ShonaTeam Romans « 5 »

Mibairo yekururama

5Naizvozvo zvatakanzi takarurama nerutendo, tine rugare kuna Mwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu,

2 watine mapindirowo naye nerutendo munyasha idzi dzatinomira madziri, tichizvikudza mutariro yekubwinya kwaMwari.

3 Zvisati zviri izvo chetewo, asi tichizvikudzawo mumatambudziko, tichiziva kuti dambudziko rinouisa kutsungirira,

4 uye kutsungirira kutsiga, nekutsiga tariro;

5 uye tariro hainyadzisi, nokuti rudo rwaMwari rwakadirwa mumoyo yedu neMweya Mutsvene wakapiwa kwatiri.

6 Nokuti tichiri pakushaiwa simba, Kristu panguva yakafanira wakafira vasingadi Mwari.

7 Nokuti zvinorema kuti umwe afire wakarurama; nokuti zvimwe kungavapo kunyange angatsunga kufira wakanaka.

8 Asi Mwari anosimbisa rudo rwake amene kwatiri, kuti tichiri vatadzi Kristu wakatifira.

9 Naizvozvo zvikurusa, ikozvino zvatinonzi takarurama muropa rake, tichaponeswa naye pahasha.

10 Nokuti kana pataiva vavengi takayananiswa naMwari nerufu rweMwanakomana wake, kunyanya zvatakayananiswa tichaponeswa muupenyu hwake;

11 zvisati zviri izvozvowo chete, asi tinozvikudzawo muna Mwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu, watakagamuchira ikozvino naye chiyananiso.

Adhamu naKristu vanofananidzwa

12 Naizvozvo, chivi sezvachakapinda munyika nemunhu umwe, nerufu rukapinda nechivi, uye saizvozvo rufu rwakapfuurira kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza;

13 nokuti kusvika murairo wavapo chivi chaiva chiripo panyika; nokuti chivi hachiverengerwi pasina murairo,

14 asi rufu rwakabata ushe kubva kuna Adhamu kusvika kuna Mozisi, kunyange pamusoro pevaiva vasina kutadza zvakafanana sekudarika kwaAdhamu, anova mufananidzo waiye waiva achizouya.

15 Asi kwete sekudarika, zvakaitawo chipo chenyasha. Nokuti kana nekudarika kweumwe vazhinji vakafa, kunyanya kazhinji nyasha dzaMwari nechipo zvakawandira vazhinji nenyasha dzemunhu umwe, Jesu Kristu.

16 Uye chipo hachina kuita sekubudikidza neumwe wakatadza; nokuti kutongwa kwakabva kune umwe kuchienda mukupiwa mhosva, asi chipo chenyasha chinobva pazvitadzo zvizhinji chichienda mukushaiswa mhosva.

17 Nokuti kana nekudarika kweumwe rufu rwakatonga naiyeyu oga, kunyanya ivo vanogamuchira kuwanda kwenyasha nekwechipo chekururama vachatonga paupenyu naiyeyu umwe, Jesu Kristu.

18 Naizvozvo sezvo nekudarika kweumwe kutonga kwakauya kuvanhu vose mukupiwa mhosva, saizvozvowo nekururama kweumwe, nyasha dzakauya kuvanhu vose mukusapiwa mhosva kweupenyu.

19 Nokuti sezvo nekusateerera kwemunhu umwe vazhinji vakaitwa vatadzi, saizvozvowo nekuteerera kweumwe, vazhinji vachaitwa vakarurama.

20 Asi murairo wakapinda ukawedzera, kuti kudarika kuwande; asi chivi pachakawanda, nyasha dzakawanda nekupfuurisa;

21 kuti chivi sezvachakatonga murufu, saizvozvo nenyasha dzitonge nekururama kusvika kuupenyu husingaperi, naJesu Kristu Ishe wedu.