ShonaTeam Acts « 28

Vana Pauro vanogamuchirwa zvakanaka paMerita

28Zvino vakati vapona, ipapo vakaziva kuti chiwi chinonzi Merita.

2 Zvino vatorwa vakatiitira unyoro husina kujairika; nokuti vakavesa moto, vakatigamuchira tose, nekuda kwemvura yaitanga uye nekuda kwechando.

3 Zvino Pauro wakati aunganidza svinga rehuni, akaisa pamoto, kwakabuda chiva kubva murudziyira, chikakwinyira paruoko rwake.

4 Zvino vatorwa vakati vachiona chikara chakaremberera paruoko rwake, vakataurirana vachiti: Zvirokwazvo munhu uyu imhondi, iye kunyange apukunyuka gungwa, kururama hakumutenderi kurarama.

5 Iye ndokuzuzira chikara mumoto, akasambokuvara.

6 Zvino vakatarisira kuti iye achazvimba, kana kuwira pasi pakarepo akafa; asi vakati vatarira nguva refu, vakaona pasina chinhu chisina kujairika chaitika kwaari, vakashandura pfungwa dzavo voti iye ndimwari.

Pauro anoporesa murwere

7 Zvino panharaunda yenzvimbo iyo paiva neminda yemukuru wechiwi wainzi Pubhirio; iye wakatigamuchira akatigarisa zvakanaka mazuva matatu.

8 Zvino zvakaitika kuti baba vaPubhirio vaiva varere vakabatwa nefivhiri nemudumbu weropa; kwavari Pauro kwaakapinda, akanyengetera, akaisa maoko pamusoro pavo, akavaporesa.

9 Naizvozvo izvi zvakati zvaitika, vamwewo vaiva nezvirwere pachiwi vakaswedera ndokuporeswa;

10 ivo vakatikudzawo nerukudzo ruzhinji, uye toenda nechikepe, vakakwidza zvinhu zvaidikanwa.

Pauro anoenda kuRoma kwaanogara makore maviri

11 Zvino shure kwemwedzi mitatu takabva nechikepe cheArekizandiria, chaiva chagara muchando pachiwi, chaiva nechiratidzo chekuti Dhiosikuri*.

12 Zvino tasvika paSirakuse takagara mazuva matatu.

13 Tabvapo tikatenderera tikasvika kuRegiomu; zvino shure kwezuva rimwe mhepo yechamhembe ikasimuka, zuva repiri tikasvika muPuteori;

14 matakawana hama, tikakumbirwa kugara nadzo mazuva manomwe; saizvozvowo takaenda kuRoma.

15 Zvino kubva ipapo hama dzakati dzanzwa nezvedu, dzikabuda kuzotichingamidza kudzamara Apio Foramu nepaDzimba Dzevaeni Nhatu; ivo Pauro vaakati achiona, akavonga Mwari, akatsunga moyo.

16 Zvino takati tasvika kuRoma, mukuru wezana akakumikidza vasungwa kumutungamiriri wevarindi; asi Pauro wakatenderwa kugara ari oga, nemuuto anomurinda.

17 Zvino zvikaitika shure kwemazuva matatu, kuti Pauro wakadanira vaiva vakuru vevaJudha pamwe; zvino vakati vaungana, akati kwavari: Varume hama, ini ndisina kuita chinhu chinopesana nerudzi kana tsika dzemadzibaba, ndiri musungwa ndabva kuJerusarema ndakumikidzwa pamaoko evaRoma;

18 ivo vakati vandiongorora vakada kundisunungura, nokuti paiva pasina chikonzero cherufu kwandiri.

19 Asi vaJudha vakaramba, ndikarovererwa kuikwidza kuna Kesari, kwete kuti ndaiva nechinhu chekumhan'arira rudzi rwangu.

20 Naizvozvo nekuda kwechikonzero ichi ndakudanai kuti ndikuonei, nditaure nemwi; nokuti ndakamoneredzwa neketani iyi nekuda kwetariro yaIsraeri.

21 Zvino vakati kwaari: Isu hatina kugamuchira tsamba kubva kuJudhiya pamusoro pako, uye hakuna umwe wehama, wakati asvika, akatipira kana kutaura chinhu chakaipa pamusoro pako.

22 Asi tinoda kunzwa newe zvaunofunga; nokuti maererano nebato iri tinoziva kuti rinopikiswa kose-kose.

23 Zvino vakati vamutarira zuva, vazhinji vakauya kwaari kuimba yevaenzi; akavadudzira achivapupurira ushe hwaMwari, akavagombedzera zviri maererano naJesu, zvose kubva pamurairo waMozisi nevaporofita, kubva mangwanani kusvika madekwani.

24 Zvino vamwe vakatenda zvinhu zvakataurwa, asi vamwe vakasatenda.

25 Zvino zvavaiva vasingawirirani pachavo, vakaenda, Pauro ataura shoko rimwe chete rekuti: Mweya Mutsvene wakataura zvakanaka naIsaya muporofita kumadzibaba edu,

26 achiti: Enda kurudzi urwu ugoti: Nekunzwa muchanzwa, uye hamungatongonzwisisi; nekuona muchaona, uye hamungatongoonesesi.

27 Nokuti moyo wevanhu ava wakasindimadzwa, uye nenzeve vanonzwa nemutsutsururu, nemeso avo vakavhara; kuti zvimwe vangaona nemeso, nekunzwa nenzeve, nekunzwisisa nemoyo, zvino vatendeuke, ndigovaporesa.

28 Naizvozvo ngazvizikanwe kwamuri, kuti ruponeso rwaMwari rwunotumirwa kuvahedheni, uye ivo vachanzwa.

29 Zvino wakati ataura zvinhu izvi, vaJudha vakaenda, vachiita nharo huru pakati pavo.

30 Pauro akagara makore maviri agere mumba yake pachake yaairipira mari, uye akagamuchira vose vaipinda kwaari,

31 achiparidza ushe hwaMwari, nekudzidzisa zviri maererano naIshe Jesu Kristu, neushingi hwose, pasina kudziviswa.