ShonaTeam Acts « 27 »

Pauro anoenda kuRoma

27Zvino kwakati kwatemwa kuti tiende kuItaria nechikepe, vakakumikidza Pauro nevamwewo vasungwa kumukuru wezana wainzi Juriasi, wehondo yamambo mukuru.

2 Zvino takati tapinda muchikepe cheAdhiramitiyamu, chaiva choda kuenda nemugungwa tichitevedza nzvimbo dzeAsia, tikatanga kufamba nechikepe, Arisitako muMakedhonia weTesaronika anesu.

3 Chifume tikasvika paSidhoni; Juriasi akabata Pauro zvakanaka, akamutendera kuti aende kushamwari dzake, kuti abatsirwe.

4 Takati tabva ipapo nechikepe tikapfuura takadzikatirwa neSaipuresi, nokuti mhepo yaitipikisa,

5 tikati tayambuka gungwa rakatevedza Kirikia nePamufiriya, takasvika paMaira yeRisia.

6 Ipapo mukuru wezana akawana chikepe cheAreksandiria chinoenda kuItaria, ndokutipinza machiri.

7 Zvino takati tananaira nechikepe mazuva mazhinji, tikasvika pakatarisana neKinido nemutsutsururu, mhepo isingatitenderi, tikaburuka takatevedza Kirete, kwakatarisana neSarimoni;

8 tikapapfuura nemutsutsururu tikasvika pane imwe nzvimbo panonzi Zororo Rakanaka; pedo naro paiva neguta Rasea.

9 Zvino nguva huru yakati yapfuura, nekufamba nechikepe ikozvino kwava nenjodzi, nokuti kutsanyawo kwaiva kwatopfuura, Pauro akavayambira,

10 achiti kwavari: Varume, ndinoona kuti rwendo rwuchava nekukuvara nekurasikirwa kuzhinji, zvisati zviri zvemutoro nechikepe chete, asi nekweupenyu hwedu.

11 Asi mukuru wezana wakatenda mufambisi wechikepe nemwene wechikepe kupfuura zvinhu zvakarehwa naPauro.

12 Zvino sezvo zororo raiva risina kunaka kugarwa muchando, vazhinji vakayambira kuti pabviwe, zvimwe vangagona kusvika kuFenikisi vagareko muchando, ndiro zororo reKirete, raiva rakatarira kuchamhembe kwakadziva kumavirira nekumaodzanyemba akadziva kumavirira.

13 Zvino mhepo yechamhembe yakati ichifefetera, vakafunga kuti vawana vavariro yavo, vakabvisa zvipingo zvechikepe, vakatevedza pedo neKirete nechikepe.

14 Asi pasina kupfuura nguva huru mhepo ine simba yainzi Yurokiridhoni, yakachirova;

15 zvino chikepe chakati chabatwa, chisingagoni kumirisana nemhepo, tikarega tikakukurwa.

16 Zvino takatevedza zasi kwechimwe chiwi chidiki chinonzi Kraudha, tikakwanisa kubata chikepe nemutsutsururu;

17 chavakati vachisimudza, vakashandisa zvibatsiro, vachisunga chikepe nepasi; vachitya kuti vacharasikira paSetisi, vakaderedza seiri, ndokukukurwa saizvozvo.

18 Zvino tichatambudzwa kwazvo nedutu remhepo, chifume vakabudisa nhumbi kunze;

19 uye pazuva retatu, takarasa zvombo zvechikepe nemaoko edu pachedu.

20 Zvino kwakati kusina kuonekwa zuva kana nyeredzi kwemazuva mazhinji, nedutu risati riri diki remhepo richisimba, kubva ipapo tariro yose yekuti tichaponeswa ikatorwa.

21 Zvino yakati yava nguva refu vasingadyi, ipapo Pauro akamira pakati pavo, akati: Haiwa, varume, mungadai makanditeerera mukasabva paKirete, mukapukunyuka kukuvara uku nekurasikirwa.

22 Asi ikozvino ndinokukurudzirai kuti mutsunge moyo; nokuti hakungavi nekurasikirwa neupenyu pakati penyu, asi kwechikepe.

23 Nokuti usiku huno kwakamira neni mutumwa waMwari, wandiri wake, newandinoshumira,

24 achiti: Usatya Pauro; unofanira kumira pamberi paKesari; zvino tarira, Mwari wakupa vose vanofamba newe muchikepe.

25 Naizvozvo varume, tsungai moyo; nokuti ndinotenda kuna Mwari kuti zvichava saizvozvo senzira yandakaudzwa nayo.

26 Asi tinofanira kurasirwa pane chimwe chiwi.

27 Zvino usiku hwegumi neuna hwakati hwasvika, tichangomveeswa muAdhira, panenge pakati peusiku, vafambisi vechikepe vakafunga kuti imwe nyika yoswedera kwavari.

28 Vakakanda gavi rekuyera kudzika vakawana mafadomi* makumi maviri; vakati vapfuura zvishoma, vakakandazve gavi rekuyera kudzika, vakawana mafadomi gumi nemashanu;

29 zvino vakatya kuti zvimwe tichawira pamabwe, vakakanda zvipingo zvina neshure kwechikepe, vakashuva kuedza.

30 Zvino vafambisi vechikepe vakati vachitsvaka kutiza muchikepe, vaburusira igwa mugungwa, vachiita sevanenge vokanda zvipingo mberi kwechikepe,

31 Pauro akati kumukuru wezana nekumauto: Kana ava vakasagara muchikepe, imwi hamugoni kuponeswa.

32 Ipapo mauto akagura mabote egwa, ndokurirega rikawa.

33 Zvino kwakati koedza, Pauro akakumbirisa vose kuti vadye, achiti: Nhasi izuva regumi nechina ramakagarira muchitsanya, musingadyi chinhu.

34 Saka ndinokukumbirisai kuti mudye; nokuti ndezveruponeso rwenyu; nokuti hakuna ruvhudzi rwuchawa kubva pamusoro weumwe wenyu.

35 Wakati areva zvinhu izvi, atora chingwa, akavonga kuna Mwari pamberi pavo vose, akati achimedura akatanga kudya.

36 Zvino vakatsunga moyo vose, ivowo vakadya.

37 Zvino isu, mweya yeupenyu yose yaiva muchikepe, taiva mazana maviri nemakumi manomwe nevatanhatu.

38 Zvino vakati vaguta kudya vakarerusa chikepe, vachikanda zviyo kunze mugungwa.

39 Kwakati kwaedza, vakasaziva nyika; asi vakaona rimwe mhenderekedzo rekuzorora raiva nemahombekombe ejecha, vakarangana kana vaigona, kuti vasundire chikepe pariri.

40 Zvino vakagura zvipingo, vakazvisiya mugungwa, nenguva iyoyo vakasunungura zvisungo, vakasimudzira seiri repamberi kumhepo, vakaruramira kumahombekombe.

41 Zvino vakati vachiwira panzvimbo pamasanganirano emakungwa, vakagumhirisa chikepe pasi; muromo ukabatira ndokurambira usingazununguki, asi rutivi rweshure rukavhunika nesimba remafungu.

42 Zvino zano remauto rekuti vauraye vasungwa, kuti zvimwe vamwe vangashambira vakatiza.

43 Asi mukuru wezana achida kuponesa Pauro, akavadzivisa pazvinangwa zvavo, akaraira kuti vanogona kushambira vatange kuzviwisira mugungwa, vaende kunyika;

44 uye vakasara, vamwe pamatanda, vamwe pane zvimwe zvipenga zvechikepe. Saizvozvowo zvakaitika kuti vose vakasvika kunyika vari vapenyu.