ShonaTeam 1 Corinthians « 10 »

Tirege kuidza Mwari sevaIsraeri

10Uye handidi kuti murege kuziva, hama, kuti madzibaba edu ose aiva ari pasi pegore, uye ose akagura nemugungwa,

2 uye ose akabhabhatidzwa muna Mozisi mugore nemugungwa,

3 uye ose akadya kudya kumwe kwemweya,

4 uye ose akanwa zvinwiwa zvimwe zvemweya; nokuti akanwa kubva padombo remweya rakavatevera; uye dombo iro raiva riri Kristu.

5 Asi muruzhinji rwawo Mwari haana kufadzwa; nokuti akaparadzwa murenje.

6 Zvino zvinhu izvi zvakava mifananidziro kwatiri, kuti tirege kushuva zvakaipa, sezvavakashuvawo.

7 Uye musava vanamati vezvifananidzo, sevamwe vavo; sezvakwakanyorwa, kuchinzi: Vanhu vakagara pasi kudya nekunwa, ndokusimuka kutamba.

8 Uye ngatirege kupomba, sevamwe vavo vakaita upombwe, ndokuwa nezuva rimwe zvuru makumi maviri nezvitatu.

9 Uye ngatirege kuidza Kristu, sevamwe vavowo vakamuidza, vakaparadzwa nenyoka.

10 Muregewo kun'un'una, sevamwe vavowo vakan'un'una, vakaparadzwa nemuparadzi.

11 Zvinhu izvi zvose zvakavawirawo kuti zvive mifananidziro; uye zvakanyorwa kuva yambiro yedu takasvikirwa nemagumo enyika.

12 Naizvozvo anofunga kuti amire, ngaaone kuti haawi.

13 Hakuna muedzo wakakubatai kunze kweuri muvanhu; asi Mwari wakatendeka, asingazotenderi kuti muidzwe kupfuura pamunogona napo, asi pamwe nemuedzo achaitawo nzira yekupukunyuka, kuti mugone kuutakura.

Nzvengai zvifananidzo

14 Naizvozvo, vadikanwi vangu, tizai kunamata zvifananidzo.

15 Ndinotaura sekune vakachenjera; imwi tongai zvandinotaura.

16 Mukombe weropafadzo watinoropafadza, hausi kugoverana kweropa raKristu here? Chingwa chatinomedura, hachisi kugoverana kwemuviri waKristu here?

17 Nokuti isu vazhinji tiri chingwa chimwe, muviri umwe; nokuti isu tose tinogovana pachingwa chimwe.

18 Tarirai Israeri zvepanyama; vanodya zvibairo havasi ivo vanogoverana nearitari here?

19 Ko ndoti kudii? Kuti chifananidzo chinhu here? Kana kuti chakabairwa chifananidzo chinhu here?

20 Asi kuti vahedheni zvavanobaya, vanozvibaira madhimoni, uye kwete kuna Mwari; zvino handidi kuti mudyidzane nemadhimoni.

21 Hamugoni kunwa mukombe waIshe nemukombe wemadhimoni; hamugoni kugovana tafura yaIshe netafura yemadhimoni.

22 Kana tinozvimutsira godo Ishe here? Ko takasimba kumupfuura here?

MuKristu ngaarege kugumbusa vamwe

23 Zvinhu zvose zvinotenderwa kwandiri; asi hazvisi zvose zvinobatsira. Zvinhu zvose zvinotenderwa kwandiri; asi hazvisi zvose zvinovaka.

24 Kusava neanozvitsvakira zvake, asi umwe neumwe zveumwe.

25 Zvose zvinotengeswa pamisika yenyama idyai, musingabvunzi chinhu nekuda kwehana;

26 nokuti nyika ndeya Ishe nekuzara kwayo.

27 Uye kana umwe wevasingatendi akakukokai, uye muchida kuenda, chose chinoiswa pamberi penyu idyai musingabvunzi chinhu nekuda kwehana.

28 Asi kana umwe akati kwamuri: Ichi chakabairwa chifananidzo; musadya nekuda kwaiye wakuratidzai, uye kwehana; nokuti nyika ndeya Ishe nekuzara kwayo.

29 Asi hana ndinoti, isati iri yako, asi yeumwe; nokuti kusununguka kwangu kunotongerwei nehana yeumwe?

30 Uye kana ini nenyasha ndichiwana mugove, ndingagotukirwei nekuda kwechinhu chandinovonga ini?

31 Naizvozvo kana muchidya, kana kunwa, kana chipi nechipi chamunoita, zvose zviitirei rukudzo rwaMwari.

32 Regai kugumbusa zvose kuvaJudha nekuvaGiriki nekukereke yaMwari;

33 seniwo ndinofadza vose pazvose, ndisingatsvaki rubatsiro rwangu, asi rwevazhinji, kuti vaponeswe.