ShonaTeam 2 Corinthians « 3 »

Pauro anozviratidza kukereke

3Tinotangazve kuzviratidza here? Kana tinotsvaka here, sevamwe, tsamba dzekuzviratidza kwamuri, kana dzekuratidza kunobva kwamuri?

2 Imwi muri tsamba yedu, yakanyorwa mumoyo yedu, inozikanwa nekuverengwa nevanhu vose;

3 muchiratidzwa kuti muri tsamba yaKristu inoshandiswa nesu, yakanyorwa kwete neingi, asi neMweya waMwari anorarama; kwete pamahwendefa emabwe, asi pamahwendefa enyama emoyo.

4 Nechivimbo chakadai tinacho naKristu kuna Mwari;

5 kwete kuti tinokwanisa isu pachedu kufunga chimwe chinhu sechinobva kwatiri, asi kukwanisa kwedu kunobva kuna Mwari;

6 iye wakatigonesa kuva vashumiri vesungano itsva, kwete yechakanyorwa asi yeMweya; nokuti chakanyorwa chinouraya, asi Mweya unoraramisa.

7 Asi kana ushumiri hwerufu, pazvinyorwa zvakavezwa pamabwe hwakasvikira mukubwinya, zvekuti vana vaIsraeri vakakoniwa kutarisisa chiso chaMozisi nekuda kwekubwinya kwechiso chake, kwaipedzwa,

8 ko shumiro yeMweya haingazovi nekubwinya kukuru here?

9 Nokuti kana shumiro yekupiwa mhosva iri kubwinya, shumiro yekururama ichakunda zvikuru sei mukubwinya.

10 Nokuti kunyange icho chakabwinyiswa hachina kubwinyiswa pachinhu ichi nekuda kwekubwinya uku kwakanyanyisa.

11 Nokuti kana icho chinopedzwa chaiva nekubwinya, zvikuru sei icho chinogara, pakubwinya.

12 Naizvozvo tine tariro yakadai, tinoshandisa ushingi ukuru mukutaura;

13 uye kwete saMozisi waiisa chifukidziro pachiso chake, kuti vana vaIsraeri varege kutarisisa kuguma kwezvinopedzwa.

14 Asi pfungwa dzavo dzakaomeswa, nokuti kusvika zuva rino chifukidziro ichochi chichiripo chisina kubviswa pakuverengwa kwetesitamende yekare, chakapedzwa muna Kristu.

15 Asi kusvika zuva rino, kana kuchiverengwa Mozisi, chifukidziro chirere pamoyo wavo.

16 Chero rinhi kana achidzokera kuna Ishe, chifukidziro chinobviswa.

17 Zvino Ishe ndiye Mweya; uye pane Mweya waIshe pane rusununguko.

18 Asi isu tose, nechiso chakashama tichiona sepachionioni kubwinya kwaIshe, tinoshandurirwa kumufananidzo iwoyo kubva pakubwinya kuenda pakubwinya, sezvinobva kuMweya waIshe.