ShonaTeam 2 Corinthians « 2 »

2Asi ndakazvipira izvi, kusauyazve kwamuri mukusuwa.

2 Nokuti kana ini ndichikusuwisai, ndiani zvino anondifadza, kunze kwaiye wakasuruvadzwa neni?

3 Zvino ndakakunyorerai chinhu ichi chakadai kuti ndasvika, ndirege kusuwiswa naivo vanofanira kundifadza, ndine chivimbo mamuri mose, kuti mufaro wangu ndewenyu mose.

4 Nokuti kubva mudambudziko guru nekusuruvara kwemoyo ndakakunyorerai nemisodzi mizhinji, kwete kuti murwadziswe, asi kuti muzive rudo rukurusa rwandinarwo kwamuri.

5 Zvino kana umwe akarwadzisa, haana kurwadzisa ini, asi muchidimbu (kuti ndirege kukutakudzai mutoro) mose.

6 Kuranga uku kwakakwanira wakadai ndiko kwevazhinji;

7 kuti panzvimbo yaizvozvi zviri nani kuti mumukanganwire nekunyaradza, kuti wakadaro arege kumedzwa nekusuruvara kukuru.

8 Naizvozvo ndinokukumbirisai kuti musimbise rudo kwaari.

9 Nokuti ndizvo zvandakanyorerawo, kuti ndizive kuedzwa kwenyu, kana muchiteerera pazvinhu zvose.

10 Zvino iye wamunokanganwira chinhu, neni ndinomukanganwira; nokuti kana neni ndichikanganwira chinhu, uyo wandinenge ndakakanganwira, ndinozviita nekuda kwenyu pamberi pechiso chaKristu,

11 kuti tirege kushandiswa naSatani; nokuti hatizi vasingazivi mano ake.

Zvibereko zvekuparidza kwaPauro

12 Zvino ndichisvika paTroasi neevhangeri yaKristu, ndazarurirwa mukova muna Ishe,

13 handina kuwana zororo pamweya wangu, pakusawana kwangu Tito hama yangu; asi ndakawonekana navo ndikabva ndikaenda kuMakedhonia.

14 Zvino ngaavongwe Mwari, anotikundisa nguva dzose muna Kristu, uye anoratidza nesu panzvimbo dzose hwema hweruzivo rwake.

15 Nokuti tiri hwema hunonhuhwira hwaKristu kuna Mwari pane ivo vanoponeswa nepane ivo vanoparara;

16 kune vamwe hwema hwerufu mukufa, nekune vamwe hwema hweupenyu muupenyu. Zvino ndiani angakwanira zvinhu izvi?

17 Nokuti hatifanani nevazhinji vanokanganisa shoko raMwari; asi sevanobva pauchokwadi, asi sezvinobva kuna Mwari pamberi paMwari tinotaura muna Kristu.