ShonaTeam 1 Corinthians « 5 »

Pauro anoraira vaKorinde pamusoro peupombwe

5Zvinonzwikwa chose kuti upombwe huripo pakati penyu, uye upombwe hwakadaro husingataurwi kunyange pakati pevahedheni, zvekuti umwe ave nemukadzi wababa vake.

2 Asi imwi munozvikudza, uye pachinzvimbo chaizvozvo hamuna kuchema, kuti wakaita chiito ichi abviswe pakati penyu.

3 Nokuti iniwo zvirokwazvo, sendisipo pamuviri, asi ndiripo pamweya, ndatogura zveuyo wakaita chiito chakadai ichi, sendinenge ndiripo,

4 muzita raIshe wedu Jesu Kristu, maungana nemweya wangu nesimba raIshe wedu Jesu Kristu,

5 kukumikidza wakadai kuna Satani mukuparadzwa kwenyama, kuti mweya uponeswe pazuva raIshe Jesu.

6 Kuzvikudza kwenyu hakuna kunaka. Hamuzivi here kuti mbiriso shoma inovirisa mukanyiwa wose?

7 Naizvozvo sukai kwazvo mbiriso yekare, kuti muve mukanyiwa mutsva, sezvamusina kuiswa mbiriso. Nokuti nepasika yedu yakabairwa isu, iye Kristu.

8 Saka ngatichengetedze mutambo, kwete nembiriso yekare, kana nembiriso yekuipa neyekutadza; asi nechingwa chisina mbiriso chakatendeka nechechokwadi.

9 Ndakakunyorerai mutsamba kuti musafambidzana nemhombwe;

10 asi kwete zvakazara nemhombwe dzenyika ino, kana nevachivi, kana nevapambi, kana nevanonamata zvifananidzo, nokuti kana zvakadaro zvingafanira kuti mubude munyika.

11 Asi ikozvino ndakunyorerai kuti murege kufambidzana, kana munhu achiidzwa hama ari mhombwe, kana muchivi, kana munamati wezvifananidzo, kana mutuki, kana muraradzi, kana mupambi; musatongodya newakadai.

12 Nokuti ini ndinei nekutongawo vari kunze? Imwi hamutongi vari mukati here?

13 Asi avo vari kunze Mwari anotonga. Uye dzingai wakaipa abve pakati penyu pachenyu.