ShonaTeam Romans « 11 »

VaIsraeri vakasanangurwa naMwari vachaponeswa

11Naizvozvo ndinoti: Mwari wakarasa vanhu vake here? Ngazvisadaro! Nokuti iniwo ndiri muIsraeri, kubva pambeu yaAbhurahama, werudzi rwaBhenjamini.

2 Mwari haana kurasa vanhu vake vaakagara aziva. Kana hamuzivi kuti rugwaro rwunoti kudini kuna Eria here? Kuti anoreverera sei kuna Mwari achipesana nevaIsraeri, achiti:

3 Ishe, vakauraya vaporofita venyu, uye vakaputsa aritari dzenyu; zvino ini ndasara ndega, uye vanotsvaka upenyu hwangu.

4 Asi mhinduro yaMwari inoti kudii kwaari? Inoti: Ndakazvisiira zvuru zvinomwe zvevarume, vasina kufugamira ibvi kuna Bhaari.

5 Zvino saizvozvo nemunguva yaikozvino variko vakasara maererano nesananguro yenyasha.

6 Asi kana zviri zvenyasha, hazvichabvi pamabasa; kana zvisakadaro, nyasha hadzisisiri nyasha. Asi kana zvichibva pamabasa, hadzisati dzichiri nyasha; kana zvisakadaro basa harisati richiri basa.

7 Ko zvino? Israeri zvaaiva achitsvaka, haana kuzviwana, asi vasanangurwa vakazviwana, vamwewo vakaomeswa;

8 sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Mwari wakavapa mweya wehope huru, meso kuti varege kuona, nenzeve kuti varege kunzwa, kusvika zuva ranhasi.

9 NaDhavhidhi anoti: Tafura yavo ngaiitwe rudzingi nemusungo, nechigumbuso nekutsiva kwavari;

10 meso avo ngaasvibirwe kuti varege kuona, uye mukotamise musana wavo narinhi.

11 Naizvozvo ndinoti: Vakagumbuswa kuti vawe here? Ngazvisadaro! Asi nekudarika kwavo ruponeso rwakasvika kuvahedheni, kuvamutsira godo.

12 Zvino kana kudarika kwavo kuri fuma yenyika, nekukundikana kwavo ifuma yevahedheni, zvikuru sei kuzara kwavo?

13 Nokuti ndinotaura kwamuri vahedheni; sezvo ndiri ini muapositori wevahedheni, ndinokudza ushumiri hwangu;

14 kuti zvimwe ndingamutsira godo venyama yangu, uye ndiponese vamwe vavo.

15 Nokuti kana kuraswa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamuchirwa kuchaveiko, kunze kwekuti upenyu hunobva kuvakafa?

16 Zvino kana chibereko chekutanga chiri chitsvene, bunduwo rakadaro; uye kana mudzi uri mutsvene, nematavi akadaro.

17 Asi kana mamwe ematavi akavhuniwa, newe uri muorivhi wekudondo ukabatanidzwa pakati pawo, ukava mugovani pamwe nawo pamudzi nepamafuta emuorivhi,

18 usazvikudza pamusoro pematavi; asi kana uchizvikudza, hausi iwe anotakura mudzi, asi mudzi unokutakura iwe.

19 Zvino uchati: Matavi akavhuniwa, kuti ini ndibatanidzwe.

20 Zvakanaka; nekusatenda vakavhuniwa, iwe umire nerutendo. Usazvikudza, asi itya;

21 nokuti kana Mwari asina kurega matavi echisikirwo, zvimwe haangakuregi iwewo.

22 Zvino tarira unyoro nekuomarara kwaMwari; kune vanowa, kuomarara; asi kwauri, unyoro, kana uchigara paunyoro hwake; kana zvikasadaro newe ungatemwa.

23 Naivowo, kana vasingagari pakusatenda, vachabatanidzwa, nokuti Mwari anogona kuvabatanidzazve.

24 Nokuti kana iwe wakatemwa kumuorivhi uri wedondo pachisikirwo, ukabatanidzwa zvinopesana nechisikirwo pamuorivhi wakasimwa, vangabatanidzwa zvikuru sei avo vari matavi echisikirwo pamuorivhi wekwavo?

25 Nokuti handidi kuti musaziva, hama, zvechakavanzika ichi, kuti murege kuzviita vakangwara, kuti kuomeswa kwemoyo kwakawira Israeri muchidimbu kusvika kwapinda kuzara kwavahedheni;

26 saizvozvowo Israeri wose achaponeswa; sezvazvakanyorwa zvichinzi: PaZiyoni pachabva Musununguri achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho.

27 Uye iyi isungano yangu kwavari, pandichabvisa zvivi zvavo.

28 Maererano neevhangeri vavengi nekuda kwenyu; asi maererano nekusanangura vadikanwi nekuda kwemadzibaba;

29 nokuti zvipo nekudana kwaMwari hazvishanduki.

30 Nokuti semwiwo kare musina kuteerera Mwari, asi zvino makanzwirwa tsitsi nekusateerera kwavo;

31 saizvozvo naivava ikozvino havana kuteerera, kuti netsitsi dzenyu naivo vanzwirwe tsitsi;

32 nokuti Mwari wakavapfigira vose mukusateera, kuti ave netsitsi kwavari vose.

33 Haiwa kudzika kwefuma, zvose yeuchenjeri neruzivo rwaMwari! Kutonga kwake hakunzverwi zvakadini, nenzira dzake hadzirondwi!

34 Nokuti ndiani wakaziva pfungwa yaIshe? Kana ndiani waiva ari murairidzi wake?

35 Kana ndiani wakatanga kupa kwaari, uye zvichadzorerwa kwaari?

36 Nokuti zvose zvinobva kwaari, nemaari, zvinoenda kwaari; kubwinya ngakuve kwaari kusvika narinhi. Ameni.