ShonaTeam Acts « 25 »

Pauro pamberi paFesitasi

25Zvino Fesitasi wakati asvika padunhu iro, shure kwemazuva matatu akakwira kuJerusarema achibva Kesariya.

2 Zvino mupristi mukuru nevakuru vevaJudha vakamhan'arira Pauro kwaari, vakamukumbirisa,

3 vachikumbira nyasha dzinopikisana naye, kuti amudanire kuJerusarema, vakavandira kuti vamuuraye panzira.

4 Asi Fesitasi wakapindura kuti Pauro wakachengetwa paKesariya, uye kuti iye amene waiva okurumidza kuendako.

5 Akati: Naizvozvo avo vanokwanisa pakati penyu ngavaburuke neni; kana pane chisina kururama kumurume uyu, ngaamupe mhosva.

6 Wakati agara pakati pavo mazuva anopfuura gumi, wakaburukira Kesariya; chifume agara pachigaro chekutonga akaraira kuti Pauro auiswe.

7 Zvino wakati asvika, vaJudha vakaburuka vachibva kuJerusarema vakamira vakamukomba, vachiuisa mhosva zhinji uye dzinorema pana Pauro, dzavaiva vasingagoni kusimbisa,

8 iye achizvidavirira akati: Kumurairo wevaJudha, kana kutembere, kana kuna Kesari handina kutadza chinhu.

9 Asi Fesitasi achida kufadza vaJudha, wakapindura Pauro akati: Unoda here kukwira kuJerusarema, unotongwako pamusoro pezvinhu izvi pamberi pangu?

10 Asi Pauro akati: Ndimire pamberi pechigaro chekutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa; kuvaJudha handina kuita zvisakarurama, sezvamunozivisisa imwiwo.

11 Nokuti kana ndakatadza uye ndakaita chinhu chakafanira rufu, handirambi kufa; asi kana pasina chinhu chezvinhu zvavanondipira mhosva ivo, hakuna munhu anogona kundikumikidza kwavari pachena. Ndinoikwidza kuna Kesari.

12 Ipapo Fesitasi ataurirana nedare remakurukota, akapindura akati: Waikwidza kuna Kesari? Kuna Kesari uchaenda.

Pauro pamberi paAgripa

13 Zvino mamwe mazuva akati apfuura, mambo Agripa naBhenike vakasvika kuKesariya kuzokwazisa Fesitasi.

14 Vakati vagarako mazuva mazhinji, Fesitasi akarondedzera zviri maererano naPauro kuna mambo, achiti: Kune umwe murume wakasiiwa naFerikisi ari musungwa,

15 wandakati pandaiva ndiri kuJerusarema, vapristi vakuru nevakuru vevaJudha vakamumhan'arira, vachikumbira mutongo unopokana naye.

16 Vandakapindura, kuti haisi tsika yevaRoma kukumikidza chero munhu kurufu, uyo anopiwa mhosva asati ambotarisana nevanomupa mhosva, akagamuchira mukana wekuzvipindurira maererano nemhosva.

17 Naizvozvo vakati vaungana pano, pasina kunonoka, nezuva raitevera ndakagara pachigaro chekutonga, ndikaraira kuti murume auiswe.

18 Vamhan'ari vakamusimukira vakasamupa mhosva yezvandaifungira ini,

19 asi vaiva nezvimwe zvavaimupikisa maererano nechitendero chavo, uye zveumwe Jesu waiva afa, Pauro waaiti mupenyu.

20 Zvino ini zvandaiva ndisina chokwadi maererano negakava rakadai, ndakati anoda kuenda kuJerusasrema here, anotongwa ikoko pamusoro pezvinhu izvi.

21 Pauro wakati aikwidza kuti achengeterwe mutongo wamambo mukuru, ndakaraira kuti achengetwe, kusvika ndichimutumira kuna Kesari.

22 Agripa ndokuti kuna Fesitasi: Neni ndinoda kunzwa munhu uyu. Iye akati: Mangwana muchamunzwa.

23 Naizvozvo chifume, Agripa wakati asvika naBhenike, vachionekera kwazvo, vakapinda mumba mekutambira mhosva, nevatungamiriri vezvuru, nevarume vakuru veguta, Fesitasi araira, Pauro akaunzwa.

24 Zvino Fesitasi akati: Mambo Agripa, nevarume vose vari pano nesu, munoona uyu, chaunga chose chevaJudha wachakandikumbira zvose paJerusarema nepano, vachidanidzira kuti haafaniri kuramba achirarama.

25 Asi ini ndakati ndawana kuti haana kuita chinhu chakafanira rufu, uye kuti iye pachake waikwidza kuna mambo mukuru, ndagura kumutumira.

26 Asi handina chinhu chakasimba chandinganyorera ishe pamusoro pake. Naizvozvo ndauya naye pamberi penyu, uye zvikuru pamberi penyu, mambo Agripa, kuti mamuongorora, ndingava nechandinganyora.

27 Nokuti ndinoona zvisina musoro kutuma musungwa, pasina kutaridzwawo mhosva dzakanangana naye.