ShonaTeam 2 Corinthians « 6 »

Kusazvifunga kwaPauro pakuparidza kwake

6Zvino tinobata pamwe naye, nesu tinokumbira zvikuru kuti musagamuchira nyasha dzaMwari pasina;

2 nokuti anoti: Nenguva yakafanira ndakakunzwa, uye pazuva reruponeso ndakakubatsira; tarira, ikozvino inguva yakafanira; tarira, ikozvino izuva reruponeso.

3 Hatigumbusi kunyange pachinhu, kuti shumiro irege kumhurwa;

4 asi pazvose tinozviratidza sevashumiri vaMwari, pakutsungirira kuzhinji, pamatambudziko, pakuomerwa, pakudzvinyirirwa,

5 pakurohwa, pakusungwa, pamabongozozo, pamabasa anorema, pakusarara, pakutsanya,

6 pakuchena, paruzivo, pamoyo murefu, paunyoro, paMweya Mutsvene, parudo rusinganyepedzeri,

7 pashoko rechokwadi, pasimba raMwari, pazvombo zvekururama kurudyi nekuruboshwe,

8 nekukudzwa uye kuzvidzwa, nekureverwa zvakaipa uye kureverwa zvakanaka; sevanyepedzeri, tiri vechokwadiwo;

9 sevasingazikanwi, tichizikanwawo zvikuru; sevanofa, tarirawo, tinorarama; sevanorohwa, tisingaurawiwo;

10 sevakasuruvadzwa, asi tichifara nguva dzose; sevarombo, asi tichifumisa vazhinji; sevasina chinhu, asi tine zvose.

Vatsvene ngavaparadzane nezvakaipa zvese

11 VeKorinde, muromo wedu wakashamira imwi, moyo wedu wakuriswa.

12 Hamudzvinyidzirwi matiri, asi munodzvinyidzirwa muvura hwenyu.

13 Zvino pakutsiva kwakadaro (ndinotaura sekune vana vangu), imwiwo kuriswai.

14 Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe nevasingatendi; nokuti kururama kungava nekudyidzana kwei nekusarurama? Uye chiedza chingadyidzana sei nerima?

15 Uye Kristu ane kunzwana kwei naBeriari? Kana anotenda angava nemugove wei neasingatendi?

16 Netembere yaMwari ine kutenderana kupi nezvifananidzo? Nokuti imwi muri tembere yaMwari mupenyu, Mwari sezvaakareva kuti: Ndichagara mavari, uye ndichafamba pakati pavo; ndichavawo Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.

17 Naizvozvo budai pakati pavo mutsaurwe, anoreva Ishe, uye musabata chakasviba; iniwo ndichakugamuchirai.

18 Uye ndichava Baba kwamuri, nemwi muchava vanakomana nevanasikana kwandiri, anoreva Ishe Wemasimbaose.