ShonaTeam 1 Corinthians « 3 »

Kubata nevadzidzisi

3Zvino ini, hama, ndaiva ndisingagoni kutaura nemwi sekune veMweya, asi sekune venyama, sekune vacheche muna Kristu.

2 Ndakakunwisai mukaka, uye kwete kudya kukukutu; nokuti maiva musati mogona kudya, asi naikozvino hamusati mogona;

3 nokuti muchiri venyama; nokuti zvapachine godo pakati penyu, negakava nekupatsanurana, hamusi venyama, muchifamba zvinoenderana nemunhu here?

4 Nokuti kana umwe achiti: Ini ndiri waPauro, neumwe achiti: Ini waAporo, hamusi venyama here?

5 Ko Pauro chii, naAporo chii, asi vabati vamakatenda kubudikidza navo, Ishe sezvaanopawo umwe neumwe?

6 Ini ndakadzvara, Aporo wakadiridza, asi Mwari wakakurisa.

7 Naizvozvo anodzvara haasi chinhu, kana anodiridza, asi Mwari anokurisa.

8 Zvino anodzvara neanodiridza ndevamwe; asi umwe neumwe achagamuchira mubairo wake zvichienderana nebasa rake.

9 Nokuti tiri vashandi vaMwari pamwe naye; muri munda waMwari, chivakwa chaMwari.

Tembere yaMwari

10 Zvichienderana nenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri, semuvaki nyanzvi wakachenjera ndakaronga nheyo, uye umwe anovaka pamusoro payo. Asi umwe neumwe ngaachenjerere kuti anovaka sei pamusoro payo.

11 Nokuti hakuna umwe anogona kuisa imwe nheyo kunze kweiyo yakaiswa, inova Jesu Kristu.

12 Zvino kana umwe achivaka pamusoro penheyo iyi, goridhe, sirivha, mabwe anokosha, matanda, uswa, mashanga,

13 basa reumwe neumwe richaratidzwa; nokuti zuva richazvibudisa pachena, nokuti richazarurwa mumoto; uye moto uchaidza basa reumwe neumwe kuti rakadini.

14 Kana basa raani nani raakavaka pamusoro payo richigara, achagamuchira mubairo.

15 Kana basa raani nani richizopiswa, acharasikirwa; asi iye amene achaponeswa, asi saizvozvo sewakabuda nemumoto.

16 Hamuzivi here kuti muri tembere yaMwari, uye Mweya waMwari unogara mamuri?

17 Kana ani nani achiparadza tembere yaMwari, Mwari achamuparadza iye; nokuti tembere yaMwari itsvene, yamuri imwi.

18 Ngakurege kuva neanozvinyengera; kana umwe pakati penyu achifunga kuti wakachenjera panyika ino, ngaave benzi, kuti ave wakachenjera.

19 Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Anobata vakachenjera paumhare hwavo;

20 uyezve: Ishe anoziva ndangariro dzevakachenjera, kuti hadzina maturo.

21 Naizvozvo ngakurege kuva neanozvikudza nevanhu; nokuti zvinhu zvose ndezvenyu,

22 kana Pauro, kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana upenyu, kana rufu, kana zvinhu zviripo, kana zvinhu zvinouya; zvose ndezvenyu,

23 uye imwi muri vaKristu, naKristu ndewaMwari.