziku hwegungwa;

26 panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzemakororo, panjodzi nevekwangu, panjodzi nevahedheni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi mugungwa, panjodzi pakati pehama dzenhema;

27 pakutambudzika nepakuremerwa, pakusarara kazhinji, panzara nenyota, pakutsanya kazhinji, pachando nepakushama.

28 Kunze kwezvinhu izvi zviri panze, kurangarira makereke ose kunondimanikidza zuva rimwe nerimwe.

29 Ndiani anoshaiwa simba, neni ndikasashaiwa simba? Ndiani anogumburwa, neni ndikasatsva?

30 Kana zvakafanira kuzvikudza, ndichazvikudza nezvinhu zveutera hwangu.

31 Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, anorumbidzwa kusvika rinhi narinhi, anoziva kuti handirevi nhema.

32 PaDhamasiko mutungamiriri wamambo Areta wakarinda guta reveDhamasiko achida kundibata;

33 uye ndakaburuswa nepahwindo ndiri mudengu nepamudhuri, ndikapukunyuka pamaoko ake.