ShonaTeam Romans « 4 »

Abhurahama wakanzi wakarurama nerutendo

4Ko zvino tichati Abhurahama baba vedu wakawanei panyama?

2 Nokuti kana Abhurahama akanzi wakarurama nemabasa, ane kuzvikudza, asi kwete pamberi paMwari.

3 Nokuti rugwaro rwunoti kudini? Rwunoti: Abhurahama wakatenda kuna Mwari, zvikaverengwa kwaari kuti kururama.

4 Asi kune anoshanda, mubairo hauverengwi sewenyasha, asi sewengava.

5 Asi kune asingashandi, asi anotenda kuna iye anoshaisa mhosva asingadi Mwari, rutendo rwake rwunoverengerwa kuti kururama.

6 Uye sezvo Dhavhidhi achitsanangura kuropafadzwa kwemunhu, Mwari waanoverengera kururama kunze kwemabasa, achiti:

7 Vakaropafadzwa vane kudarika kwakakanganwirwa, uye vane zvivi zvakafukidzirwa.

8 Wakaropafadzwa munhu Ishe waasingatongoverengeri chivi.

9 Naizvozvo kuropafadzwa uku kuri pamusoro pekudzingiswa here, kana pamusoro pekusadzingiswawo? Nokuti tinoti: Rutendo rwakaverengwa kuna Abhurahama kuti kururama.

10 Ko kwakaverengwa sei? Paaiva ari mukudzingiswa here, kana mukusadzingiswa? Kwete mukudzingiswa, asi mukusadzingiswa.

11 Zvino wakagamuchira chiratidzo chekudzingiswa, mucherechedzo wekururama kwerutendo, rwaaiva anarwo mukusadzingiswa; kuti ave baba vevose vanotenda mukusadzingiswa, kuti kururama kuverengerwe kwavariwo;

12 uye baba vekudzingiswa kune avo vasiri vanobva mukudzingiswa chete, asi vanofambawo mumakwara erutendo rwababa vedu Abhurahama kwavaiva nako mukusadzingiswa.

13 Nokuti chivimbiso hachina kuva kuna Abhurahama kana kumbeu yake kubudikidza nemurairo, chekuva mugari wenhaka yenyika, asi nekururama kwerutendo.

14 Nokuti kana ivo vanobva pamurairo vari vagari venhaka, rutendo rwunoshaiswa maturo, nechivimbiso chinokoneswa;

15 nokuti murairo unouisa kutsamwa; nokuti pasina murairo, hapana kudarikawo.

16 Naizvozvo ndezverutendo, kuti zvive zvenyasha, kuti chivimbiso chisimbiswe kumbeu yose; isati iri yemurairo chete asi neiyo yerutendo rwaAbhurahama, anova baba vedu tose,

17 (sezvazvakanyorwa zvichinzi: Ndakakugadza uve baba vemarudzi mazhinji) pamberi paiye waakatenda, iye Mwari, anoraramisa vakafa, neanodana zvisipo sekunge zviripo.

18 Iye achipokana netariro wakatenda kutariro, kuti achava baba vemarudzi mazhinji, sezvaiva zvataurwa kuti: Ichaita saizvozvo mbeu yako.

19 Uye haana kushaiwa simba parutendo, haana kurangarira muviri wake womene waiva watofa, ava nemakore anenge zana, uye kufa kwechizvaro chaSara;

20 asi haana kusava nechokwadi nechivimbiso chaMwari nekusatenda, asi wakasimbiswa parutendo, achipa rumbidzo kuna Mwari,

21 achipwisa zvakazara kuti icho chaakavimbisa, waiva achigonawo kuchiita.

22 Zvino naizvozvo zvakaverengerwa kwaari kuti kururama.

23 Asi zvaiva zvisina kunyorwa nekuda kwake oga, kuti zvakaverengerwa kwaari;

24 asi nekuda kweduwo, tichaverengerwa icho, tinotenda kune wakamutsa Jesu Ishe wedu kubva kuvakafa,

25 wakatengeswa nekuda kwezvitadzo zvedu, akamutswazve nekuda kwekunzi takarurama.