ShonaTeam Acts « 18 »

Pauro paKorinde neEfeso

18Shure kwezvinhu izvi Pauro wakabva paAtene akauya kuKorinde.

2 Zvino akawana umwe muJudha wainzi Akwira, wePonto pakuberekwa (achangosvika kubva kuItaria), naPrisira mukadzi wake, nekuda kwekuraira kwaKiraudhio kuti vaJudha vose vabve kuRoma, akaenda kwavari;

3 zvino nokuti vaiva vari vebasa rimwe, wakagara navo ndokushanda; nokuti vaiva vagadziri vematende pabasa.

4 Zvino waiparidza sabata rimwe nerimwe musinagoge, achigombedzera vaJudha nevaGiriki.

5 Zvino Sirasi naTimotio vakati vachiburuka kubva kuMakedhonia, Pauro wakamanikidzwa neMweya, akapupura kuvaJudha kuti Jesu ndiye Kristu.

6 Zvino vakati vachimupikisa nekutuka, akazunza nguvo, akati kwavari: Ropa renyu ngarive pamusoro penyu; ini ndakachena; kubva ikozvino ndichaenda kuvahedheni.

7 Zvino wakabva ipapo akaenda kumba kweumwe wainzi Jusito, wainamata Mwari, imba yake yaiva yakabatana nesinagoge.

8 NaKrisipo mutungamiriri wesinagoge wakatenda kuna Ishe neimba yake yose; nevazhinji vevaKorinde vakanzwa vakatenda uye vakabhabhatidzwa.

9 Zvino Ishe wakataura kuna Pauro pausiku nechiratidzo: Usatya, asi taura uye usanyarara;

10 nokuti ini ndinewe, uye hapana angakumukira kuti akukuvadze; nokuti ndine vanhu vazhinji muguta rino.

11 Zvino wakagara gore nemwedzi mitanhatu, achidzidzisa shoko raMwari pakati pavo.

12 Zvino Gario wakati ava mutungamiriri weAkaya, vaJudha vakamukira Pauro nemoyo umwe, vakamuuisa pamberi pechigaro chekutonga,

13 vachiti: Uyu anogombedzera vanhu kunamata Mwari zvinopesana nemurairo.

14 Zvino Pauro wakati oda kushamisa muromo, Gario akati kuvaJudha: Naizvozvo dai chaiva chinhu chezvisakarurama kana mhosva yakaipa, haiwa vaJudha, nechikonzero ichi ndaikuitirai nemoyo murefu;

15 asi kana dziri nharo pamusoro peshoko nemazita nemurairo wenyu pachenyu, zvionerei imwi; nokuti ini handidi kuva mutongi weizvozvo.

16 Ndokuvadzinga pachigaro chekutonga.

17 Zvino vaGiriki vose vakabata Sositeni mutungamiriri wesinagoge, vakamurova pamberi pechigaro chekutonga. Asi Gario haana kuva nehanya nechinhu chimwe cheizvozvo.

18 Pauro wakati achigere mazuva mazhinji, akaonekana nehama, akabvapo nechikepe akaenda kuSiriya, uye Prisira naAkwira vanaye, aveura musoro paKenikirea, nokuti waiva ane mhiko.

19 Zvino wakasvika muEfeso, akavasiyapo; asi iye wakapinda musinagoge akataurirana nevaJudha.

20 Zvino vakati vamukumbira kugara navo nguva yakati rebei, haana kutenda;

21 asi wakavaoneka achiti: Ndinofanira nenzira dzose kuchengetedza mutambo unouya muJerusarema; asi ndichadzokazve kwamuri, kana Mwari achida. Akabva paEfeso nechikepe.

22 Zvino wakati asvika Kesariya, ndokukwira akakwazisa kereke, akaburukira kuAndiyokiya.

Rwendo rwechitatu rwaPauro

23 Zvino wakati ambopedza nguva, akabva, akagura nedunhu reGaratiya neFrigia achitevedzanisa, achisimbisa vadzidzi vose.

24 Zvino umwe muJudha wainzi Aporo, muAreksandiria nekuberekwa, murume nyanzvi yekutaura, ane simba pamagwaro, wakasvika paEfeso.

25 Uyu waiva adzidziswa nzira yaIshe, uye waishingaira mumweya, achitaura nekunyatsodzidzisa zvinhu zvaIshe, achiziva rubhabhatidzo rwaJohwani chete;

26 iye ndokutanga kutaura asingatyi musinagoge. Zvino Prisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamutora, vakanyatsomududzira nzira yaMwari nemazvo.

27 Zvino wakati achida kuyambukira kuAkaya, hama dzakanyora dzichisimbisa vadzidzi kuti vamugamuchire; iye wakati achisvika akabatsira zvikuru avo vakatenda nenyasha;

28 nokuti wakapwisa vaJudha nesimba pachena, achiratidza nemagwaro kuti Jesu ndiye Kristu.