ShonaTeam 2 Corinthians « 5 »

5Nokuti tinoziva kuti kana imba yedu yenyika yetende ichiputswa, tine chivakwa chinobva kuna Mwari, imba isina kuitwa nemaoko, isingaperi kumatenga.

2 Nokuti nemune iyi tinogomera, tichishuva kuti tifukidzwe neimba yedu inobva kudenga;

3 kana nesu takapfekedzwa hatingawanikwi takashama.

4 Nokuti nesu tiri mutende tinogomera, tichiremerwa; nokuti hatishuvi kukururwa, asi kufukidzwa, kuti chinofa chimedzwe neupenyu.

5 Zvino wakatigadzirira chinhu ichochi ndiMwari, wakatipawo chibatiso cheMweya.

6 Naizvozvo tine ushingi nguva dzose, tichiziva kuti tichiri kumusha mumuviri, tiri kure naIshe;

7 nokuti tinofamba nerutendo, kwete nekuona;

8 naizvozvo tine ushingi, uye tinofara zvikuru kuti zviri nani kusava pamuviri, uye kuva kumusha naIshe.

9 Naizvozvowo tinoedza zvikuru, kana tiri pamusha kana tisiri pamusha, kuti tigamuchirike kwaari.

10 Nokuti tose tinofanira kuonekwa pamberi pechigaro chekutonga chaKristu, kuti umwe neumwe agamuchire zvinhu zvaakaita nemuviri, zvichienderana nezvaakaita, kana zvakanaka kana zvakaipa.

Yananiso iri munaJesu Kristu

11 Naizvozvo tichiziva kutyisa kwaIshe tinonyengetedza vanhu, asi tinoratidzwa kuna Mwari; uye ndine chivimbo kuti tiratidzwewo pahana dzenyu.

12 Nokuti hatizvizivisizve kwamuri, asi tinokupai mukana wekuzvirumbidza nekuda kwedu, kuti mugone kumirisana nevanozvirumbidza pachiso, kwetewo pamoyo.

13 Nokuti kana tichipenga, tinopenga kuna Mwari; kana tiri vanhu kwavo, tiri kwavo kwamuri.

14 Nokuti rudo rwaKristu rwunotimanikidza, nokuti tinoona izvozvi kuti kana umwe akafira vose, zvino vose vakafa;

15 uye wakafira vose kuti avo vanorarama vachirega kuzozviraramira ivo, asi iye wakavafira nekumukazve.

16 Naizvozvo kubvira ikozvino isu hatizivi munhu panyama; uye kunyange kana takaziva Kristu panyama, asi ikozvino hatichamuzivi saizvozvo.

17 Kuti kana munhu ari muna Kristu, wava chisikwa chitsva; zvekare zvapfuura, tarira zvose zvava zvitsva.

18 Uye zvose zvinobva kuna Mwari, wakatiyananisa naye kubudikidza naJesu Kristu, uye wakatipa shumiro yeyananiso;

19 sezvinonzi Mwari waiva achiyananisa nyika kwaari muna Kristu, asingavaverengeri kudarika kwavo, akaisa kwatiri shoko reyananiso.

20 Naizvozvo tiri nhume pachinzvimbo chaKristu, Mwari saanenge achikumbirisa nesu; tinokumbirisa pachinzvimbo chaKristu tichiti: Yananiswai naMwari.

21 Nokuti uyo waiva asingazivi chivi wakamuita chivi pachinzvimbo chedu, kuti isu tive kururama kwaMwari maari.