ShonaTeam 1 Corinthians « 12 » |
Kusiyana kwezvipo zveMweya
12Zvino maererano nezvipo zveMweya, hama, handidi kuti musaziva.
2 Munoziva kuti maiva vahedheni muchikweverwa kuzvifananidzo mbeveve, sezvamaitungamirirwa.
3 Saka ndinokuzivisai, kuti hakuna munhu anotaura neMweya waMwari anoti: Jesu ndichakatukwa; uye hakuna munhu angati: Jesu ndiIshe; kunze neMweya Mutsvene.
4 Zvino kune marudzi akasiyana ezvipo, asi Mweya ndeumwe.
5 Uye kune marudzi akasiyana eushumiri, asi Ishe mumwe.
6 Kune marudzi akasiyana emabasa, asi ndiMwari umwe, anobata zvose mune vose.
7 Asi umwe neumwe anopiwa kuratidza kweMweya kune zvinobatsira.
8 Nokuti kune umwe kunopiwa neMweya shoko reuchenjeri, nekune umwe shoko reruzivo, neMweya iwoyu;
9 nekune umwe rutendo, neMweya iwoyu, nekune umwe zvipo zvekuporesa, neMweya iwoyu;
10 nekune umwe kuita mabasa esimba, nekune umwe chiporofita, nekune umwe kupatsanura mweya, nekune umwe marudzi endimi, nekune umwe kududzira ndimi;
11 asi izvi zvose Mweya iwoyu umwe unozviita, unogovera umwe neumwe pachake sezvaanoda.
Mitezo mizhinji asi muviri umwe
12 Nokuti muviri sezvauri umwe, uye une mitezo mizhinji, nemitezo yose yemuviri uyu umwe, kunyange iri mizhinji, muviri ndeumwe; wakadarowo Kristu.
13 Nokutiwo neMweya umwe isu tose takabhabhatidzirwa mumuviri umwe, kana vaJudha kana vaGiriki, kana varanda kana vakasununguka; tesewo takanwiswa paMweya umwe.
14 Nokutiwo muviri hausi mutezo umwe asi mizhinji.
15 Kana rutsoka rukati: Nokuti handisi ruoko, handisi wemuviri; zvisinei naizvozvi harwusi rwemuviri here?
16 Nenzeve kana ikati: Nokuti handisi ziso, handisi wemuviri; zvisinei naizvozvi haisi yemuviri here?
17 Dai muviri wose waiva ziso, kunzwa kwaivepi? Kana wose waiva kunzwa, kunhuhwidza kungadai kuripi?
18 Asi zvino Mwari wakagadza mitezo, umwe neumwe wayo, pamuviri, sezvaakada.
19 Asi kana yose yaiva mutezo umwe, muviri ungadai uri kupi?
20 Asi zvino mitezo mizhinji, asi muviri umwe.
21 Uye ziso harigoni kuti kuruoko: Handinei newe; kanazve musoro kutsoka: Handinei newe.
22 Asi zvikuru kwazvo mitezo iyo yemuviri inoonekwa seisina simba zvikuru, inodikanwa;
23 naiyo yemuviri yatinofunga kuti haikudzwi, ndiyo yatinopa rukudzo zvakawedzerwa; nemitezo iyo yedu isina kunaka ine runako rwakawedzerwa;
24 asi yedu ine runako haishaiwi; asi Mwari wakabatanidza muviri pamwe, apa rukudzo rukuru kune yaishayiwa,
25 kuti parege kuva nekupatsanurana pamuviri; asi mitezo ichengetane zvakaenzana.
26 Uye kana mutezo umwe uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe nawo; kana mutezo umwe uchikudzwa, mitezo yose inofara pamwe nawo.
27 Zvino imwi muri muviri waKristu, nemitezo, umwe neumwe.
28 Uye Mwari wakagadza vamwe pakereke, kutanga vaapositori, kechipiri vaporofita, kechitatu vadzidzisi, kozouya mabasa esimba, tevere zvipo zvekuporesa, mabasa erubatsiro, utungamiriri, ndimi dzakasiyana-siyana.
29 Vose vaapositori here? Vose vaporofita here? Vose vadzidzisi here? Vose vanoita mabasa esimba here?
30 Vose vane zvipo zvekuporesa here? Vose vanotaura nendimi here? Vose vanodudzira here?
31 Asi shuvai zvipo zvakanakisisa. Uye ndichiri kukuratidzai nzira yakanakisisa zvikuru.