ShonaTeam Romans « 16

Wonekano

16Ndinorumbidza kwamuri Febhe hanzvadzi yedu, anova murandakadzi wekereke iri paKenikireya;

2 kuti mumugamuchire muna Ishe sezvinofanira vatsvene, uye kuti mumubatsire panhau ipi neipi yaangashaiwa kwamuri; nokuti iyewo wakava mubatsiri wevazhinji, newangu ndomene.

3 Kwazisai Prisira naAkwira vashandi pamwe neni muna Kristu Jesu.

4 Ivo nekuda kweupenyu hwangu vakaradzika mutsipa wavo pachavo, vandisingavongi ini ndega, asi nemakereke ose evahedheni;

5kwazisaiwo kereke iri paimba yavo. Kwazisai Epaeneto mudikanwi wangu, anova chibereko chekutanga cheAkaya muna Kristu.

6 Kwazisai Maria, wakatishandira zvikuru.

7 Kwazisai Andoroniko naJunia hama dzangu nevakasungwa pamwe neni, vane mbiri pakati pevaapositori, vakanditangirawo kuva muna Kristu.

8 Kwazisai Amupiriyasi mudikanwi wangu muna Ishe.

9 Kwazisai Obhano mushandi pamwe nesu muna Kristu, naStako mudikanwi wangu.

10 Kwazisai Apere anotendwa muna Kristu. Kwazisai vekwaArisitobhuro.

11 Kwazisai Herodhio hama yangu. Kwazisai vekwaNakiso, vari muna Ishe.

12 Kwazisai Trufaina naTrufosa vakadzi vanoshanda muna Ishe. Kwazisai Perisisi mukadzi anodikanwa, wakashanda zvikuru muna Ishe.

13 Kwazisai Rufosi wakasanangurwa muna Ishe, namai vake vari vanguwo.

14 Kwazisai Asingirita, Firegoni, Herimasi, Patrobhasi, Herimesi, nehama dzinavo.

15 Kwazisai Firorogosi naJuria, Nerusi nehanzvadzi yake, naOrimba, nevatsvene vose vanavo.

16 Kwazisanai nekutsvoda kutsvene. Makereke aKristu anokukwazisai.

17 Zvino ndinokukumbirisai, hama, ngwarirai avo vanoita mhesaniso uye zvigumbuso, zvinopesana nedzidziso yamakadzidza imwi, uye muvanzvenge.

18 Nokuti vakadaro havashandiri Ishe wedu Jesu Kristu, asi dumbu ravo; uye neshoko rakanaka nekutaura kwakanaka vanonyengera moyo yevasina mhosva.

19 Nokuti kuteerera kwenyu kwakasvika kune vose. Naizvozvo ndinofara pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera kune chakanaka, asi vakachena kune chakaipa.

20 Zvino Mwari werugare achakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi. Ameni.

21 Timotio, mushandi pamwe neni, naRukio naJasoni naSosipatro hama dzangu vanokukwazisai.

22 Ini Tetiosi, anonyora tsamba, ndinokukwazisai muna Ishe.

23 Gayosi, mugamuchiri wangu newekereke yose, anokukwazisai. Erastosi muchengeti wemari yeguta anokukwazisai, naKwaritosi hama.

24 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mose. Ameni.

Mashoko ekupedzisira

25 Zvino kune ane simba rekukusimbisai sezvinoreva evhangeri yangu nekuparidzwa kwaJesu Kristu, zvichienderana nekuzarurwa kwezvakavanzika, zvisina kutaurwa zvakavanzwa nguva dzakare,

26 asi ikozvino zvinoratidzwa, uye nemagwaro evaporofita semurairo waMwari wekusingaperi, wakaziviswa kumarudzi ose pakuteerera kwerutendo,

27 kuna Mwari iye wakachenjera oga ngakuve nekurumbidzwa naJesu Kristu, kusvika narinhi. Ameni.