ShonaTeam 2 Corinthians « 4 »

Pauro anoparidza Jesu Kristu nemoyo wose

4Naizvozvo zvatine shumiro iyi, sezvatakagamuchira tsitsi, hatineti;

2 asi takarasa zvinhu zvakavanzika zvechinyadzo, tisingafambi neunyengeri, kana kuminamisa shoko raMwari; asi nekuratidza chokwadi, tichizvipupurira kuhana yose yevanhu pamberi paMwari.

3 Zvinowo kana evhangeri yedu yakafukidzwa, yakafukidzwa kune avo vanoparara;

4 kwavari mwari wenyika ino wakapofumadza pfungwa dzevasingatendi, kuti chiedza cheevhangeri yekubwinya yaKristu ari mufananidzo waMwari chisavhenekera kwavari.

5 Nokuti hatizviparidzi, asi Kristu Jesu Ishe; uye isu tiri varanda venyu nekuda kwaJesu.

6 Nokuti Mwari wakati chiedza chivhenekere kubva parima ndiye wakavhenekera mumoyo yedu, kuti atipe chiedza cheruzivo rwekubwinya kwaMwari pachiso chaJesu Kristu.

7 Asi tine fuma iyi mumidziyo yevhu, kuti ukuru-ukuru hwesimba huve hwaMwari, uye husabva kwatiri;

8tinodzvanyidzirwa pamativi ose, asi hatimanikidzwi; tinovhiringidzika, asi hatipererwi;

9tinoshushwa, asi kwete kusiiwa; tinowisirwa pasi, asi kwete kuparadzwa;

10 tichipota takatakura nguva dzose kufa kwaIshe Jesu mumuviri, kuti upenyuwo hwaJesu huratidzwe mumuviri wedu.

11 Nokuti isu tinorarama tinogara tichipiwa kurufu nekuda kwaJesu, kuti upenyuwo hwaJesu huratidzwe munyama yedu inofa.

12 Saizvozvo rufu rwunobata matiri, asi upenyu mamuri.

13 Zvino tine mweya iwoyu werutendo, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Ndakatenda, naizvozvo ndakataura; isuwo tinotenda, naizvozvowo tinotaura;

14 tichiziva kuti iye wakamutsa Ishe Jesu, achatimutsawo isu naJesu, agotikumikidza pamwe nemwi.

15 Nokuti zvinhu zvose zvinoitwa nekuda kwenyu, kuti nyasha dzakapamhidzirwa nekuda kwekuvonga kwevazhinji, dziwedzerwe dzive rukudzo rwaMwari.

Kutambudzika kwepano panyika ndekwenguva diki

16 Naizvozvo hatineti, asi kunyange kana munhu wedu wekunze achiparadzwa, zvakadaro wemukati anovandudzwa zuva nezuva.

17 Nokuti dambudziko redu rakareruka riripo kwechinguva chidiki, rinotiitira uremu hwekubwinya kukurusa kusingaperi;

18 tisingatariri zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi; nokuti zvinoonekwa ndezvenguva, asi zvisingaonekwi ndezvekusingaperi.