ShonaTeam 2 Corinthians « 8 »

Zvipo zvakaunganidzirwa varombo

8Zvino tinokuzivisai, hama, nyasha dzaMwari dzakapiwa pamakereke eMakedhonia;

2 kuti pakuedzwa kukuru kwedambudziko, kuwanzwa kwemufaro wavo neurombo hwavo hwakadzama zvakawedzera pafuma yekupa kwavo.

3 Nokuti vaiva vane chido pakukwanisa kwavo, ndinopupura, kunyange kupfuura kukwanisa kwavo,

4 nechikumbiro chikuru vakatigombedzera, kuti tigamuchire chipo uye kugovana parubatsiro rwunova rwevatsvene;

5 uye kwete sezvatakatarisira, asi vakatanga kuzvipa ivo kuna Ishe, nekwatiri nechido chaMwari.

6 Zvekuti takakurudzira Tito, kuti sezvaaiva ambotanga, saizvozvo apedzisewo kwamuri basa iri renyashawo.

7 Asi sezvamakawanza pazvose, parutendo, uye pashoko, uye paruzivo, uye pakushingaira kose, uye parudo rwenyu kwatiri, tarirai kuti muwanzewo pabasa iri renyasha.

8 Handitauri semurairo, asi nekushingaira kwevamwe uye ndichiidza uchokwadi hwerudo rwenyu.

9 Nokuti munoziva nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, kuti kunyange aiva akafuma, nekuda kwenyu wakava murombo, kuti imwi kubudikidza neurombo hwake mufume.

10 Zvino pachinhu ichi ndinopa maonero; nokuti ichi chinokubatsirai, imwi makatotanga kubva gore rakapera, kwete kuita chete, asi nekuda.

11 Asi ikozvinowo pedzisai kuita, kuti, sezvapane chishuwo chemoyo, saizvozvo kuripo kupedzisawo kubva pane zvamunazvo.

12 Nokuti kana chishuwo chemoyo chiripo, munhu anogamuchirika zvichienderana nezvaanazvo, kwete kuenderana nezvaasina.

13 Nokuti hakusi kuti vamwe vave nekurerusirwa, imwi muremerwe;

14 asi kubva pakuenzana, panguva yaikozvino, zvakawanda zvenyu zviwedzere pakushaiwa kwavo, kutiwo zvakawanda zvavo zviwedzere pakushaiwa kwenyu, kuti kuve nekuenzana,

15 sezvazvakanyorwa zvichinzi: Wakaunganidza zvizhinji haana kuva nezvakasara; newakaunganidza zvishoma haana kushaiwa.

16 Asi ngaavongwe Mwari wakaisa mumoyo maTito kushingaira kwakadaro kwamuri,

17 kuti zvirokwazvo wakagamuchira kurudziro, asi zvaaiva achishingaira zvikuru, wakabva akaenda kwamuri nechido chake.

18 Zvino takatuma pamwe naye hama, rumbidzo yake muevhangeri yakagura nemumakereke ose;

19 zvisati zviri izvozvo chete, asi wakasarudzwawo nemakereke kuti atiperekedze nenyasha idzi, dzakabatiswa nesu mukurumbidzwa kwaIshe uyu, nechishuwo chemoyo wenyu;

20 tichidzivirira izvi, zvimwe umwe angatimhura pamusoro pezvipamhidzirwa izvi zvinobatiswa nesu;

21 tichirangarira zvakanaka kwete pamberi paIshe chete asi pamberi pevanhuwo.

22 Uye takatuma navo hama yedu, yatakawana yakashingaira pazvizhinji kazhinji, asi zvino anonyanya kushingaira nekuda kwekukuvimbai kukuru.

23 Kana zviri zvaTito, umwe wangu nemushandi pamwe neni kwamuri; kana hama dzedu, nhume dzekereke, vari kukudzwa kwaKristu.

24 Naizvozvo ratidzai kwavari uchapupu hwerudo rwenyu nehwekuzvikudza kwedu pamusoro penyu, nepamberi pemakereke.