ShonaTeam 1 Corinthians « 9 »

Kusununguka nekodzero yaPauro

9Handisi muapositori here? Handisi wakasununguka here? Handina kuona Jesu Kristu Ishe wedu here? Imwi hamusi basa rangu muna Ishe here?

2 Kana ndisiri muapositori kuna vamwe, asi zvirokwazvo ndiri iye kwamuri; nokuti mucherechedzo wevuapositori hwangu ndimwi muna Ishe.

3 Kuzvidavirira kwangu kune vanondinzvera ndeuku.

4 Hatina simba here rekudya nekumwa?

5 Hatina kodzero yekutenderera nehanzvadzi mudzimai sevamwewo vaapositori, nevanin'ina vaIshe naKefasi here?

6 Kana ndini ndoga naBhanabhasi tisina kodzero yekusashanda here?

7 Ndiani anomboshanda muchiuto achizviripira mubairo? Ndiani anorima munda wemizambiringa, ndokusadya zvechibereko chawo? Kana ndiani anofudza boka akasadya zvemukaka weboka?

8 Kuti zvinhu izvi ndinozvitaura semunhu? Kana murairo hautauriwo izvozvo here?

9 Nokuti kwakanyorwa mumurairo waMozisi kuti: Usasunga muromo wenzombe inopura zviyo. Kuti Mwari ane hanya nenzombe?

10 Kana anoreva zvirokwazvo nekuda kwedu? Nokuti kwakanyorwa nekuda kwedu, kuti anorima anofanira kurima mutariro, neanopura mutariro yake, kugoverwa mutariro.

11 Kana isu takadzvara kwamuri zvinhu zvemweya, chinhu chikuru here kana isu tichicheka zvinhu zvenyu zvenyama?

12 Kana vamwe vachigovana kodzero pamusoro penyu, isu hativadariki here? Asi hatina kushandisa kodzero iyi, asi tinoitira moyo murefu zvose, kuti tirege kupa chipinganidzo kuevhangeri yaKristu.

13 Hamuzivi here kuti avo vanoshumira pazvinhu zvitsvene vanodya zvetembere, vanorindira paaritari vanogovana nearitari here?

14 Saizvozvo naIshe wakaraira kuti avo vanoparidza evhangeri, vararame neevhangeri.

15 Asi ini handina kushandisa chimwe chezvinhu izvi; uye handina kunyora zvinhu izvi kuti zviitwe saizvozvo kwandiri, nokuti zviri nani kwandiri kuti ndife, pakuti umwe ashaise kuzvikudza kwangu maturo.

16 Nokuti kunyange ndichiparidza evhangeri, handina chekuzvikudza nacho, nokuti faniro yakatakudzwa pamusoro pangu; asi ndine nhamo, kana ndisingaparidzi evhangeri.

17 Nokuti kana ndichiita chinhu ichi ndichizvidira, ndine mubairo; asi kana ndisingadi, ndakabatiswa utariri.

18 Ko mubairo wangu chii? Kuti kana ndichiparidza evhangeri ndiite kuti evhangeri yaKristu isabhadharwa, kuti ndirege kushandisa kodzero yangu muevhangeri zvakapfuurikidza.

19 Nokuti ndakasununguka kune vose, ndizviite muranda kune vose, kuti ndiwane vazhinji kwazvo.

20 Uye kuvaJudha ndakava semuJudha, kuti ndiwane vaJudha; kune vari pasi pemurairo seari pasi pemurairo, kuti ndiwane vari pasi pemurairo;

21 kune vasina murairo seasina murairo (ndisati ndiri asina murairo kuna Mwari, asi mumurairo kuna Kristu), kuti ndiwane vasina murairo;

22 kune vasina simba ndakava seasina simba, kuti ndiwane vasina simba; ndakava zvinhu zvose kune vose, kuti ndiponese vamwe nemitoo yose.

23 Uye izvi ndinoita nekuda kweevhangeri, kuti ndive mugovani pairi.

24 Hamuzivi here kuti vanomhanya munhangemutange vanomhanya vose, asi umwe anogamuchira mubairo? Mhanyai saizvozvo, kuti muuwane.

25 Uye umwe neumwe anokwikwidza anozvidzora pazvinhu zvose; zvino ivo vanozviita kuti vagamuchire korona inoparara, asi isu isingaparari.

26 Naizvozvo ini ndinomhanya saizvozvo kwete seasina chokwadi; saizvozvo ndinorwa kwete seanorova mhepo;

27 asi ndinotsikirira muviri wangu nekuuita muranda, kuti kana ndaparidzira vamwe, ini ndomene ndisaraswa.