ShonaTeam 1 Corinthians « 14 »

Chipo chekuporofita chakanaka kupfuura chipo chendimi

14Tevererai rudo; mushuve zvikuru zvemweya, asi zvikurusa kuti muporofite.

2 Nokuti anotaura nendimi haatauri kuvanhu, asi kuna Mwari; nokuti hakuna anomunzwa; asi mumweya anotaura zvakavanzika.

3 Asi anoporofita anotaura kuvanhu kuvaka nekurudziro nenyaradzo.

4 Anotaura nendimi anozvivaka iye; asi anoporofita anovaka kereke.

5 Ndinodawo kuti imwi mose mutaure nendimi, asi zvikuru kuti muporofite; nokuti anoporofita mukuru kune anotaura nendimi, kunze kwekuti achidudzira, kuti kereke iwane kuvakwa.

6 Asi ikozvino, hama, kana ndichiuya kwamuri ndichitaura nendimi, ndichakubatsirai nei, kunze kwekuti ndichitaura nemwi kana muchakazarurwa, kana muruzivo, kana muchiporofita, kana mudzidziso?

7 Zvakadaro zvinhu zvisina upenyu zvinorira, kana nyere, kana mbira, kana zvisingapi musiyano pamaririro, zvingazikanwa sei chinoridzwa nenyere kana kuridzwa mbira?

8 Nokutiwo kana hwamanda ichipa maungira asinganzwisisiki, ndiani angazvigadzira hondo?

9 Saizvozvowo imwi, kana musingapi nerurimi shoko rakareruka kunzwisiswa, zvinotaurwa zvichazikanwa sei? Nokuti muchava vanotaura kumhepo.

10 Ariko, kana zvingaitika, manzwi ane marudzi mazhinji zvakadai panyika asi hakuna rimwe risingarevi chinhu.

11 Naizvozvo kana ndisingazivi zvinoreva inzwi, ndichava munhu werumwe rurimi kune anotaura, neanotaura munhu werumwe rurimi kwandiri.

12 Zvakadaro nemwi, sezvamunoshingairira zvipo zveMweya, tsvakai kuti mupfuurise pakuvaka kereke.

13 Naizvozvo anotaura nendimi ngaanyengetere kuti adudzire.

14 Nokuti kana ndichinyengetera nendimi, mweya wangu unonyengetera, asi pfungwa dzangu hadzina chibereko.

15 Zvino chii? Ndichanyengetera nemweya, uye ndichanyengetera nepfungwawo; ndichaimba nemweya, uye ndichaimba nepfungwawo.

16 Kana zvisakadaro, kana uchivonga nemweya, uyo agere pachigaro cheasina kudzidza achati Ameni sei pakuvonga kwako, zvaasingazivi chaunotaura?

17 Nokuti zvirokwazvo iwe unovonga zvakanaka, asi umwe haavakwi.

18 Ndinovonga Mwari wangu, kuti ndinotaura nendimi kupfuura imwi mose;

19 asi mukereke ndinoda kutaura mashoko mashanu nepfungwa dzangu, kuti ndidzidzise vamwewo, pamashoko zvuru gumi nendimi.

20 Hama, musava vana papfungwa; asi pazvakaipa muve vacheche, asi pakuziva muve vakuru.

21 Pamurairo pakanyorwa kuti: Nedzimwe ndimi uye neimwe miromo ndichataura kurudzi urwu; kunyange zvakadaro havangandinzwi, anoreva Ishe.

22 Naizvozvo ndimi ndedzechiratidzo, kwete kune vanotenda, asi kune vasingatendi; asi chiporofita hachisi chevasingatendi, asi chevanotenda.

23 Naizvozvo kana kereke yose yaungana panzvimbo imwe, vose ndokutaura nendimi, vasina kudzidza kana vasina rutendo vakapinda, havati munopenga here?

24 Asi kana vose vakaporofita, umwe asingatendi kana asina kudzidza ndokupinda, achatsiurwa nevose, aongororwe nevose;

25 uye saizvozvo zvakavanzika zvemoyo wake zvinoratidzwa; saizvozvowo achawa nechiso achinamata Mwari, nekupupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo.

Zvose ngazviitwe nemutoo wakanaka mukereke

26 Zvino chii, hama? Poga-poga pamunoungana, umwe neumwe wenyu ane pisarema, ane dzidziso, ane ndimi, ane chakazarurwa, ane dudziro. Zvinhu zvose ngazviitirwe kuvaka.

27 Kana umwe achitaura nendimi ngazviitwe nevaviri, kana varege kupfuura vatatu, uye vachiravana, neumwe ngaadudzire.

28 Asi kana pasina mududziri, ngaanyarare mukereke; uye ngaazvitaurire nekuna Mwari.

29 Vaporofitawo ngavataure vaviri kana vatatu, nevamwe ngavatonge.

30 Asi kana zvakazarurirwa umwe agerepo, wekutanga ngaanyarare.

31 Nokuti mose mungaporofita umwe-umwe, kuti vose vadzidze, uye vose vakurudzirwe;

32 uye mweya yevaporofita inozviisa pasi pevaporofita.

33 Nokuti Mwari haasi wenyonga-nyonga, asi werugare, sapamakereke ose evatsvene.

34 Vanhukadzi venyu ngavanyarare mumakereke; nokuti havatenderwi kutaura; asi kuzviisa pasi, sezvinorevawo murairo.

35 Kana vachidawo kudzidza chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba; nokuti chinyadzo kumunhukadzi kutaura mukereke.

36 Ko shoko raMwari rakabva kwamuri here? Kana rakasvika kwamuri moga here?

37 Kana munhu achifunga kuti muporofita kana wemweya, ngaatende zvinhu zvandinonyora kwamuri, kuti mirairo yaIshe.

38 Asi kana munhu asingazivi, ngaave asingazivi.

39 Naizvozvo, hama, shingairirai kuporofita, uye musingadzivisi kutaura nendimi.

40 Zvinhu zvose ngazviitwe nemutoo wakafanira uye zvichitevedzana.