ShonaTeam Romans « 8 »

Upenyu hweMweya

8Naizvozvo ikozvino hakuna kupiwa mhosva kune vari muna Kristu Jesu vasingafambi maererano nenyama, asi maererano neMweya.

2 Nokuti murairo weMweya weupenyu muna Kristu Jesu wakandisunungura kubva pamurairo wechivi newerufu.

3 Nokuti zvaiva zvisingagoneki nemurairo, pakuti waiva une utera nekuda kwenyama, Mwari achituma Mwanakomana wake mumufananidzo wenyama yezvivi, uye nekuda kwechivi, wakapa mhosva chivi munyama;

4 kuti kururama kwemurairo kuzadziswe matiri, tisingafambi maererano nenyama, asi maererano neMweya.

5 Nokuti avo vepanyama vanofunganya zvinhu zvenyama; asi vari paMweya zvinhu zveMweya.

6 Nokuti kufunganya kwenyama rufu; asi kufunganya kweMweya upenyu nerugare;

7 nokuti kufunganya kwenyama ruvengo kuna Mwari; nokuti hakuzviisi pasi pemurairo waMwari; nokuti hakugoniwo;

8 neavo vari munyama havagoni kufadza Mwari.

9 Asi imwi hamusi munyama, asi muMweya, kana zvirokwazvo Mweya waMwari achingogara mamuri. Asi kana umwe asina Mweya waKristu, uyu haasi wake.

10 Asi kana Kristu ari mamuri, muviri wakafa nekuda kwechivi, asi mweya upenyu nekuda kwekururama.

11 Zvino kana Mweya waiye wakamutsa Jesu kubva kuvakafa achigara mamuri, iye wakamutsa Kristu kubva kuvakafa achararamisawo miviri yenyu inofa neMweya wake anogara mamuri.

12 Naizvozvo zvino, hama, tine ngava, kwete kunyama, kuti tirarame maererano nenyama;

13 nokuti kana muchirarama maererano nenyama, muchafa; asi kana muchiuraya mabasa emuviri neMweya, muchararama.

14 Nokuti vose vanotungamirirwa neMweya waMwari, ndivo vana vaMwari.

15 Nokuti hamuna kugamuchira mweya weuranda kuti mutyezve, asi makagamuchira mweya wekuitwa vana, watinodana nawo tichiti: Abha*, Baba.

16 Mweya amene unopupurirana nemweya wedu, kuti tiri vana vaMwari;

17 zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhakawo; vadyi venhaka vaMwari, nevadyi venhaka pamwe naKristu; kana zvirokwazvo tichitambudzika naye, kuti tikudzwewo pamwe naye.

18 Nokuti ndinoona kuti matambudziko enguva yaikozvino haana kufanira kuenzaniswa nekubwinya kuchazoratidzwa kwatiri.

19 Nokuti tarisiro huru yechisikwa inomirira kubudiswa pachena kwevana vaMwari.

20 Nokuti chisikwa chakaiswa pasi pekushaiwa maturo, kwete nekuda, asi nekuda kwaiye wakachiisa pasi; mutariro

21 kuti chisikwa pachachowo chichasunungurwa kubva pauranda hwekuora, chiiswe parusununguko rwekubwinya kwevana vaMwari.

22 Nokuti tinoziva kuti chisikwa chose chinogomera pamwe nekurwadziwa pamwe chete kusvika ikozvino.

23 Zvisati zviri izvo chete, asi nesu tomene, tine chibereko chekutanga cheMweya, nesu tomene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa vana, rudzikunuro rwemuviri wedu.

24 Nokuti tinoponeswa netariro; asi tariro inoonekwa haisi tariro; nokuti izvo munhu zvaanoona, achazvitaririreizve?

25 Asi kana tichitarisira chatisingaoni, tinochimirira nemoyo murefu.

26 Saizvozvo neMweyawo unobatsira utera hwedu; nokuti hatizivi chatinofanira kunyengeterera sezvinofanira, asi Mweya amene anotireverera nekugomera kusingatauriki;

27 zvino iye anonzvera moyo anoziva pfungwa yeMweya kuti chii, nokuti anoreverera vatsvene maererano naMwari.

28 Uye tinoziva kuti zvinhu zvose zvinobata pamwe kuti zvinakire avo vanoda Mwari, avo vakadanwa maererano nezano rake.

29 Nokuti vaakagara aziva, wakagarawo avatemera kuti vafanane nemufananidzo weMwanakomana wake, kuti iye ave dangwe pakati pehama zhinji;

30 neavo vaakagara atemera, ndivo vaakadanawo; nevaakadana, ndivo vaakaruramisawo; nevaakaruramisa, ndivo vaakakudzawo.

31 Zvino tichatii kuzvinhu izvi? Kana Mwari ari kwatiri, ndiani achatirwisa?

32 Iye asina kutongoramba neMwanakomana wake pachake, asi wakamukumikidza nekuda kwedu tose, angarega sei kutipa zvose pachena pamwe nayewo?

33 Ndiani achapa mhosva pavasanangurwa vaMwari? NdiMwari anoti vakarurama;

34 ndiani anopa mhosva? NdiKristu wakafa, uye zvikuru wakamutswawo, uye ari kuruoko rwerudyi rwaMwari, uye anotireverera.

35 Ndiani achatiparadzanisa nerudo rwaKristu? Kutambudzika, kana kumanikidzika, kana kushushwa, kana nzara, kana kushama, kana njodzi, kana munondo here?

36 Sezvazvakanyorwa kuti: Nekuda kwenyu tinourawa zuva rose; tinoverengwa semakwai ekubaiwa.

37 Asi pazvinhu izvi zvose tiri vakundi nekupfuurisa naiye wakatida.

38 Nokuti ndine chokwadi kuti harwusi rufu kana upenyu kana vatumwa kana utungamiriri kana masimba kana zvinhu zviripo kana zvinhu zvinouya

39 kana urefu kana udzamu kana chimwe chisikwa chipi zvacho chingagona kutiparadzanisa nerudo rwaMwari rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.