ShonaTeam 1 Corinthians « 15 »

Kumuka kwevakafa

15Naizvozvo, hama, ndinokuzivisai evhangeri yandakakuparidzirai, yamagamuchirawo, neyamumire mairi;

2 uye yamunoponeswawo nayo, kana muchibatisisa inzwi reevhangeri randakaparidza kwamuri, kunze kwekuti makatenda pasina.

3 Nokuti ndakakumikidza kwamuri pakutanga izvo zvandakagamuchirawo, kuti Kristu wakafira zvivi zvedu, zvichienderana nemagwaro;

4 uye kuti wakavigwa, uye kuti wakamutswa nezuva retatu, zvichienderana nemagwaro;

5 uye kuti wakaonekwa kuna Kefasi, pashure kune vanegumi nevaviri;

6 shure kweizvozvo wakaonekwa kuhama dzinopfuura mazana mashanu nguva imwe, vazhinji vavo varipo kusvika ikozvino, asi vamwewo varara;

7 shure kweizvozvo wakaonekwa kuna Jakobho; pashure kuvaapositori vose.

8 Uye pakupedzisira kwevose akaonekwa neniwo, sekune wakazvarwa nguva isina kufanira.

9 Nokuti ini ndiri mudikisa wevaapositori, handifaniri kunzi muapositori, nokuti ndakashusha kereke yaMwari.

10 Asi nenyasha dzaMwari ndiri zvandiri, uye nyasha dzake dziri pandiri hadzina kuva pasina; asi ndakabata zvikuru kupfuura vose; zvakadaro handisi ini, asi nyasha dzaMwari dzineni.

11 Naizvozvo, kana ndiri ini kana ivo, saizvozvo tinoparidza uye saizvozvo makatenda.

12 Zvino kana Kristu achiparidzwa kuti wakamutswa kubva kuvakafa, vamwe pakati penyu vanoreva sei kuti hakuna kumuka kwevakafa?

13 Asi dai pasina kumuka kwevakafa, naKristu haana kumutswa;

14 uye kana Kristu asina kumutswa, naizvozvo kuparidza kwedu hakuna maturo, nerutendo rwenyuwo harwuna maturo.

15 Nesuwo tinowanikwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema, nokuti takapupura zvaMwari kuti wakamutsa Kristu iye waasina kumutsa, kana kuri kuti vakafa havamutswi.

16 Nokuti dai vakafa vasingamutswi, Kristu haanawo kumutswa;

17 uye dai Kristu asina kumutswa, rutendo rwenyu haruna maturo; muchiri muzvivi zvenyu.

18 Naizvozvo nevarere muna Kristu vaparara.

19 Dai muupenyu huno tine tariro muna Kristu chete, tinonzwisa tsitsi kukunda vanhu vose.

20 Asi ikozvinowo Kristu wakamutswa kubva kuvakafa, akava chibereko chekutanga chevarere.

21 Nokuti sezvo nemunhu rufu rwakauya, kumuka kwevakafawo kwakauya nemunhu.

22 Nokuti vose muna Adhamu sezvavanofa, saizvozvowo vose muna Kristu vachararamiswa.

23 Asi umwe neumwe padzoro rake; Kristu chibereko chekutanga, tevere avo vari vaKristu pakuuya kwake,

24 kozouya kuguma, paachazokumikidza umambo kuna Mwari, ivo Baba, paachaparadza kutonga kose neushe hwose nesimba.

25 Nokuti anofanira iye kutonga, kusvika aisa vose vavengi pasi petsoka dzake.

26 Muvengi wekupedzisira uchaparadzwa ndirwo rufu.

27 Nokuti wakaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Asi kana achiti zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake, zviri pachena kuti ari kunze wakaisa zvinhu zvose pasi pake.

28 Zvino kana zvinhu zvose zvaiswa pasi pake, ipapo Mwanakomanawo amene achaiswa pasi paiye wakaisa zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvose mune zvose.

29 Ko, vanobhabhatidzirwa vakafa vachaita sei kana vakafa vasingatongomutswi? Vakagobhabhatidzirwa vakafa nemhaka yei?

30 Nemhaka yei nesu tiri panjodzi awa rega-rega?

31 Ndinofa zuva nezuva, ndinopika nokuzvikudza pamusoro penyu kwandinako muna Kristu Jesu Ishe wedu.

32 Kana ndakarwa nenzira yevanhu nezvikara paEfeso, zvinondibatsirei, kana vakafa vasingamutswi? Ngatidye nekunwa, nokuti mangwana tinofa.

33 Musanyengerwa; kushamwaridzana nevakaipa kunoodza tsika dzakanaka.

34 Pengenukai nenzira yekururama uye musatadza, nokuti vamwe vane kusaziva Mwari; ndinotaura kuti muve nenyadzi.

35 Asi umwe achati: Vakafa vanomutswa sei? Uye vanouya nemuviri wakaita sei?

36 Dununu, icho chaunodzvara iwe hachiitwi chipenyu kunze kwekuti chafa;

37 uye icho chaunodzvara, haudzvari muviri uchavapo, asi tsanga isina chinhu, kana yezviyo kana yezvimwe;

38 asi Mwari anoipa muviri paanoda napo, nekumbeu imwe neimwe muviri wayo pachayo.

39 Nyama yose haisi nyama imwe; asi imwe inyama yevanhu, imwewo inyama yemhuka, imwewo yehove, imwewo yeshiri.

40Kune miviriwo yekudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kweyekudenga ndekumwe, asi kweyenyika ndekumwe.

41 Kumwe kubwinya ndekwezuva, nekumwe kubwinya ndekwemwedzi, uye kumwe kubwinya ndekwenyeredzi, nokuti nyeredzi inosiyana neimwe nyeredzi pakubwinya.

42 Kwakadarowo kumuka kwevakafa. Kunodzvarwa mukuora, kunomutswa mukusaora;

43 kunodzvarwa mukuzvidzwa, kunomutswa mukubwinya; kunodzvarwa muutera, kunomutswa musimba.

44 Kunodzvarwa kuri muviri wechisikirwo, kunomutswa kuri muviri wemweya. Kune muviri wechisikirwo, uye kune muviri wemweya.

45 Zvakanyorwawo saizvozvo zvichinzi: Munhu wekutanga Adhamu wakaitwa munhu anorarama; Adhamu wekupedzisira mweya weupenyu unoraramisa.

46 Asi zvinotanga hazvisi zvemweya asi zvechisikirwo; tevere zvemweya.

47 Munhu wekutanga wakabva panyika, ndewevhu; munhu wechipiri ndiIshe anobva kudenga.

48 Sewevhu, vakadarowo avo vevhu; uye sewekudenga, vakadarowo vekudenga.

49 Uye sezvatakatakura chimiro chewevhu, tichatakurawo chimiro chewekudenga.

50 Zvino ndinoreva izvi, hama, kuti nyama neropa hazvingagoni kugara nhaka yeushe hwaMwari; nokuora hakungagari nhaka yekusaora.

51 Tarirai, ndinokuudzai chakavanzika: Hatingavati tose, asi tichashandurwa tose;

52 nenguva diki-diki, mukuhwaira kweziso, pahwamanda yekupedzisira; nokuti hwamanda icharira, uye vakafa vachamutswa mukusaora, nesu tichashandurwa.

53 Nokuti ichi chinoora chinofanira kupfeka kusaora, neichi chinofa chipfeke kusafa.

54 Zvino kana ichi chinoora chapfeka kusaora, neichi chinofa chapfeka kusafa, ipapo kuchaitika shoko rakanyorwa rinoti: Rufu rwakamedzwa mukukunda.

55 Iwe rufu, rumborera rwako rwuripi? Iwe guva, kukunda kwako kuripi?

56 Rumborera rwerufu chivi, nesimba rechivi murairo.

57 Zvino ngaavongwe Mwari anotipa kukunda naIshe wedu Jesu Kristu.

58 Naizvozvo, hama dzangu dzinodikanwa, simbai, musingazungunuswi, nguva dzose muchiwedzerwa pabasa raIshe muchiziva kuti kubata kwenyu hakusi pasina muna Ishe.