ShonaTeam Romans « 2 »

Vanhu vose vanofanira kutongwa

2Naizvozvo hauna manzvengero, iwe munhu, upi neupi anotonga; nokuti neicho chaunotonga nacho umwe, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe unotonga unoita zvinhu zvakangodaro.

2 Asi tinoziva kuti kutonga kwaMwari kunoenderana nechokwadi pamusoro pevanoita zvinhu zvakadaro.

3 Zvino unofunga izvi, haiwa munhu anotonga vanoita zvinhu zvakadaro, uchiitawo zvakadaro, kuti iwe uchatiza kutonga kwaMwari here?

4 Kana unozvidza here fuma yenyasha dzake nemoyo murefu nemoyo munyoro, usingazivi kuti nyasha dzaMwari dzinokuisa pakutendeuka?

5 Asi neukukutu hwako nemoyo usingatendeuki unozvichengetera hasha nezuva rehasha nekuzarurwa kwekutonga kwakarurama kwaMwari,

6 iye achapa mubairo kune umwe neumwe maererano nemabasa ake;

7 upenyu husingaperi kune vanotsungirira pakuita kwakanaka vanotsvaka kubwinya nekukudzwa nekusafa;

8 asi kune vane nharo, uye vasingateereri chokwadi asi vanoteerera kusarurama, kuchavapo kutsamwa nehasha,

9 dambudziko nekumanikidzika, pamusoro pemweya weupenyu umwe neumwe wemunhu anoita zvakaipa, pakutanga wemuJudha newemuGirikiwo;

10 asi kubwinya nerukudzo nerugare kune umwe neumwe anoita zvakanaka, kumuJudha pakutanga, nekumuGirikiwo;

11 nokuti hakuna rusarura rwemunhu kuna Mwari.

12 Nokuti vose vakatadza vasina murairo, vachapararawo vasina murairo; uye vose vakatadza mumurairo, vachatongwa nemurairo;

13 nokuti havasi vanzwi vemurairo vakarurama pamberi paMwari, asi vaiti vemurairo vachanzi vakarurama.

14 Nokuti kana vahedheni vasina murairo vachiita pachisikirwo zviri pamurairo, ivo, vasina murairo, ndivo murairo kwavari vamene;

15 vanoratidza basa remurairo wakanyorwa mumoyo yavo; hana yavo ichipupurawo, nemirangariro ichipa mhosva kanawo kuvapembedza pakati pavo,

16 nezuva Mwari raachatonga zvakavanzika zvevanhu, naJesu Kristu, maererano neevhangeri yangu.

VaJudha havana pembedzo

17 Tarira iwe unonzi muJudha, uye unozembera pamurairo, unozvikudza muna Mwari,

18 uye unoziva chido chake, nekugamuchira zvakanakisa, uchidzidziswa kubva pamurairo,

19 uye unozvivimba kuti iwe uri mutungamiriri wemapofu, chiedza chevari murima,

20 murairiri wemapenzi, mudzidzisi wevacheche, une chimiro cheruzivo nechechokwadi mumurairo;

21 naizvozvo iwe anodzidzisa umwe, hauzvidzidzisi here? Iwe anoparidza kuti usaba, unoba here?

22 Iwe anoti usapomba, unopomba here? Iwe anosema zvifananidzo, unopamba tembere here?

23 Iwe anozvirumbidza nemurairo, unoshoora Mwari nekudarika murairo here?

24 Nokuti zita raMwari rinonyombwa pakati pevahedheni nekuda kwenyu, sezvo zvakanyorwa.

25 Nokuti kudzingiswa kunobatsira zvirokwazvo, kana uchiita murairo; asi kana uri mudariki wemurairo, kudzingiswa kwako kwava kusadzingiswa.

26 Naizvozvo kana kusadzingiswa kuchichengeta zviga zvemurairo, kusadzingiswa kwake hakuverengwi kuti kudzingiswa here?

27 Nekusadzingiswa kwepachisikirwo, kana kuchizadzisa murairo, hakungakutongi here iwe mudariki wemurairo nerugwaro uye nekudzingiswa?

28 Nokuti haasi muJudha, ari muJudha rwekunze, kana kudzingiswa kuri kwekunze panyama;

29 asi iye muJudha ari iye makavanda, nekudzingiswa ndekwemoyo mumweya, kwete murugwaro; ane kurumbidzwa kwake kusingabvi kuvanhu asi kuna Mwari.