ShonaTeam Romans « 10 »

10Hama, chishuwo chemoyo wangu nemukumbiro kuna Mwari pamusoro paIsraeri ndiko kuti vaponeswe.

2 Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi kwete paruzivo;

3 nokuti vasingazivi kururama kwaMwari, uye vachitsvaka kumisa kururama kwavo pachavo, vakasazviisa pasi pekururama kwaMwari.

4 Nokuti Kristu mugumo wemurairo mukururama kuna ani nani anotenda.

5 Nokuti Mozisi anonyora kururama kuri kwemurairo kuti: Munhu anoita zvinhu izvi achararama nazvo.

6 Asi kururama kunobva parutendo kunotaura sezvizvi: Usati mumoyo mako: Ndiani achakwira kudenga? Ndiko kuti kuburusa Kristu;

7 kana kuti: Ndiani achaburukira mukudzika? Ndiko kuti kukwidza Kristu kubva kuvakafa.

8 Asi kunoti kudini? Shoko riri pedo newe, mumuromo mako nemumoyo mako; iri ishoko rerutendo ratinoparidza;

9 kuti kana iwe ukabvuma nemuromo wako Ishe Jesu, uye ukatenda mumoyo mako kuti Mwari wakamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa;

10 nokuti nemoyo umwe anotenda mukururama, uye nemuromo anobvuma mukuponeswa.

11 Nokuti rugwaro rwunoti: Ani nani anotenda kwaari haangazonyadziswi.

12 Nokuti hapana musiyano pakati pemuJudha nemuGiriki; nokuti Ishe ndeumwe wevose, wakafuma kune vose vanodana kwaari.

13 Nokuti wose ani nani achadana kuzita raIshe achaponeswa.

14 Zvino vachadana sei wavasina kutenda kwaari? Uye vachatenda sei wavasina kunzwa nezvake? Uye vachanzwa sei vasina anoparidza?

15 Zvino vachaparidza sei kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: Dzakanaka sei tsoka dzevanoparidza evhangeri yerugare, dzevanoparidza evhangeri yezvakanaka?

16 Asi vose havana kuteerera evhangeri. Nokuti Isaya anoti: Ishe, ndiani wakatenda zvatakasuma?

17 Naizvozvo rutendo rwunobva mukunzwa, nekunzwa neshoko raMwari.

18 Asi ndinoti: Havana kunzwa here? Hongu zvirokwazvo, inzwi ravo rakabuda kunyika yose, nemashoko avo kumigumo yenyika.

19 Asi ndinoti: Israeri haana kunzwisisa here? Pakutanga Mozisi anoti: Ini ndichakumutsirai godo nevasiri rudzi; nerudzi rusingafungi ndichakutsamwisai.

20 NaIsaya akashinga anotiwo: Ndakawanikwa nevasina kunditsvaka, ndakaonekwa kune vasina kundibvunza.

21 Asi kuna Israeri anoti: Zuva rose ndakatandavadza maoko angu kuvanhu vasingateereri nevanokakavara.