ShonaTeam Acts « 19 »

Pauro paEfeso

19Zvino zvakaitika, Aporo achiri paKorinde, Pauro wakati agura nemativi ekumusoro akasvika paEfeso; akawana vamwe vadzidzi,

2 akati kwavari: Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakatenda? Zvino vakati kwaari: Asi hatina kutongonzwa kana kune Mweya Mutsvene.

3 Zvino akati kwavari: Ko makabhabhatidzwa mune zvipi? Zvino vakati: Murubhabhatidzo rwaJohwani.

4 Zvino Pauro wakati: Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nerubhabhatidzo rwekutendeuka, achiudza vanhu kuti vatende kuna iye anouya shure kwake, ndiko kuti, kuna Kristu Jesu.

5 Zvino vakati vanzwa, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu.

6 Zvino Pauro wakati aisa maoko pamusoro pavo, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavo; vakataura nendimi, ndokuporofita.

7 Zvino varume vose vainge gumi nevaviri.

8 Zvino wakapinda musinagoge akataura akashinga, kwemwedzi mitatu achiparidza achipwisa pazvinhu zveushe hwaMwari.

9 Asi vamwe vakati vachiomesa moyo uye vasingatendi, vachitaura zvakaipa pamusoro penzira iyo pamberi pechaunga, akabva kwavari akatsaura vadzidzi, akaparidza zuva rimwe nerimwe muchikoro cheumwe Tiranosi.

10 Zvino izvi zvakaitika kwemakore maviri, zvekuti vose vaiva vagere paAsia vakanzwa shoko raIshe Jesu, vose vaJudha nevaGiriki.

11 Mwari ndokuita mabasa esimba asina kujairika nemaoko aPauro,

12 zvekuti kunyange kuvarwere kwaiiswa micheka yekumeso kana mafasikoti zvaibva pamuviri wake, hosha dzikabva kwavari, nemweya yakaipa ikabuda kwavari.

13 Zvino vamwe vaJudha vambeyi vadzingi vemweya yakaipa, vakaidza kudana zita raIshe Jesu pamusoro pevaiva nemweya yakaipa, vachiti: Ndinokupikirai naJesu Pauro waanoparidza.

14 Zvino paiva nevamwe vanakomana vanomwe vaSikevha muJudha mupristi mukuru vaiita izvi.

15 Mweya wakaipa ndokupindura ukati: Jesu ndinomuziva, naPauro ndinoziva nezvake; asi imwi ndimwi vana ani?

16 Zvino munhu mweya wakaipa wawaiva paari akavakwakukira, akavakurira, akavakunda, zvekuti vakatiza mumba umo vasina nguvo vakuvadzwa.

17 Zvino izvi zvikazikanwa kune vose vaJudha nevaGirikiwo vaiva vagere paEfeso; kutya ndokuvawira vose; zita raIshe Jesu ndokukudzwa.

18 Zvino vazhinji vevaiva vatenda vakauya, vakareurura, nekurondedzera mabasa avo.

19 Zvino vazhinji vevaiita zveun'anga vakaunganidza mabhuku pamwe vakaapisa pamberi pevose; ndokuverenga mutengo wawo, zvino vakawana masirivha zvuru makumi mashanu.

20 Naizvozvo shoko raIshe rakakura nesimba rikakunda.

21 Zvino izvi zvakati zvapera, Pauro wakazvipira mumweya, ambogura nepaMakedhonia neAkaya, kuenda kuJerusarema, achiti: Shure kwekuva kwangu ikoko, ndinofanirawo kunoona Roma.

22 Zvino akatumira kuMakedhonia vaviri vevaimushandira, Timotio naErasto, iye akagara muAsia kwenguva.

Bongozozo rakamutswa naDhemetrio

23 Zvino nenguva iyoyo nyonga-nyonga isati iri diki ikavapo pamusoro penzira iyo.

24 Nokuti umwe, wainzi Dhemetrio, mupfuri wesirivha, waiita zvitembere zvaDhiana zvesirivha, waiuisa mubairo usati uri mudiki kumhizha;

25 wakadziunganidza pamwe nevamwe vebasa rakadaro, akati: Varume, munoziva kuti nebasa iri tine upfumi hwedu.

26 Zvino munoona nekunzwa kuti pasati pari paEfeso chete, asi panenge paAsia yose, Pauro uyu wakagombedzera nekutsausa chaunga chikuru, achiti vakaitwa nemaoko havasi vamwari.

27 Zvino hazvisi izvi chete kuti chikamu chedu chisvike panjodzi yekuzvidzwa, asi netembere yamwarikadzi mukuru Dhiana ichaonekwa sechinhu pasina, neukuru-kuru hwake huchaderedzwa, iye Asia nenyika yose wavanonamata.

28 Zvino vakati vachizvinzwa vakazara nekutsamwa, vakadanidzira vachiti: Mukuru Dhiana wevaEfeso!

29 Zvino guta rose rakazadzwa nenyonga-nyonga; vakamhanyira nemoyo umwe panhandare, vakakweva Gayo naArisitako vaMakedhonia, vaperekedzi vaPauro.

30 Zvino Pauro akada kupinda muchaunga, vadzidzi havana kumutendera.

31 Uye nevamwe vevakuru veAsia, vaiva shamwari dzake, vakatuma shoko kwaari, vachikumbira zvikuru kwaari kuti arege kuzvipinza panhandare.

32 Zvino vamwe vakadanidzira chimwe vamwe chimwe; nokuti ungano yaiva yanyonganiswa, uye vazhinji vasingazivi zvavakaunganira.

33 Zvino vakabudisira Arekisandiro kunze kubva muchaunga, vaJudha vachimusundira mberi. Zvino Arekisandiro akaninira neruoko, achida kuzvidavirira kuvanhu.

34 Asi pavakaziva kuti muJudha, inzwi rimwe rakamuka kune vose, vakadanidzira maawa anenge maviri vachiti: Mukuru Dhiana wevaEfeso!

35 Zvino munyori wakati anyaradza vanhu akati: Varume veEfeso, nokuti munhu ndeupi aripo asingazivi kuti guta revaEfeso ndiro muchengetedzi wetembere yamwarikadzi mukuru Dhiana newechakawa kubva kudenga?

36 Naizvozvo zvinhu izvi zvazvisingagoni kurambwa, munofanira kunyarara musingaiti chinhu nekumhanyirira.

37 Nokuti mauisa varume ava, vasiri makororo edzitembere kana vamhuri vamwarikadzi wenyu.

38 Naizvozvo kana Dhemetrio nemhizha dzinaye vane mhosva neumwe, matare emhosva akazarurwa, nevatongi varipo; ngavakwirirane.

39 Asi kana muchitsvaka chimwe chinhu maererano nezvimwe zvinhu, zvingatemwa paungano iri pamutemo.

40 Nokuti tiri munjodziwo yekupiwa mhosva yebongozozo ranhasi zvapasina chikonzero chatingapa nacho rondedzero yenyongano iyi.

41 Zvino wakati ataura izvozvi, akaparadza ungano.