ShonaTeam 1 Corinthians « 16

Zvipo zvekupa vamwe vatendi

16Zvino maererano nezvakaunganidzirwa vatsvene, sezvandakaraira makereke eGaratiya, imwiwo itai saizvozvo.

2Nemusi wekutanga woga-woga wevhiki, umwe neumwe wenyu ngaazvichengetere parutivi pakubudirira kwaakaita, kuti zvino kurege kuva nekuunganidza kana ndichisvika.

3 Uye pandinosvikira, chero vamunotenda, netsamba, ivo ndichavatuma, vagondoisa chipo chenyu kuJerusarema.

4 Kana zvakafanira kuti ini ndiendewo, vachaenda neni.

5 Zvino ndichauya kwamuri, kana ndagura neMakedhonia; nokuti ndinogura neMakedhonia;

6 uye zvimwe ndichagara nemwi, kanawo kupedza chando, kuti imwi mugondiperekedza pose pandinoenda.

7 Nokuti handishuvi kukuonai ikozvino ndichipfuura; asi ndinovimba kugara imwe nguva nemwi, kana Ishe achitendera.

8 Asi ndichagara paEfeso kusvika paPendekosita*.

9 Nokuti ndazarurirwa mukova mukuru uye une simba; nevanopikisa vazhinji varipo.

10 Zvino kana Timotio achisvika, onai kuti anemwi asingatyi; nokuti anobata basa raIshe seniwo.

11 Naizvozvo ngakurege kuva neanomuzvidza. Asi mumuperekedze murugare, kuti auye kwandiri; nokuti ndakamutarisira pamwe nehama.

12 Zvino maererano naAporo hama, ndakamukumbira zvikuru kuti auye kwamuri pamwe nehama; asi zvirokwazvo chishuwo chake chaiva chisiri chekuuya ikozvino, asi achauya kana awana nguva yakafanira.

13 Rindai, mumire makasimba murutendo, itai sevarume, musimbe.

14 Zvinhu zvenyu zvose ngazviitwe nerudo.

15 Ndinokukumbirisai hama, munoziva imba yaStefana, kuti ndicho chibereko chekutanga cheAkaya, uye vakazvipira kushandira vatsvene;

16 kuti nemwi muzviise pasi pevakadaro, nekune vose vanobata pamwe nesu, uye vachishingaira.

17 Ndinofarawo nekuuya kwaStefana naForitunato naAkaiako, nokuti ivo vakazadzisa kutaira kwenyu.

18 Nokuti vakavandudza mweya wangu newenyu. Naizvozvo rangarirai vakadaro.

Mashoko ekupedzisira

19 Makereke epaAsia anokukwazisai. Akwira naPrisira vanokukwazisai zvikuru muna Ishe, pamwe nekereke iri mumba mavo.

20 Hama dzose dzinokukwazisai. Kwazisanai nekutsvoda kutsvene.

21 Kwaziso neruoko rwangu rwaPauro.

22 Kana munhu asingadi Ishe Jesu Kristu, ngaave chakatukwa. Uyai Ishe!

23 Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nemwi.

24 Rudo rwangu ngaruve nemwi mose muna Kristu Jesu. Ameni.