ShonaTeam 1 Corinthians « 6 »

Pauro anotsiura vanomhan'arirana

6Umwe wenyu anoti ane mhosva neumwe unotsunga kutongwa pamberi pevasakarurama uye pasiri pamberi pevatsvene here?

2 Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana nyika ichizotongwa nemwi, hamuna kufanira kutonga mhosva diki-diki here?

3 Hamuzivi here kuti tichatonga vatumwa? Zvikuru sei zveupenyu huno?

4 Naizvozvo kana mune mhosva dzezvinhu zveupenyu huno, vagadzei avo vanozvidzwa pakereke vatonge.

5 Ndinotaura kuti munyare. Naizvozvo hakuna munhu wakachenjera pakati penyu here, kana neumwe, angagona kutonga pakati pehama dzake?

6 Asi hama inomhan'arira hama, uye izvi achizviita pamberi pevasingatendi.

7 Zvino naizvozvo patova nekukundikana kwazvo pakati penyu, kuti munomhan'arirana. Munoregerei kutenda kutadzirwa pakudaro? Munoregerei kutenda kubiridzirwa pakudaro?

8 Asi imwi munotadza nekubiridzira, uye izvi munozviita kuhama.

9 Kana hamuzivi here kuti vasakarurama havazogari nhaka yeushe hwaMwari? Musatsauswa; hakuna mhombwe, kana vanamati vezvifananidzo, kana zvifeve, kana vakapata paungochani, kana vanorara nevamwe varume,

10 kana mbavha, kana vachivi, kana vararadzi, kana vatuki, kana vapambi, vachagara nhaka yeushe hwaMwari.

11 Uye vamwe venyu vaiva vari izvozvi; asi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene, asi makanzi makarurama muzita raIshe Jesu, uye neMweya waMwari wedu.

Miviri yedu mitezo yaJesu Kristu

12 Zvinhu zvose zviri pamutemo kwandiri, asi hazvisi zvinhu zvose zvinobatsira; zvinhu zvose zviri pamutemo kwandiri, asi ini handizotongwi nechinhu.

13 Kudya ndekwedumbu, nedumbu nderezvekudya; asi Mwari achaparadza zviri zviviri iro naizvo. Zvino muviri hausi weupombwe, asi waIshe, naIshe ndevemuviri.

14 Uye Mwari wakamutsa Ishewo achatimutsa nesu nesimba rake.

15 Hamuzivi here kuti miviri yenyu mitezo yaKristu? Zvino ndichatora mitezo yaKristu ndikaita mitezo yechifeve here? Ngazvisadaro!

16 Kana hamuzivi kuti anobatanidzwa nechifeve wava muviri umwe nacho here? Nokuti ava vaviri, anoti, vachava nyama imwe.

17 Asi anobatanidzwa naIshe wava mweya umwe naye.

18 Tizai upombwe. Chivi chose munhu chaanoita chiri kunze kwemuviri; asi anoita upombwe anotadzira muviri wake amene.

19 Kana hamuzivi here kuti muviri wenyu itembere yaMweya Mutsvene ari mamuri, wamunaye achibva kuna Mwari, uye imwi hamusi venyu?

20 Nokuti makatengwa nemutengo; naizvozvo rumbidzai Mwari mumuviri wenyu, uye mumweya wenyu, zviri zvaMwari.