ShonaTeam 1 Corinthians « 7 »

Wanano

7Zvino maererano nezvinhu zvamakandinyorera, ndinoti: Zvakanaka kumunhu kuti asabata mukadzi.

2 Asi nekuda kweupombwe, umwe neumwe ngaave nemukadzi wake pachake, nemukadzi umwe neumwe ngaave nemurume wake pachake.

3 Murume ngaaripire mukadzi chido chakafanira; nemukadzi saizvozvowo kumurume.

4 Mukadzi haana simba pamusoro pemuviri wake pachake, asi murume; uye saizvozvowo murume haana simba pamusoro pemuviri wake pachake, asi mukadzi.

5 Musanyimana, kunze kwekutenderana kwechinguva, kuti muzvipe kukutsanya nekunyengetera, mugosanganazve, kuti Satani arege kukuidzai pakusazvidzora kwenyu.

6 Asi ndinotaura izvi nemvumo, kwete nemurairo.

7 Nokuti ndinoda kuti dai vanhu vose vava seni; asi umwe neumwe ane chipo chake pachake chinobva kuna Mwari, umwe chakadai, umwewo chakadai.

8 Asi ndinoti kune vasina kuwana nekuchirikadzi: Zvakanaka kwavari kana vachigara seniwo.

9 Asi kana vasina kuzvidzora, ngavawane; nokuti zviri nani kuwana pakutsva.

10 Zvino kune vakawana ndinoraira, kwete ini, asi Ishe, kuti mukadzi arege kuparadzana nemurume.

11 Asi kana iye achiparadzana naye, ngaarambe asina kuwanikwa, kana ayananiswe nemurume; uye murume ngaarege kurasa mukadzi.

12 Zvino kune vamwe ndini ndinotaura, kwete Ishe: Kana hama ipi ine mukadzi asingatendi, uye iye achifara kugara naye, ngaarege kumurasa.

13 Nemukadzi ane murume asingatendi, uye iye achifara kugara naye, ngaarege kumusiya.

14 Nokuti murume asingatendi anoitwa mutsvene nemukadzi, nemukadzi asingatendi anoitwa mutsvene nemurume. Kana zvisina kudaro vana venyu vaiva netsvina, asi zvino vatsvene.

15 Zvino kana asingatendi achizviparadzanisa, ngaazviparadzanise; hamarume kana hamakadzi haisungwi pane zvakadaro; asi Mwari wakatidanira murugare.

16 Nokuti unoziva nei, mukadzi, kana uchaponesa murume? Kana unoziva nei, murume, kana uchaponesa mukadzi?

17 Chete Mwari sezvaakagovera kune umwe neumwe, Ishe sezvaakadana umwe neumwe, ngaafambe saizvozvo. Saizvozvowo ndinoraira pamakereke ose.

18 Kune wakadanwa adzingiswa here? Ngaarege kuva asakadzingiswa. Kune wakadanwa asakadzingiswa here? Ngaaarege kudzingiswa.

19 Dzingiso hachisi chinhu, nekusadzingiswa hachisi chinhu, asi kuchengetwa kwemirairo yaMwari.

20 Umwe neumwe ngaagare mukudanwa kwaakadanwa makuri.

21 Wakadanwa uri muranda here? Usazvidya moyo; asiwo kana ungasunungurwa, zviri nani uzvishandise.

22 Nokuti uyo wakadanwa muna Ishe ari nhapwa, wava musunungurwa waIshe; saizvozvowo uyo wakadanwa akasununguka, wava nhapwa yaKristu.

23 Makatengwa nemutengo; musava varanda vevanhu.

24 Umwe neumwe zvaakadanirwa, hama, ngaagare pazviri anaMwari.

25 Asi maererano nemhandara handina murairo waIshe; asi ndinopa maonero angu sewakawana tsitsi naIshe kuva wakatendeka.

26 Naizvozvo ndinofunga kuti izvi zvakanaka nekuda kwematambudziko aripo, kuti zvakanakira munhu kuti adai.

27 Wakasungirirwa kumukadzi here? Usatsvaka kusunungurwa. Wakasunungurwa kubva kumukadzi here? Usatsvaka mukadzi.

28 Asi zvino kana wawana, hauna kutadza; nemhandara kana yawanikwa, haina kutadza. Asi vakadaro vachava nedambudziko panyama; asi ini ndinokutavirirai.

29 Asi ndinozvitaura izvi, hama, kuti nguva ipfupi; kubva ikozvino nevane vakadzi ngavave sevasina;

30 nevanochema, sevasingachemi; nevanofara, sevasingafari; nevanotenga, sevasina chinhu;

31 nevanoshandisa nyika ino, sevasingaishandisi kwazvo; nokuti chimiro chenyika ino chinopfuura.

32 Asi ndinoda kuti murege kuva nekufunganya. Asina kuwana anofunganya zvinhu zvaIshe, kuti angafadza Ishe sei;

33 asi wakawana anofunganya zvinhu zvenyika, kuti angafadza mukadzi sei.

34 Mukadzi wakasiyaniswa nemhandara. Asina kuwanikwa anofunganya zvinhu zvaIshe, kuti ave mutsvene zvose pamuviri nepamweya; asi uyo wakawanikwa anofunganya zvinhu zvenyika, kuti angafadza murume sei.

35 Izvi ndinotaurira rubatsiro rwenyu pachenyu; kwete kuti ndikande musungo pamusoro penyu, asi zvakafanira nekunamatira kwazvo pana Ishe musingapinganidzwi.

36 Asi kana umwe achifunga kuti anozvibata zvisakafanira kumhandara yake, iyo yakurisa, uye zvakafanira kuti zviitike saizvozvo, ngaaite zvaanoda, haatadzi; ngavawanane.

37 Asi anomira akasimba mumoyo, asingamanikidzwi chinhu, uye ane simba pamusoro pechido chake pachake, akatema izvi mumoyo make kuti achachengeta mhandara yake, anoita zvakanaka.

38 Naizvozvowo uyo anowananisa anoita zvakanaka; asi asingawananisi anoita zviri nani.

39 Mukadzi wakasungwa nemurairo nguva dzose murume wake achirarama; asi kana murume wake afa, wasununguka kuwanikwa newaanoda, muna Ishe chete.

40 Asi anganyanya kufara kana achigara akadaro, pakufunga kwangu; uye ndinofunga kuti neni ndine Mweya waMwari.