ShonaTeam 1 Corinthians « 8 »

Kudya zvakabairwa zvifananidzo

8Zvino maererano nezvakabairwa zvifananidzo, tinoziva kuti tose tine ruzivo. Ruzivo rwunotutumadza, asi rudo rwunovaka.

2 Uye kana ani nani achifunga kuti anoziva chinhu, haasati aziva chinhu sezvaanofanira kuziva;

3 asi kana ani achida Mwari, ndiye anozikanwa naye.

4 Naizvozvo maererano nekudya zvinhu zvakabairwa zvifananidzo, tinoziva kuti chifananidzo hachisi chinhu panyika, uye kuti hakuna umwe Mwari kunze kweumwe.

5 Nokuti kunyange varipo vanonzi vamwari, kana kudenga, kana panyika (sezvavaripo vamwari vazhinji, nemadzishe mazhinji),

6 asi kwatiri kuna Mwari umwe, Baba, zvinhu zvose zvinouya naye, nesu tiri maari; naIshe umwe, Jesu Kristu, zvinhu zvose zviripo nekuda kwake, nesu tiripo naye.

7 Asi ruzivo harwuko kwavari vose; nokuti vamwe vane hana yechifananidzo kusvika ikozvino, vanodya sezvakabairwa chifananidzo; nehana yavo isina simba inoshatiswa.

8 Zvino kudya hakutiswededzi kuna Mwari; kwete nokuti kana tichidya, tinowanzirwa; uye kwete kuti kana tisingadyi, tinoshaiwa.

9 Zvino chenjerai, zvimwe kodzero yenyu iyi ive chigumbuso kune avo vasina simba.

10 Nokuti kana umwe achikuona iwe ane ruzivo ugere pakudya mutembere yechifananidzo, hana yeasina simba haingatsungiswi kuti adye izvo zvakabairwa zvifananidzo here?

11 Uye neruzivo rwako hama isina simba ichaparara here, Kristu yaakafira?

12 Zvino kana muchitadzira hama saizvozvo, muchikuvadza hana yavo isina simba, munotadzira Kristu.

13 Naizvozvo kana kudya kuchigumbusa hama yangu, handingatongodyi nyama kusvika narinhi, kuti ndirege kugumbusa hama yangu.