ShonaTeam Romans « 7 »

Kusununguka pamurairo

7Hamuzivi here, hama (nokuti ndinotaura kuna avo vanoziva murairo), kuti murairo unotonga munhu nguva yose yaanenge ari mupenyu?

2 Nokuti mukadzi akawanikwa wakasungwa nemurairo kumurume anorarama; asi kana murume afa, wasunungurwa pamurairo wemurume.

3 Naizvozvo zvino kana murume ari mupenyu, achanzi chifeve kana akava weumwe murume; asi kana murume afa, wasununguka pamurairo, kuti asava chifeve, kana akava weumwe murume.

4 Naizvozvo, hama dzangu, nemwi makaitwa vakafa kumurairo nemuviri waKristu, kuti muve veumwe, kuna iye wakamutswa kubva kuvakafa, kuti tiberekere Mwari zvibereko.

5 Nokuti pataiva munyama, kuchiva kwezvivi zvaiva kubudikidza nemurairo kwakabata mumitezo yedu kubereka zvibereko zvinoisa kurufu.

6 Asi zvino takasunungurwa pamurairo, takafa kune zvataiva takabatwa nazvo, kuti tishumire muutsva hwemweya, kwete neutsaru hwerugwaro.

7 Ko zvino tichatii? Murairo chivi here? Ngazvisadaro! Asi handisaiziva chivi, kunze kwekubudikidza nemurairo; nokuti handisaizivawo ruchiva, kana murairo waiva usina kureva kuti: Usachiva.

8 Asi chivi, chawana mukana nemurairo, chikaita mandiri ruchiva rwose; nokuti kunze kwemurairo chivi chakafa.

9 Ini ndakambova mupenyu kunze kwemurairo, asi murairo pawakasvika, chivi chakava chipenyuzve, neni ndikafa;

10 uye murairo waiva weupenyu, iwo wakawanikwa neni wava werufu;

11 nokuti chivi, chawana mukana nemurairo, chakandinyengera chikandiuraya nawo.

12 Naizvozvo mutemo mutsvene, nemurairo mutsvene, uye wakarurama, uye wakanaka.

13 Naizvozvo zvakanaka zvakava rufu mandiri here? Ngazvisadaro! Asi chivi, kuti chiratidzwe kuti chivi, chinobata rufu mandiri nezvakanaka; kuti chivi nemurairo chive chakaipa kwazvo-kwazvo.

14 Nokuti tinoziva kuti murairo ndewemweya; asi ini ndiri wenyama, ndakatengeswa pasi pechivi.

15 Nokuti icho chandinoita, handichizivi; nokuti chandinoda, ndicho chandisingaiti; asi chandinovenga, ndicho chandinoita.

16 Zvino kana ndichiita icho chandisingadi, ndinobvumirana nemurairo kuti wakanaka.

17 Asi ikozvinowo handisisiri ini ndinochiita, asi chivi chinogara mandiri.

18 Nokuti ndinoziva kuti mandiri, ndiko kuti munyama yangu, hamugari chakanaka; nokuti kuda kurimo mandiri, asi kuita chakanaka handikuwani.

19 Nokuti chakanaka chandinoda, handiiti; asi chakaipa chandisingadi, ndicho chandinoita.

20 Zvino kana ndichiita icho chandisingadi ini, handisisiri ini ndinochiita, asi chivi chinogara mandiri.

21 Naizvozvo ndinowana murairo wekuti kana ndichida kuita chakanaka, chakaipa chiripo pandiri.

22 Nokuti ndinofara mumurairo waMwari zvinoenderana nemunhu wemukati;

23 asi ndinoona umwe murairo mumitezo yangu unorwa nemurairo wemurangariro wangu, uye uchanditapira kumurairo wechivi uri mumitezo yangu.

24 Ini munhu anosuruvara! Ndiani achandisunungura pamuviri werufu urwu?

25 Ndinotenda Mwari kubudikidza naJesu Kristu Ishe wedu. Naizvozvo zvino nemurangariro ini ndomene ndinoshumira murairo waMwari, asi nenyama murairo wechivi.