ShonaTeam 1 Corinthians « 11 »

Kufukidza misoro pakushumira mukereke

11Ivai vatevedzeri vangu, seniwo ndiri waKristu.

2 Zvino ndinokurumbidzai, hama, kuti munondirangarira pazvinhu zvose, muchibatirira patsika sezvandakakumikidza kwamuri.

3 Asi ndinoda kuti muzive, kuti musoro wemurume umwe neumwe ndiKristu; uye musoro wemukadzi murume; uye musoro waKristu ndiMwari.

4 Murume umwe neumwe anonyengetera kana anoporofita, musoro wakafukidzwa, unozvidza musoro wake.

5 Asi mukadzi umwe neumwe anonyengetera kana anoporofita nemusoro usina kufukidzwa, anozvidza musoro wake; nokuti ndizvo zvimwezvo nekuveurwa.

6 Nokuti kana mukadzi asingafukidzwi, ngaagerwewo; asi kana chiri chinyadzo kumukadzi kugerwa kana kuveurwa, ngaazvifukidze.

7 Nokuti murume zvirokwazvo haafaniri kufukidza musoro, sezvaari mufananidzo nekubwinya kwaMwari; asi mukadzi kubwinya kwemurume.

8 Nokuti murume haabvi kumukadzi, asi mukadzi anobva kumurume;

9 nokuti nemurume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi wakasikirwa murume;

10 nekuda kweizvozvi mukadzi anofanira kuva nesimba pamusoro wake nekuda kwevatumwa.

11 Asi murume haasi kunze kwemukadzi, kana mukadzi kunze kwemurume, muna Ishe.

12 Nokuti mukadzi sezvaanobva kumurume, saizvozvo murumewo uripo nemukadzi, asi zvinhu zvose zvinobva kuna Mwari.

13 Zvionerei imwi, zvakafanira here kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidzwa?

14 Kana kunyange chisikirwo pachacho hachikudzidzisii here, kuti kana murume ane vhudzi refu, chinyadzo kwaari?

15 Asi kana mukadzi ane vhudzi refu, rukudzo kwaari. Nokuti vhudzi refu rakapiwa kwaari chive chifukidzo.

16 Asi kana umwe achiratidza kuva negakava, isu hatina tsika yakadaro, kunyange makereke aMwari.

Tsika dzakafanira patafura yaIshe

17 Zvino mukuraira uku handikurumbidzii, nokuti munounganira kwete zvakapfuura kunaka, asi muzvakapfuura kuipa.

18 Nokuti chekutanga kana muchiungana mukereke, ndinonzwa kuti kupatsanurana kuripo pakati penyu; muchidimbu ndinozvitenda.

19 Nokuti kutsauka kunofanira kuva pakati penyu, kuti avo vakatendeka vaonekwe pakati penyu.

20 Naizvozvo kana muchiungana pamwe, uku hakusi kudya chirairo chaIshe;

21 nokuti pakudya umwe neumwe anotanga kutora chirairo chake pachake, uye umwe ane nzara, uye umwe wakararadza.

22 Ko hamuna dzimba dzekudyira nekunwira here? Kana munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasina chinhu? Ndichatii kwamuri? Ndingakurumbidzai here pane izvi? Handingakurumbidzii.

23 Nokuti ini ndakagamuchira kuna Ishe, icho chandakagamuchidzawo kwamuri, kuti Ishe Jesu neusiku hwaakatengeswa wakatora chingwa,

24 zvino wakati avonga akamedura, ndokuti: Torai, idyai, ichi muviri wangu unomedurirwa imwi; izvi itai kundirangarira.

25 Saizvozvo mukombewo, shure kwekurayira, achiti: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu; izvi itai, nguva dzose kana muchinwa, mukundirangarira.

26 Nokuti nguva dzose kana muchidya chingwa ichi, nekunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaIshe kusvika asvika.

27 Naizvozvo ani nani anodya chingwa ichi, kana kunwa mukombe waIshe zvisakafanira, achava nemhosva yemuviri neropa raIshe.

28 Zvino munhu ngaazviongorore, saizvozvowo ngaadye zvechingwa nekunwa zvemukombe.

29 Nokuti anodya nekunwa zvisakafanira, anozvidyira nekunwira kutongwa, zvaasingatsauri muviri waIshe.

30 Nemhaka iyi vazhinji kwamuri indonda nevarwere, nevazhinji varere.

31 Nokuti dai taizvinzvera tomene, hatizaitongwa;

32 asi kana tichitongwa, tinodzorwa naIshe, kuti tirege kunzi tine mhosva pamwe nenyika.

33 Naizvozvo, hama dzangu, kana muchiungana kuti mudye, miriranai.

34 Uye kana umwe ane nzara, ngaadye kumba; kuti murege kuunganira kunzi mune mhosva. Asi zvasara, ndichazvironga kana ndichisvika.