ShonaTeam Acts « 21 »

Pauro anosvika kuJerusarema kwaanobatwa mutembere

21Zvino zvakaitika kuti tichibva nechikepe taparadzana navo, takafamba nenzira yakarurama tikasvika muKose, neraitevera muRodhe, tikabvapo tikasvika Patara;

2 ndokuti tawana chikepe chaiyambukira kuFonisiya, takapinda tikaenda nechikepe.

3 Takati tabudikira Saipuresi, ndokuisiya kuruoko rweruboshwe, tikaenda kuSiriya nechikepe, tikamhara paTire; nokuti chikepe chaifanira kututunura mutoro ipapo.

4 Zvino takati tawana vadzidzi, tikagarapo mazuva manomwe; ivo vakati neMweya kuna Pauro, arege kukwira kuJerusarema.

5 Zvino zvakaitika kuti takapedza mazuva, tikabva tikaenda, vose vakatiperekedza nevakadzi nevana kusvika kunze kweguta; zvino takafugama nemabvi pamahombekombe tikanyengetera.

6 Zvino tawonekana, takapinda muchikepe, asi ivo vakadzokera kwavo.

7 Asi isu takati tapedza rwendo nechikepe kubva kuTire, takasvika kuPitoremai, tikakwazisa hama tikagara navo zuva rimwe.

8 Chifume isu taiva naPauro takabva tikasvika kuKesariya; ndokupinda mumba maFiripi muevhangeri, waiva umwe wevanomwe, tikagara naye.

9 Uyuwo waiva ane vakunda vana, mhandara dzaiporofita.

10 Zvino takati tagara mazuva mazhinji, kwakaburuka kubva kuJudhiya umwe muporofita wainzi Agabhusi,

11 ndokusvika kwatiri, akatora bhanhire raPauro, akazvisunga maoko nemakumbo ake, akati: Mweya Mutsvene anoreva izvi: Murume bhanhire iri riri rake, vaJudha paJerusarema vachamusunga saizvozvo, nekumukumikidza mumaoko evahedheni.

12 Zvino takati tanzwa zvinhu izvi tose isu nevenzvimbo iyo tikakumbirisa kuti arege kukwira kuJerusarema.

13 Asi Pauro wakapindura akati: Munoitei muchichema nekuputsa moyo wangu? Nokuti ini ndakagadzirira, kwete kusungwa chete, asi nekufa paJerusarema nekuda kwezita raIshe Jesu.

14 Zvino wakati asingapwiswi, takanyarara tikati: Chido chaIshe ngachiitwe.

Pauro paJerusarema

15 Zvino shure kwemazuva iwayo takarongedza, tikakwira kuJerusarema.

16 Nevamwewo vevadzidzi veKesariya vakaenda nesu, vakauya neumwe Minasoni weSaipuresi, mudzidzi wekare, watainogara naye.

17 Zvino takati tichisvika kuJerusarema, hama dzakatigamuchira nemufaro.

18 Chifume Pauro wakapinda nesu kuna Jakobho, nevakuru vose vaiva varipo.

19 Zvino wakati avakwazisa, wakarondedzera chimwe nechimwe chezvinhu Mwari chaakaita pakati pevahedheni neshumiro yake.

20 Ivo vakati vachizvinzwa, vakakudza Ishe; vakati kwaari: Unoona, hama, kuti zvuru zvingani zvevaJudha vanotenda; uye vose vanoshingairira murairo;

21 zvino vakaudzwa nezvako, kuti unodzidzisa vaJudha vose vari pakati pevahedheni kuti vasiye Mozisi, uchiti varege kudzingisa vana, kana kufamba netsika.

22 Ko zvino chii? Zvirokwazvo zvakafanira kuti chaunga chiungane; nokuti vachanzwa kuti wasvika.

23 Naizvozvo ita izvi zvatinoreva kwauri; tine varume vana vane mhiko pamusoro pavo;

24 vatore pamwe newe, uzvichenure pamwe navo, uye uripe muripo wavo, kuti vaveure musoro, kuti vose vazive kuti zvavakaudzwa maererano newe hapana zviripo, asi iwewo pachako unofamba zvakarurama uchichengeta murairo.

25 Asi maererano nevahedheni vanotenda isu tanyora, tikatema kuti vasachengeta chinhu chakadai, kunze kwekuti vazvidzore pane zvakabairwa zvifananidzo, neropa nezvakadzipwa neupombwe.

26 Ipapo Pauro wakatora varume avo, zuva raitevera akazvichenura pamwe navo, akapinda mutembere kupira kupera kwemazuva ekunatswa, kusvika kwabairwa chibairo cheumwe neumwe wavo.

VaJudha vanomutsa bope, Pauro anosungwa

27 Zvino mazuva manomwe akati opera, vaJudha vaibva kuAsia pavakamuona mutembere, vakamutsa chaunga chose, ndokuisa maoko kwaari.

28 Vakadanidzira, vachiti: Varume vaIsraeri, batsirai! Uyu ndiye munhu anodzidzisa vose kose-kose zvinopesana nevanhu, nemurairo, nenzvimbo ino; pamusoro pazvo anouisa vaGirikiwo mutembere, ndokusvibisa nzvimbo ino tsvene.

29 Nokuti vaiva vamboona Trofimo muEfeso anaye muguta, wavaifunga kuti Pauro wamupinza mutembere.

30 Neguta rose rakanyonganiswa; vanhu vakamhanyira pamwe; vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetembere; mikova ikazarirwa pakarepo.

31 Zvino vakati vachitsvaka kumuuraya, shoko rikakwira kumukuru wechuru wehondo, kuti Jerusarema rose ranyonganiswa.

32 Iye pakarepo akatora mauto nevakuru vezana, akaburuka achimhanyira kwavari; ivo vakati vachiona mukuru wechuru chemazana nemauto, vakarega kurova Pauro.

33 Zvino mukuru wechuru chemazana wakaswedera, akamubata, ndokuraira kuti asungwe nemaketani maviri, akabvunza kuti waiva ani, uye kuti waitei.

34 Zvino vamwe pakati pevazhinji vakadanidzira chimwe vamwe chimwewo; zvino asingagoni kuziva chokwadi nekuda kwenyonga-nyonga, wakaraira kuti aiswe kuimba yemauto.

35 Zvino wakati asvika pamitanho, zvakaitika kuti atakurwe nemauto nekuda kwemhirizhonga yechaunga;

36 nokuti chaunga chevanhu chakatevera chichidanidzira chichiti: Mubvise!

37 Pauro wakati oda kupinzwa mumba yemauto akati kumukuru wechuru: Zvinotenderwa here kuti nditaure chinhu kwauri? Iye ndokuti: Unoziva chiGiriki here?

38 Ko iwe hausi uya muEgipita wakamutsa bongozozo mazuva ano asati asvika here, akatungamirira kurenje zvuru zvina zvevarume vaiva mhondi?

39 Asi Pauro wakati: Ini ndiri munhu muJudha, weTaso yeKirikia, mugari weguta risina kureruka. Zvino ndinokukumbirai, nditenderei kutaura kuvanhu.

40 Zvino wakati amutendera, Pauro wakamira pamitanho akaninira kuvanhu neruoko; zvino kwakati kwanyarara kwazvo, akataura kwavari nerurimi rwechiHebheru achiti: