ShonaTeam Acts « 26 »

Pauro pamberi paAgripa naFesitasi

26Zvino Agripa akati kuna Pauro: Unotenderwa kuzvitaurira. Ipapo Pauro akatandavadza ruoko, akazvipindurira achiti:

2 Pane zvose zvandakamhan'arirwa nevaJudha, mambo Agripa, ndinoona ndichifara kuti ndodozvidavirira pamberi penyu nhasi;

3 zvikuru nokuti ndinoziva kuti mune ruzivo rwetsika dzose nemakakava ari pakati pevaJudha; naizvozvo ndinokukumbirai kuti mundinzwe nemoyo murefu.

4 Naizvozvo mufambiro wangu kubva paudiki, waiva kubva pakutanga pakati perudzi rwangu paJerusarema, vaJudha vose vanoziva,

5 vaindiziva kubva pakutanga kana vachida kupupura, kuti nenzira yakasimba yeboka rechitendero chedu ndairarama ndiri muFarisi.

6 Uye ikozvino ndimire ndichitongwa nekuda kwetariro yechivimbiso chakaitwa naMwari kumadzibaba,

7 marudzi edu gumi nemaviri achishumira akasimba siku nesikati vachitarisira kusvika pachiri. Nekuda kwetariro iyi, mambo Agripa, ndinopiwa mhosva nevaJudha.

8 Sei zvichifungwa kuti zvinhu zvisingatendeseki kwamuri, kana Mwari achimutsa vakafa?

9 Naizvozvo ini ndaifunga ndomene kuti ndinofanira kuita zvinhu zvizhinji zvinopesana nezita raJesu weNazareta;

10 neni zvandakaita muJerusarema, uye ini ndakapfigira vazhinji vevatsvene mumatirongo, ndagamuchira simba kubva kuvapristi vakuru; nepavaiurawa ndaizvisarudza.

11 Uye ndaivaranga kazhinji mumasinagoge ose, ndichivaroverera kuti vanyombe; zvino ndichinyanya kuvapengera, ndakavashusha kusvika nekumaguta ekunze.

12 Ndipo neni ndichienda kuDhamasiko nesimba uye nekutumwa kubva kuvapristi vakuru,

13 pamasikati makuru, mambo, ndakaona munzira chiedza chichibva kudenga, chaikunda kupenya kwezuva, chichipenya chakandipoteredza nevaifamba neni.

14 Zvino takati tose tawira pasi pavhu, ndakanzwa izwi richitaura kwandiri richiti nerurimi rwechiHebheru: Sauro, Sauro, unondishushirei? Zvinokuremera kukavana nezvibayo.

15 Zvino ini ndikati: Ndimwi ani, Ishe? Akatiwo: Ndini Jesu waunoshusha iwe.

16 Asi simuka, uye umire netsoka dzako; nokuti ndazviratidzira izvi kwauri, ndikuite mushumiri nechapupu zvose chezvinhu zvawakaona nezvandichazviratidza nazvo kwauri,

17 ndichikununura kuvanhu nevahedheni, vandinokutumira kwavari ikozvino,

18 kusvinudza meso avo, nekuvatendeusa kubva murima vaende kuchiedza, nepasimba raSatani vaende kuna Mwari, kuti vagamuchire kanganwiro yezvivi, uye nhaka pakati pevakaitwa vatsvene nerutendo rwuri mandiri.

19 Naizvozvo, mambo Agripa, handina kuramba kuteerera chiratidzo chekudenga;

20 asi ndakaparidza kutanga kune veDhamasiko neveJerusarema, nekudunhu rose reJudhiya, nekuvahedheni, kuti vatendeuke, uye vadzokere kuna Mwari, vaite mabasa akafanira kutendeuka.

21 Nekuda kwezvinhu izvi vaJudha vakandibata mutembere, vakaidza kundiuraya.

22 Naizvozvo ndawana rubatsiro kubva kuna Mwari, ndakamira kusvika zuva rino, ndichipupura kuvadiki nevakuru, ndisingarevi zvimwe zvinhu kunze kweizvo vaporofita naMozisi zvavakataura kuti zvichaitika,

23 kuti Kristu wakafanira kutambudzika, uye kuti ari wekutanga kumuka kuvakafa, achaparidza chiedza kuvanhu ava nekuvahedheni.

24 Zvino wakati achazvidavirira zvinhu izvi, Fesitasi akati nenzwi guru: Pauro, unopenga; kudzidza kukuru kunokupenza.

25 Asi wakati: Handipengi, Fesitasi changamire; asi ndinodanidzira mashoko echokwadi uye euchenjeri.

26 Nokuti mambo vanoziva zvezvinhu izvi ivo vandinotaura pamberi pavowo ndisingatyi; nokuti ndine chokwadi kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chakavanzika kwavari, nokuti chinhu ichi hachina kuitwa pachikona.

27 Mambo Agripa, munotenda vaporofita here? Ndinoziva kuti munotenda.

28 Agripa ndokuti kuna Pauro: Wasara padiki wandipwisa kuva muKristu.

29 Pauro ndokuti: Ndinoshuva kuna Mwari, kunyange nediki uye nehuru musava imwi mega, asi nevose vanondinzwa nhasi, vave vakadai sezvandiri ini, kunze kwezvisungo izvi.

30 Zvino wakati ataura zvinhu izvi, mambo akasimuka, nemutungamiriri, naBhenike, nevaiva vagere navo;

31 vakati vabuda vakataurirana, vachiti: Munhu uyu haaiti chinhu chakafanira rufu kana zvisungo.

32 Agripa ndokuti kuna Fesitasi: Munhu uyu ungadai asunungurwa dai asina kuikwidza kuna Kesari.