ShonaTeam Romans « 9 »

Kusatenda kwevaJudha nekuraswa kwavo

9Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handinyepi, hana yangu ichipupurirana neni muMweya Mutsvene,

2 kuti ndinoshushikana kwazvo, neshungu dzisingaperi mumoyo mangu.

3 Nokuti ndaishuva kuti ini ndomene nditukwe kuna Kristu nekuda kwehama dzangu, verudzi rwangu panyama;

4 vari vaIsraeri, vane kuitwa vana, nekubwinya, nesungano, nekupiwa kwemurairo, neushumiri hwaMwari, nezvivimbiso,

5 madzibaba ndeavo, naKristu wakabva kwavari panyama, ari pamusoro pezvose, Mwari anokudzwa narinhi. Ameni.

6 Asi kwete shoko raMwari serakakundikana. Nokuti havasi vose vakabva kuna Israeri, vari vaIsraeri;

7 kwete nokuti imbeu yaAbhurahama, vose vana; asi zvinonzi: Kuna Isaka ndiko kuchadanwa mbeu yako.

8 Ndiko kuti, havasi vana venyama, ivo vari vana vaMwari; asi vana vechivimbiso vanoverengerwa kumbeu.

9 Nokuti iri ishoko rechivimbiso rinoti: Nenguva ino ndichauya, uye Sara achava nemwanakomana.

10 Handizvo chete, asi naRabheka wakati ava nemimba neumwe, Isaka baba vedu;

11 nokuti vana vasati vaberekwa, kana kumboita chakanaka kana chakaipa, kuti zano raMwari maererano nesananguro rigare, kwete kubva pamabasa, asi kubva kune anodana,

12 zvakataurwa kwaari kuti: Mukuru achashumira mudiki;

13 sezvazvakanyorwa zvichinzi: Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.

14 Ko zvino tichatii? Kusarurama kuriko kuna Mwari here? Ngazvisadaro!

15 Nokuti anoti kuna Mozisi: Ndichava netsitsi kune wandine tsitsi naye, uye ndichanzwira ngoni wandinonzwira ngoni.

16 Naizvozvo zvakadaro hazvisi zveanoda, kana zveanomhanya, asi zvaMwari anonzwira tsitsi.

17 Nokuti rugwaro rwunoti kuna Farao: Ndizvozvi zvandakakumutsira, kuti ndiratidze simba rangu mauri, uye kuti zita rangu riparidzwe panyika yose.

18 Naizvozvo zvino anonzwira tsitsi iye waanoda; uye anowomesa moyo wewaanoda.

19 Zvino iwe uchati kwandiri: Iye achiri kuwanirei mhosva? Nokuti ndiani angapikisa kuda kwake?

20 Haiwa, iwe munhu ndiwe ani anokakavadza Mwari? Chakaumbiwa chingati here kune wakaumba: Wakandiitirei sezvizvi?

21 Kana muumbi haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe aite mudziyo umwe unokudzwa, neumwe unozvidzwa?

22 Uye kana Mwari achida kuratidza hasha, nekuzivisa simba rake, wakatakura nemoyo murefu kwazvo midziyo yehasha yakagadzirirwa kuparadzwa;

23 uye kuti azivise fuma yekubwinya kwake pamidziyo yetsitsi, yaakagara agadzirira kubwinya,

24 kunyange isu, vaakadana, kusiri kuvaJudha chete, asi nekuvahedheni?

25 Sezvaanorevawo muna Hosiya achiti: Ndichavaidza vanhu vangu ivo vasiri vanhu vangu; naiye waiva asingadikanwi mudikanwi;

26 zvino zvichaitika kuti, panzvimbo pazvakanzi kwavari: Hamusi vanhu vangu imwi, ipapo vachaidzwa vana vaMwari mupenyu.

27 Isaya anodanidzirawo maererano naIsraeri achiti: Kunyange uwandu hwevana vaIsraeri hukaita sejecha regungwa, vakasara vachaponeswa;

28 nokuti achapedza basa nekurigurisira mukururama; nokuti Ishe achagurisira basa panyika.

29 Uye Isaya sezvaakagara areva achiti: Dai Ishe wehondo asina kutisiira mbeu, tingadai takava seSodhoma, uye takaitwa takafanana neGomora.

30 Ko tichatii? Kuti vahedheni vasingatsvaki kururama, vakabata kururama, iko kururama kunobva parutendo;

31 asi Israeri, achitsvaka murairo wekururama, haana kusvika pamurairo wekururama.

32 Nekuda kwei? Nokuti havana kutsvaka nerutendo, asi nezvainge namabasa emurairo; nokuti vakagumburwa pabwe rekugumbura.

33 Sezvazvakanyorwa zvichinzi: Tarira, ndinoisa paZiyoni ibwe rekugumbura nedombo rechipinganidzo; uye ani nani anotenda kwaari haanganyadziswi.